Hebrew: Modern

Shona

Joshua

2

1וישלח יהושע בן נון מן השטים שנים אנשים מרגלים חרש לאמר לכו ראו את הארץ ואת יריחו וילכו ויבאו בית אשה זונה ושמה רחב וישכבו שמה׃
1Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vandoshora, achiti, Endai mundotarira nyika neJeriko. Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rakabhi, vakavatapo.
2ויאמר למלך יריחו לאמר הנה אנשים באו הנה הלילה מבני ישראל לחפר את הארץ׃
2Zvino mambo weJeriko akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, varume vavana vaIsiraeri vakapinda muno usiku huno kuzoshora nyika.
3וישלח מלך יריחו אל רחב לאמר הוציאי האנשים הבאים אליך אשר באו לביתך כי לחפר את כל הארץ באו׃
3Zvino mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rakabhi, akati, Budisa varume vakasvika kwauri, vapinda mumba mako, nekuti vauya kuzoshora nyika yose.
4ותקח האשה את שני האנשים ותצפנו ותאמר כן באו אלי האנשים ולא ידעתי מאין המה׃
4Mukadzi akatora varume avo vaviri, akavavanza, akati, Hongu, varume vakasvika havo kwandiri, asi ndakanga ndisingazivi kuti vaibvepi.
5ויהי השער לסגור בחשך והאנשים יצאו לא ידעתי אנה הלכו האנשים רדפו מהר אחריהם כי תשיגום׃
5Zvino nenguva yokupfigwa kwesuwo, kwasviba, varume vakabudazve; kwavakazoenda ivo varume, ini handikuzivi; kurumidzai kuvatevera, nekuti mungandovabata.
6והיא העלתם הגגה ותטמנם בפשתי העץ הערכות לה על הגג׃
6Asi wakange avakwidza pamusoro pedenga, akavavanza pasi povutanda hwamasosoori, hwakanga hwakarongwa naye padenga.
7והאנשים רדפו אחריהם דרך הירדן על המעברות והשער סגרו אחרי כאשר יצאו הרדפים אחריהם׃
7Varume vakavateverera nenzira inoenda Joridhani, kusvikira kumazambuko; zvino vakavatevera vakati vabuda, suwo rikazarirwa.
8והמה טרם ישכבון והיא עלתה עליהם על הגג׃
8Zvino vachigere kuvata, Rakabhi ndokukwira kwavari pamusoro pedenga,
9ותאמר אל האנשים ידעתי כי נתן יהוה לכם את הארץ וכי נפלה אימתכם עלינו וכי נמגו כל ישבי הארץ מפניכם׃
9akati kuvarume, Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, tinokutyai kwazvo, vanhu vose vagere munyika vavhunduka pamberi penyu.
10כי שמענו את אשר הוביש יהוה את מי ים סוף מפניכם בצאתכם ממצרים ואשר עשיתם לשני מלכי האמרי אשר בעבר הירדן לסיחן ולעוג אשר החרמתם אותם׃
10Nekuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu, nguva yokubuda kwenyu Egipita, nezvamakaitira madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJoridhani, ivo Sihoni naOgi, vamakaparadza chose.
11ונשמע וימס לבבנו ולא קמה עוד רוח באיש מפניכם כי יהוה אלהיכם הוא אלהים בשמים ממעל ועל הארץ מתחת׃
11Zvino pakarepo takati tichinzwa izvozvo moyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchinokutsunga pamoyo pake nokuda kwenyu, nekuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi.
12ועתה השבעו נא לי ביהוה כי עשיתי עמכם חסד ועשיתם גם אתם עם בית אבי חסד ונתתם לי אות אמת׃
