1וירע אל יונה רעה גדולה ויחר לו׃
1Asi zvakaodza mwoyo waJona kwazvo, akatsamwa.
2ויתפלל אל יהוה ויאמר אנה יהוה הלוא זה דברי עד היותי על אדמתי על כן קדמתי לברח תרשישה כי ידעתי כי אתה אל חנון ורחום ארך אפים ורב חסד ונחם על הרעה׃
2Akanyengetera Jehovha, akati, Aiwa, Jehovha, handizvo zvandakataura, ndichiri munyika yangu here? Saka ndakachimbidzika kutizira Tashishi; nekuti ndakanga ndichiziva kuti muri Mwari ane nyasha, ane tsitsi, asingachimbidziki kutsamwa, azere nounyoro, muchizvidemba pamakafunga kuuyisa zvakaipa.
3ועתה יהוה קח נא את נפשי ממני כי טוב מותי מחיי׃
3Saka Jehovha, zvino chinditorerai henyu upenyu hwangu; nekuti zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.
4ויאמר יהוה ההיטב חרה לך׃
4Jehovha akati, Zvakanaka here zvawatsamwa?
5ויצא יונה מן העיר וישב מקדם לעיר ויעש לו שם סכה וישב תחתיה בצל עד אשר יראה מה יהיה בעיר׃
5Ipapo Jona akabuda muguta, akandogara kurutivi rwamabvazuva rweguta, akazvivakirapo musasa, ndokugaramo mumumvuri, achiti ndigoona zvichaitirwa guta.
6וימן יהוה אלהים קיקיון ויעל מעל ליונה להיות צל על ראשו להציל לו מרעתו וישמח יונה על הקיקיון שמחה גדולה׃
6Jehovha Mwari ndokuraira muti womuchindwe, akaumeresa kumusoro kwaJona, kuti uve mumvuri pamusoro wake, shungu dzake dzinyaradzwe. Zvino Jona akafarira kwazvo muti womuchindwi.
7וימן האלהים תולעת בעלות השחר למחרת ותך את הקיקיון וייבש׃
7Asi nezuva rakatevera Mwari akaraira gonye mangwanani, rikamunya muchindwi, ukasvava.
8ויהי כזרח השמש וימן אלהים רוח קדים חרישית ותך השמש על ראש יונה ויתעלף וישאל את נפשו למות ויאמר טוב מותי מחיי׃
8Zvino zuva rakati richibuda, Mwari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuva; zuva rikabaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati, Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.
9ויאמר אלהים אל יונה ההיטב חרה לך על הקיקיון ויאמר היטב חרה לי עד מות׃
9Mwari akati kuna Jona, Zvakanaka here zvawatsamwira muchindwi? Akati, Zvakanaka kuti nditsamwe, kusvikira parufu pamene.
10ויאמר יהוה אתה חסת על הקיקיון אשר לא עמלת בו ולא גדלתו שבן לילה היה ובן לילה אבד׃
10Jehovha akati, Iwe wakange une tsitsi nomuti wemuchindwi wausina kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakavapo neusiku humwe, ukapararazve neusiku humwe;
11ואני לא אחוס על נינוה העיר הגדולה אשר יש בה הרבה משתים עשרה רבו אדם אשר לא ידע בין ימינו לשמאלו ובהמה רבה׃
11ko zvino ini handizaifanira kuva netsitsi neNinivhe, riya guta guru, muna vanhu vanopfuura zviuru zvine zana namakumi maviri, vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi, uye zvipfuwo zvizhinji here?