1ויאמר יהוה אל יהושע אל תירא ואל תחת קח עמך את כל עם המלחמה וקום עלה העי ראה נתתי בידך את מלך העי ואת עמו ואת עירו ואת ארצו׃
1Zvino Jehovha wakati kuna Joshua,
2ועשית לעי ולמלכה כאשר עשית ליריחו ולמלכה רק שללה ובהמתה תבזו לכם שים לך ארב לעיר מאחריה׃
2Unofanira kuitira Ai sezvawakaitira Jeriko namambo waro; asi munofanira kutapa zvingatapwa zvaro, nemombe dzaro, zvive zvenyu; uzvigadzirire vangavandira guta necheseri kwaro.
3ויקם יהושע וכל עם המלחמה לעלות העי ויבחר יהושע שלשים אלף איש גבורי החיל וישלחם לילה׃
3Naizvozvo Joshua akasimuka, navarume vose vehondo, kuti vakwire Ai; Joshua akatsaura varume vane zviuru zvina makumi matatu, varume vane simba noumhare, akavatuma usiku.
4ויצו אתם לאמר ראו אתם ארבים לעיר מאחרי העיר אל תרחיקו מן העיר מאד והייתם כלכם נכנים׃
4Akavaraira, akati, Tarirai, munofanira kundovandira guta necheseri kwaro; musaenda kure neguta, asi mugare makazvigadzira mose;
5ואני וכל העם אשר אתי נקרב אל העיר והיה כי יצאו לקראתנו כאשר בראשנה ונסנו לפניהם׃
5zvino ini navanhu vose vandinavo, tichaswedera kuguta; zvino kana vachibuda kuzorwa nesu, sapakutanga, isu tichatiza pamberi pavo;
6ויצאו אחרינו עד התיקנו אותם מן העיר כי יאמרו נסים לפנינו כאשר בראשנה ונסנו לפניהם׃
6ipapo vachabuda, vachititevera, kusvikira tavanyengera kure neguta; nekuti vachati, Vanotiza pamberi pedu sapakutanga, nesu tichatiza pamberi pavo;
7ואתם תקמו מהאורב והורשתם את העיר ונתנה יהוה אלהיכם בידכם׃
7ipapo imwi munofanira kusimuka pamakanga makavandira, mundokunda guta, nekuti Jehovha Mwari wenyu uchariisa mumaoko enyu.
8והיה כתפשכם את העיר תציתו את העיר באש כדבר יהוה תעשו ראו צויתי אתכם׃
8Zvino kana makunda guta, munofanira kuripisa nomoto; munofanira kuita sezvakarehwa naJehovha;tarirai, ndakurairai.
9וישלחם יהושע וילכו אל המארב וישבו בין בית אל ובין העי מים לעי וילן יהושע בלילה ההוא בתוך העם׃
9Zvino Joshua akavatuma, vakaenda kundovanda, vakagara pakati peBheteri neAi, kurutivi rwamavirazuva rweAi; asi Joshua wakavata pakati pavanhu usiku uhwo.
10וישכם יהושע בבקר ויפקד את העם ויעל הוא וזקני ישראל לפני העם העי׃
10Zvino Joshua akamuka mangwanani, akaunganidza vanhu, akakwira iye navakuru valsiraeri, vakatungamirira vanhu kuenda Ai.
11וכל העם המלחמה אשר אתו עלו ויגשו ויבאו נגד העיר ויחנו מצפון לעי והגי בינו ובין העי׃
11Navarume vose vehondo vaakanga anavo, vakakwira, vakaswedera pamberi peguta, vakadzika matende avo kurutivi rwokumusoro rweAi. Zvino kwakanga kuno mupata pakati pake neAi.
12ויקח כחמשת אלפים איש וישם אותם ארב בין בית אל ובין העי מים לעיר׃
12Akatsaura varume vanenge zviuru zvishanu, akavaraira kuvanda pakati peBheteri neAi, kurutivi rwamavirazuva rweguta.
13וישימו העם את כל המחנה אשר מצפון לעיר ואת עקבו מים לעיר וילך יהושע בלילה ההוא בתוך העמק׃
13Naizvozvo vakaraira vanhu, iyo hondo yose yaiva kurutivi rwokumusoro rweguta, navaivanda kurutivi rwamavirazuva rweguta; asi Joshua wakaenda usiku uhwo pakati pomupata.
