1ומקץ ששת ימים לקח לו ישוע את פטרוס ואת יעקב ואת יוחנן אחיו ויעלם בדד על הר גבוה׃
1Zvino shure kwemazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakobho naJohwani munin'ina wake, akavakwidza mugomo refu vari vega.
2וישתנה לעיניהם ויזהירו פניו כשמש ובגדיו כאור הלבינו׃
2Akashandurwa chimiro pamberi pavo, chiso chake chikapenya sezuva, nguvo dzake dzikachena sechiedza.
3והנה נראו אליהם משה ואליהו מדברים אתו׃
3Zvino tarira, kwakaonekwa kwaari Mozisi naEria vachitaura naye.
4ויען פטרוס ויאמר אל ישוע אדני טוב היותנו פה אם תחפץ נעשה נא פה שלש סכות לך אחת ולמשה אחת ולאליהו אחת׃
4Zvino Petro akapindura akati kuna Jesu: Ishe, zvakatinakira kuva pano; kana muchida, ngatiite pano matende matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria.
5עודנו מדבר והנה ענן אור הצל עליהם והנה קול מתוך הענן אמר זה בני ידידי אשר רציתי בו אליו תשמעון׃
5Wakati achataura, tarira, gore rinopenya rakavadzikatira; uye tarira, inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodika, wandinofadzwa maari kwazvo, inzwai iye.
6ויהי כשמע התלמידים ויפלו על פניהם וייראו מאד׃
6Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawa nechiso chavo, vakatya zvikuru.
7ויגש ישוע ויגע בם ויאמר קומו ואל תיראו׃
7Asi Jesu akaswedera akavabata, akati: Simukai, musatya.
8וישאו עיניהם ולא ראו איש בלתי את ישוע לבדו׃
8Vakati vachisimudza meso avo, havana kuona munhu, kunze kwaJesu chete.
9וברדתם מן ההר צוה ישוע אתם לאמר לא תגידו לאיש את דבר המראה עד אם קם בן האדם מעם המתים׃
9Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, achiti: Musaudza munhu chiratidzo ichi, kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kuvakafa.
10וישאלהו תלמידיו לאמר למה זה אמרים הסופרים כי אליהו בוא יבוא בראשונה׃
10Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti: Vanyori vanogotaurirei vachiti Eria unofanira kutanga kuuya?
11ויען ישוע ויאמר אליהם הנה אליהו בא בראשונה והשיב את הכל׃
11Jesu akapindura akati kwavari: Eria uchatanga kusvika zvirokwazvo, uchavandudza zvinhu zvose.
12אבל אמר אני לכם כי אליהו כבר בא ולא הכירהו ויעשו בו כרצונם וכן גם בן האדם יענה על ידם׃
12Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira zvose zvavakada; saizvozvowo Mwanakomana wemunhu uchatambura navo.
13אז הבינו התלמידים כי על יוחנן המטביל דבר אליהם׃
13Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakataura kwavari zvaJohwani Mubhabhatidzi.
14ויהי כבואם אל המון העם ויגש אליו איש ויכרע על ברכיו לנגדו׃
14Vakati vasvika kuchaunga, kwakauya kwaari munhu, akamufugamira, achiti:
15ויאמר אדני רחם נא על בני כי מכה ירח הוא וחליו רע כי פעמים רבות הוא נפל באש ופעמים רבות אל תוך המים׃
15Ishe, donzwirai mwanakomana wangu tsitsi, nekuti une zvipusha, unotambudzika kwazvo; nekuti kazhinji unowira mumoto, kazhinji mumvura.
16ואביא אתו אל תלמידיך ולא יכלו לרפא לו׃
16Uye ndakamuuyisa kuvadzidzi venyu, asi havana kugona kumuporesa.
17ויען ישוע ויאמר הוי דור בלתי מאמין ופתלתל עד מתי אהיה עמכם עד מתי אסבל אתכם הביאו אותו אלי הנה׃
17Jesu akapindura akati: Zera risina rutendo nerakakombama, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuisei pano pandiri.
18ויגער בו ישוע ויצא השד ממנו וירפא הנער מן השעה ההיא׃
18Zvino Jesu akaritsiura, dhimoni rikabuda kwaari, mwana akaporeswa kubva panguva iyoyo.
19ויגשו התלמידים אל ישוע והוא לבדו ויאמרו מדוע אנחנו לא יכלנו לגרשו׃
19Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga, vakati: Isu takange tisingagoni nei kuribudisa?
20ויאמר ישוע אליהם מפני אשר אינכם מאמינים כי אמן אמר אני לכם אם יש לכם אמונה כגרגר החרדל ואמרתם אל ההר הזה העתק מזה שמה ונעתק ממקומו ואין דבר אשר יבצר מכם׃
20Jesu akati kwavari: Nemhaka yekusatenda kwenyu. Nekuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana mune rutendo rwakaita setsanga yemasitadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko; uye richabva; hakuna chinhu chingakukonai.
21אבל המין הזה לא יצא כי אם בתפלה ובצום׃
21Asi zera iri haribudi kunze chete nekunyengetera nekutsanya.
22ויהי בהתהלכם בארץ הגליל ויאמר אליהם ישוע עתיד בן האדם להמסר בידי אנשים׃
22Zvino vachakagara muGarirea, Jesu wakati kwavari: Mwanakomana wemunhu wobva wokumikidzwa mumaoko evanhu,
23ויהרגהו וביום השלישי קום יקום ויתעצבו מאד׃
23uye vachamuuraya, asi nezuva retatu uchamutswa. Vakashurukirwa zvikuru.
24ויהי כבואם אל כפר נחום ויגשו אל פטרוס גבי מחצית השקל ויאמרו הלא יתן רבכם את מחצית השקל׃
24Zvino vakati vachisvika Kapenaume, vanhu vaigamuchira mutero vakauya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haateri here?
25ויאמר הן ובבואו הביתה קדם אתו ישוע לשאל מה דעתך שמעון מלכי הארץ ממי יקחו מכס ומס מאת בניהם או מאת הזרים׃
25Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akamutangira achiti: Unofungei Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo kana mutero kuna vana ani? Kuvanakomana vavo kana kuvatorwa?
26ויאמר פטרוס אליו מאת הזרים ויאמר לו ישוע אם כן אפוא הבנים חפשים המה׃
26Petro akati kwaari: Kuvatorwa. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.
27אך למען לא נהיה להם למכשול לך אל הים והשלכת אל תוכו חכה ואת הדג הראשון אשר יעלה שאהו וכאשר תפתח את פיו תמצא בו אסתירא אותו קח לך ונתת להם בעדי ובעדך׃
27Asi kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa ukande chiredzo; ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana mari; uitore uvape, ive yangu neyako.