12Naizvozvo zvino ndipikirei henyu naJehovha, kuti zvandakakuitirai zvakanaka, nemiwo muchaitira imba yababa vangu zvakanaka; mundipeiwo chiratidzo chakasimba,
13והחיתם את אבי ואת אמי ואת אחי ואת אחותי ואת כל אשר להם והצלתם את נפשתינו ממות׃
13kuti muchararamisa baba vangu namai vangu nehanzvadzi dzangu navanin'ina vangu, nezvose zvavanazvo, nokurwira upenyu bwedu parufu.
14ויאמרו לה האנשים נפשנו תחתיכם למות אם לא תגידו את דברנו זה והיה בתת יהוה לנו את הארץ ועשינו עמך חסד ואמת׃
14Ipapo varume vakati kwaari, Isu ngatife panzvimbo yenyu, kana musingabudisi pachena basa redu iri; kana Jehovha achitipa nyika iyi, tichakuitira zvakanaka nechokwadi.
15ותורדם בחבל בעד החלון כי ביתה בקיר החומה ובחומה היא יושבת׃
15Ipapo akavaburusira pasi nebote napahwindo, nekuti imba yake yakanga iri pamusoro porusvingo rweguta, naiye wakange agere pamusoro porusvingo.
16ותאמר להם ההרה לכו פן יפגעו בכם הרדפים ונחבתם שמה שלשת ימים עד שוב הרדפים ואחר תלכו לדרככם׃
16Akati kwavari, Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu.
17ויאמרו אליה האנשים נקים אנחנו משבעתך הזה אשר השבעתנו׃
17Zvino varume vakati kwaari, Hatingasungwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa.
18הנה אנחנו באים בארץ את תקות חוט השני הזה תקשרי בחלון אשר הורדתנו בו ואת אביך ואת אמך ואת אחיך ואת כל בית אביך תאספי אליך הביתה׃
18Tarira, nguva yatinopinda panyika ino, unofanira kusungira bote iri dzvuku rakakoshwa pahwindo pawakatiburusira pasi napo; unofanirawo kuunganidza mumba mako baba vako, namai vako, nehanzvadzi dzako, navose veimba yababa vako.
19והיה כל אשר יצא מדלתי ביתך החוצה דמו בראשו ואנחנו נקים וכל אשר יהיה אתך בבית דמו בראשנו אם יד תהיה בו׃
19Zvino ani naani unobuda kunze kwemikova yeimba yako, ropa rake richava pamusoro pomusoro wake, asi isu hatingavi nemhosva; ani naani unewe mumba mako, ropa rake richava pamusoro pemisoro yedu, kana akaitirwa zvakaipa noruoko rwomunhu.
20ואם תגידי את דברנו זה והיינו נקים משבעתך אשר השבעתנו׃
20Asi kana ukabudisa pachena basa redu iri, isu hatingasungwi nemhiko yako yawakatipikisa.
21ותאמר כדבריכם כן הוא ותשלחם וילכו ותקשר את תקות השני בחלון׃
21Iye akati, Ngazviitwe sezvamakataura; akavaendesa, vakabva, iye ndokusungira bote dzvuku pahwindo.
22וילכו ויבאו ההרה וישבו שם שלשת ימים עד שבו הרדפים ויבקשו הרדפים בכל הדרך ולא מצאו׃
22Ivo vakaenda, vakasvika kumakomo, vakagarapo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; vateveri vakavatsvaka panzira iyo yose, asi havana kuvawana.
23וישבו שני האנשים וירדו מההר ויעברו ויבאו אל יהושע בן נון ויספרו לו את כל המצאות אותם׃
23Zvino varume avo vaviri vakadzoka, vakaburuka pamakomo, vakayambuka, vakasvikazve kuna Joshua, mwanakomana waNuni; vakamuudza zvose zvavakanga vaitirwa.
24ויאמרו אל יהושע כי נתן יהוה בידנו את כל הארץ וגם נמגו כל ישבי הארץ מפנינו׃
24Vakati kuna Joshua, Zvirokwazvo, Jehovha wakaisa nyika yose mumaoko edu; uye vanhu vose vagere panyika iyo vavhunduka pamberi pedu.