14ויהי כראות מלך העי וימהרו וישכימו ויצאו אנשי העיר לקראת ישראל למלחמה הוא וכל עמו למועד לפני הערבה והוא לא ידע כי ארב לו מאחרי העיר׃
14Zvino mambo weAi wakati aona izvozvo, vakakurumidza kumuka mangwanani, varume veguta vakabuda kundorwa naIsiraeri, iye navanhu vake vose, panzvimbo yakanga yatarwa, pamupata; asi haana kuziva kuti kwakanga kuna vavandiri necheseri kweguta.
15וינגעו יהושע וכל ישראל לפניהם וינסו דרך המדבר׃
15Zvino Joshua navaIsiraeri vose vakaita savakundwa navo, vakatiza nenzira yerenje.
16ויזעקו כל העם אשר בעיר לרדף אחריהם וירדפו אחרי יהושע וינתקו מן העיר׃
16Ipapo vanhu vose vakanga vari muguta vakakokwa kundovatevera; vakatevera Joshua, vakanyengerwa kure neguta.
17ולא נשאר איש בעי ובית אל אשר לא יצאו אחרי ישראל ויעזבו את העיר פתוחה וירדפו אחרי ישראל׃
17Kwakanga kusina munhu wakasara paAi neBheteri, asina kubuda kundotevera Isiraeri; vakasiya guta rakashama, vakatevera Isiraeri.
18ויאמר יהוה אל יהושע נטה בכידון אשר בידך אל העי כי בידך אתננה ויט יהושע בכידון אשר בידו אל העיר׃
18Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Tambanudzira pfumo riri muruoko rwako kurutivi rweAi, nekuti ndichariisa muruoko rwako. Joshua akatambanudzira pfumo rakanga riri muruoko rwake kurutivi rweguta;
19והאורב קם מהרה ממקומו וירוצו כנטות ידו ויבאו העיר וילכדוה וימהרו ויציתו את העיר באש׃
19ipapo vavandiri vakakurumidza kusimuka pavakanga vagere, vakamhanya pakarepo pakutambanudza kwake ruoko rwake, vakapinda muguta, vakarikunda; vakakurumidza kupisa guta.
20ויפנו אנשי העי אחריהם ויראו והנה עלה עשן העיר השמימה ולא היה בהם ידים לנוס הנה והנה והעם הנס המדבר נהפך אל הרודף׃
20Zvino varume veAi vakati vachicheuka, onei utsi bweguta huchikwira kudenga, vakashaiwa kwavangatizira kupi nokupi; navanhu vakanga vatizira kurenje vakadzoka kuzorwa navaivatevera.
21ויהושע וכל ישראל ראו כי לכד הארב את העיר וכי עלה עשן העיר וישבו ויכו את אנשי העי׃
21Zvino Joshua navaIsiraeri vose vakati vaona kuti vavandiri vakunda guta, uye kuti utsi bweguta hwokwira kudenga, vakadzokazve kuzouraya varume veAi.
22ואלה יצאו מן העיר לקראתם ויהיו לישראל בתוך אלה מזה ואלה מזה ויכו אותם עד בלתי השאיר לו שריד ופליט׃
22Navamwe vakabuda muguta kuzorwa navo; naizvozvo vakanga vari pakati pavaIsiraeri, vamwe nechouno vamwe nechokoko; vakavauraya, kusvikira vasina kurega mumwe wavo ari mupenyu, kana wakatiza.
23ואת מלך העי תפשו חי ויקרבו אתו אל יהושע׃
23Vakabata mambo weAi, achiri mupenyu, vakamuisa kuna Joshua.
24ויהי ככלות ישראל להרג את כל ישבי העי בשדה במדבר אשר רדפום בו ויפלו כלם לפי חרב עד תמם וישבו כל ישראל העי ויכו אתה לפי חרב׃
24Zvino vaIsiraeri vakati vapedza kuuraya nomunondo unopinza vanhu vose veAi kusango, kurenje kwavakanga vavateverera, kusvikira vapera, vaIsiraeri vakadzokera Ai, vakariparadza nomunondo unopinza.
