1ויהי איש מהר אפרים ושמו מיכיהו׃
1Zvino kwakanga kuno murume panyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Mika.
2ויאמר לאמו אלף ומאה הכסף אשר לקח לך ואתי אלית וגם אמרת באזני הנה הכסף אתי אני לקחתיו ותאמר אמו ברוך בני ליהוה׃
2Iye akati kuna mai vake, Mashekeri aya esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe amakabirwa, mukatuka mubi wazvo, mukataurawo izvozvo ini ndichizvinzwa, tarirai sirivha iyeyo iri kwandiri; ndini ndakaitora. Ipapo mai vake vakati, Mwanakomana wangu ngaaropafadzwe naJehovha!
3וישב את אלף ומאה הכסף לאמו ותאמר אמו הקדש הקדשתי את הכסף ליהוה מידי לבני לעשות פסל ומסכה ועתה אשיבנו לך׃
3Akadzosera mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe kuna mai vake; mai vake vakati, Zvirokwazvo, sirivha iyi ndinoitsaurira Jehovha, kuti mwanakomana wangu aite nayo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; naizvozvo zvino ndichakudzosera iyo.
4וישב את הכסף לאמו ותקח אמו מאתים כסף ותתנהו לצורף ויעשהו פסל ומסכה ויהי בבית מיכיהו׃
4Zvino wakati adzosera mari iyo kuna mai vake, mai vake vakatora mashekeri esirivha ana mazana maviri, akaapa muumbi, iye akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; zvikagara mumba maMika.
5והאיש מיכה לו בית אלהים ויעש אפוד ותרפים וימלא את יד אחד מבניו ויהי לו לכהן׃
5Zvino murume uyu Mika wakange ane imba yavamwari, akaita efodhi neterafimi, akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave mupristi wake.
6בימים ההם אין מלך בישראל איש הישר בעיניו יעשה׃
6Pamazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati pavaIsiraeri; munhu mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.
7ויהי נער מבית לחם יהודה ממשפחת יהודה והוא לוי והוא גר שם׃
7Zvino kwakanga kune jaya raibva Bheterehemu-judha, weimba yaJudha, waiva muRevhi, wakange agerepo.
8וילך האיש מהעיר מבית לחם יהודה לגור באשר ימצא ויבא הר אפרים עד בית מיכה לעשות דרכו׃
8Murume uyu akabva paguta, paBheterehemu-judha, kundozvitsvakira nzvimbo yokugara; pakufamba kwake akasvika panyika yamakomo yaEfuremu paimba yaMika.
9ויאמר לו מיכה מאין תבוא ויאמר אליו לוי אנכי מבית לחם יהודה ואנכי הלך לגור באשר אמצא׃
9Mika akati kwaari, Wabvepiko? Iye akati kwaari, Ndiri muRevhi weBheterehemu-judha, ndinotsvaka kwandingagara.
10ויאמר לו מיכה שבה עמדי והיה לי לאב ולכהן ואנכי אתן לך עשרת כסף לימים וערך בגדים ומחיתך וילך הלוי׃
10Mika akati kwaari, Gara neni, uve baba vangu nomupristi wangu, ndikupe mashekeri esirivha ane gumi pagore nenguvo dzokupfeka nezvokudya zvako. Ipapo muRevhi akapinda.
11ויואל הלוי לשבת את האיש ויהי הנער לו כאחד מבניו׃
11MuRevhi akatenda kugara nomunhu uyu; jaya rikava somumwe wavanakomana vake.
12וימלא מיכה את יד הלוי ויהי לו הנער לכהן ויהי בבית מיכה׃
12Mika akagadza muRevhi, jaya iro rikava mupristi wake, akagara mumba maMika.
13ויאמר מיכה עתה ידעתי כי ייטיב יהוה לי כי היה לי הלוי לכהן׃
13Zvino Mika akati, Ndinoziva kuti Jehovha uchandiitira zvakanaka, zvandava nomupristi wangu ari muRevhi.