Hebrew: Modern

Shona

Joshua

17

1ויהי הגורל למטה מנשה כי הוא בכור יוסף למכיר בכור מנשה אבי הגלעד כי הוא היה איש מלחמה ויהי לו הגלעד והבשן׃
1Ndiwo mugove worudzi rwaManase; nekuti iye wakange ari mwana wedangwe waJosefa. Kana ari Makiri, mwana wedangwe waManase, baba vaGiriyadhi, iye wakapiwa Giriyadhi neBhashani, nekuti wakange ari murwi.
2ויהי לבני מנשה הנותרים למשפחתם לבני אביעזר ולבני חלק ולבני אשריאל ולבני שכם ולבני חפר ולבני שמידע אלה בני מנשה בן יוסף הזכרים למשפחתם׃
2Vamwe vana vaManase vakapiwa mugove nemhuri dzavo: Vana vaAbhiezeri, navana vaHereki, navana vaAsirieri, navana vaShekemu, navana vaHeferi, navana vaShemidha, ndivo vakanga vari vana vavakomana vaManase, mwanakomana waJosefa, nemhuri dzavo.
3ולצלפחד בן חפר בן גלעד בן מכיר בן מנשה לא היו לו בנים כי אם בנות ואלה שמות בנתיו מחלה ונעה חגלה מלכה ותרצה׃
3Asi Zerofeadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wakange asina vanakomana, asi vanasikana chete; mazita avanasikana vake akanga ari Mara, naNowa, naHogira, naMirika, naTiriza.
4ותקרבנה לפני אלעזר הכהן ולפני יהושע בן נון ולפני הנשיאים לאמר יהוה צוה את משה לתת לנו נחלה בתוך אחינו ויתן להם אל פי יהוה נחלה בתוך אחי אביהן׃
4Ivo vakaswedera kumupristi Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokumachinda, vakati, Jehovha wakaraira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu; naizvozvo akavapa nhaka pakati pavanin'ina vababa vavo, sezvakanga zvarairwa naJehovha.
5ויפלו חבלי מנשה עשרה לבד מארץ הגלעד והבשן אשר מעבר לירדן׃
5Manase akapiwa migove ine gumi, kunze kweGiriyadhi neBhashani mhiri kwaJoridhani;
6כי בנות מנשה נחלו נחלה בתוך בניו וארץ הגלעד היתה לבני מנשה הנותרים׃
6nekuti vanasikana vaManase vakanga vane nhaka pakati pavanakomana vake; nyika yeGiriyadhi yakanga iri yavamwe vanakomana vaManase.
7ויהי גבול מנשה מאשר המכמתת אשר על פני שכם והלך הגבול אל הימין אל ישבי עין תפוח׃
7Muganhu waManase wakabva kwaAsheri, ndokusvika paMikimetati, pamberi peShekemu; zvino muganhu ndokuenda kuruoko rworudyi, kusvikira kuvanhu vakanga vagere Eni-tapua.
8למנשה היתה ארץ תפוח ותפוח אל גבול מנשה לבני אפרים׃
8Nyika yeTapua yakanga iri yaManase; asi Tapua pamuganhu waManase rakanga riri guta ravana vaEfuremu.
9וירד הגבול נחל קנה נגבה לנחל ערים האלה לאפרים בתוך ערי מנשה וגבול מנשה מצפון לנחל ויהי תצאתיו הימה׃
9Zvino muganhu ndokuburuka kurukova Kana, nechezasi korukova; maguta iwayo akanga ari aEfuremu, pakati pamaguta aManase; muganhu waManase wakange uri nechokumusoro korukova, ndokuguma pagungwa.
10נגבה לאפרים וצפונה למנשה ויהי הים גבולו ובאשר יפגעון מצפון וביששכר ממזרח׃
10Kurutivi rwezasi nyika yakanga iri yaEfuremu; kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase; gungwa waiva muganhu wake; miganhu ikasvika kwaAsheri kumusoro, nokwaIsakari kumabvazuva.
11ויהי למנשה ביששכר ובאשר בית שאן ובנותיה ויבלעם ובנותיה ואת ישבי דאר ובנותיה וישבי עין דר ובנתיה וישבי תענך ובנתיה וישבי מגדו ובנותיה שלשת הנפת׃
11Pakati palsakari naAsheri Manase wakange ane Bhetisheani nemisha yaro, neJibhireami nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Dhori
12ולא יכלו בני מנשה להוריש את הערים האלה ויואל הכנעני לשבת בארץ הזאת׃
12Asi vana vaManase vakanga vasingagoni kudzinga vanhu vakanga vagere mumaguta iwayo; asi vaKanani vakaramba vachida kugara panyika iyo.
13ויהי כי חזקו בני ישראל ויתנו את הכנעני למס והורש לא הורישו׃
13Zvino vana vaIsiraeri vakati vava nesimba, vakaita vaKanani vabati vechibharo, havana kuvadzinga chose.
14וידברו בני יוסף את יהושע לאמר מדוע נתתה לי נחלה גורל אחד וחבל אחד ואני עם רב עד אשר עד כה ברכני יהוה׃
14Zvino vana vaJosefa vakataura naJoshua, vakati, Makatipireiko mugove mumwe chete nechikamu chimwe chete, kuti ive nhaka yedu, zvatiri vanhu vazhinji, nekuti Jehovha wakatiropafadza kusvikira zvino?
15ויאמר אליהם יהושע אם עם רב אתה עלה לך היערה ובראת לך שם בארץ הפרזי והרפאים כי אץ לך הר אפרים׃
15Joshua akati kwavari, Kana muri vanhu vazhinji, endai henyu kudondo, mundozvitemera nzvimbo ipapo panyika yavaPerezi neyavaRefaimu; zvamusingakwaniri panyika yamakomo yaEfuremu.,
16ויאמרו בני יוסף לא ימצא לנו ההר ורכב ברזל בכל הכנעני הישב בארץ העמק לאשר בבית שאן ובנותיה ולאשר בעמק יזרעאל׃
16Vana vaJosefa vakati, Nyika yamakomo haingatikwaniri; uye vaKanani vose vanogara munyika yomupata vane ngoro dzamatare, ivo vose vari paBhetisheani nemisha yaro, navari mumupata weJezireeri.
17ויאמר יהושע אל בית יוסף לאפרים ולמנשה לאמר עם רב אתה וכח גדול לך לא יהיה לך גורל אחד׃
17Zvino Joshua akataura naveimba yaJosefa, ivo vaEfuremu navaManase, akati, imwi muri vanhu vazhinji, mune simba guru, hamungavi nomugove mumwe chete;
18כי הר יהיה לך כי יער הוא ובראתו והיה לך תצאתיו כי תוריש את הכנעני כי רכב ברזל לו כי חזק הוא׃
18asi nyika yamakomo ichava yenyu; nekuti kunyange riri dondo, muchafanira kuritema, mabudiro aro ose agova enyu; nekuti munofanira kudzinga vaKanani, kunyange vane ngoro dzamatare, uye kunyange vane simba.