25ויהי כל הנפלים ביום ההוא מאיש ועד אשה שנים עשר אלף כל אנשי העי׃
25Vose vakaurawa nomusi iwoyo, varume navakadzi, vakanga vane zviuru zvine gumi nezviviri, ivo varume vose veAi,
26ויהושע לא השיב ידו אשר נטה בכידון עד אשר החרים את כל ישבי העי׃
26nekuti Joshua haana kudzosa ruoko rwake, rwaakanga akatambanudza pfumo, kusvikira aparadza chose vanhu veAi.
27רק הבהמה ושלל העיר ההיא בזזו להם ישראל כדבר יהוה אשר צוה את יהושע׃
27Asi mombe nezvingatapwa zveguta iro vaIsiraeri vakazvitapa kuti zvive zvavo, zvakarehwa neshoko raJehovha, raakaraira Joshua.
28וישרף יהושע את העי וישימה תל עולם שממה עד היום הזה׃
28Naizvozvo Joshua akapisa Ai, akariita murwi ungavapo nokusingaperi, nedongo kusvikira nhasi.
29ואת מלך העי תלה על העץ עד עת הערב וכבוא השמש צוה יהושע וירידו את נבלתו מן העץ וישליכו אותה אל פתח שער העיר ויקימו עליו גל אבנים גדול עד היום הזה׃
29Akasungirira mambo weAi pamuti kusvikira madekwana; asi pakuvira kwezuva Joshua akavaraira, vakaturura chitunha chake pamuti, vakachikanda panopindwa napo pasuwo reguta, vakatutira pamusoro pacho murwi mukuru wamabwe; aripo kusvikira nhasi.
30אז יבנה יהושע מזבח ליהוה אלהי ישראל בהר עיבל׃
30Zvino Joshua wakavakira Jehovha Mwari waIsiraeri atari pagomo reEbhari,
31כאשר צוה משה עבד יהוה את בני ישראל ככתוב בספר תורת משה מזבח אבנים שלמות אשר לא הניף עליהן ברזל ויעלו עליו עלות ליהוה ויזבחו שלמים׃
31sezvakanga zvarairwa vana vaIsiraeri naMozisi, muranda waJehovha, sezvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi; yakanga iri aritari yamabwe asina kuvezwa; hakuna munhu wakange asimudzira dare pamusoro pawo; vakabayirapo Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokubayirawo zvipiriso zvokuyananisa.
32ויכתב שם על האבנים את משנה תורת משה אשר כתב לפני בני ישראל׃
32Akanyorazve ipapo pamabwe murayiro waMozisi, waakanyora pamberi pavaIsiraeri.
33וכל ישראל וזקניו ושטרים ושפטיו עמדים מזה ומזה לארון נגד הכהנים הלוים נשאי ארון ברית יהוה כגר כאזרח חציו אל מול הר גרזים והחציו אל מול הר עיבל כאשר צוה משה עבד יהוה לברך את העם ישראל בראשנה׃
33Valsiraeri vose navakuru vavo navatariri vavo, navatongi vavo vakamira paareka nechouno necheseri, pamberi pavapristi vaRevhi, vaisitakura areka yesungano yaJehovha, pamwechete navatorwa navakanga vaberekerwa munyika; hafu yavo pamberi pegomo reGerizimi, nehafu yavo pamberi pegomo reEbhari; sezvakanga zvarairwa naMozisi, muranda waJehovha, kuti vatange kuropafadza vana vaIsiraeri.
34ואחרי כן קרא את כל דברי התורה הברכה והקללה ככל הכתוב בספר התורה׃
34Pashure akarava mashoko ose omurayiro, okuropafadza nookutuka, sezvazvakanyorwa zvose mubhuku yomurayiro.
35לא היה דבר מכל אשר צוה משה אשר לא קרא יהושע נגד כל קהל ישראל והנשים והטף והגר ההלך בקרבם׃
35Kwakanga kusine shoko rimwe, pazvose zvakanga zvarairwa naMozisi, risina kurahwa naJoshua pamberi peungano yose yavalsiraeri, navakadzi navana, navatorwa vakanga vagere pakati pavo.