1ויהי כאשר נולד ישוע בבית לחם יהודה בימי הורדוס המלך ויבאו מגושים מארץ מזרח ירושלימה לאמר׃
1Zvino Jesu wakati aberekwa muBhetirehemu reJudhiya, pamazuva aHerodhe mambo, tarira, kwakauya vachenjeri vachibva mabvazuva kuJerusarema,
2איה מלך היהודים הנולד כי ראינו את כוכבו במזרח ונבא להשתחות לו׃
2vachiti: Uripi iye wakazvarwa Mambo wevaJudha? Nekuti taona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomunamata.
3ויהי כשמע הורדוס המלך את דבריהם ויבהל הוא וכל ירושלים עמו׃
3Zvino Herodhe mambo wakati anzwa, akashushikana, neJerusarema rose naye.
4ויקהל את כל ראשי הכהנים וסופרי העם וידרש מאתם לאמר איפה יולד המשיח׃
4Zvino wakati aunganidza vapristi vakuru vose nevanyori vevanhu, akabvunza kwavari kuti Kristu uchazvarirwa kupi.
5ויאמרו לו בבית לחם יהודה כי כן כתוב ביד הנביא׃
5Zvino vakati kwaari: MuBhetirehemu reJudhiya; nekuti zvakanyorwa saizvozvi nemuporofita zvichinzi:
6ואתה בית לחם ארץ יהודה אינך צעיר באלפי יהודה כי ממך יצא מושל אשר ירעה את עמי ישראל׃
6Newe Bhetirehemu nyika yaJudha, hausi mudukusa kuvatongi vaJudha; nekuti kwauri kuchabuda mutungamiriri, uchafudza vanhu vangu Israeri.
7אז קרא הורדוס למגושים בסתר ויחקר אתם לדעת עת הראות הכוכב׃
7Zvino Herodhe, wakati adana vachenjeri muchivande, akabvunzisisa kwavari nguva yakaonekwa nyeredzi.
8וישלחם בית לחם ויאמר לכו חקרו היטב על דבר הילד והיה כי תמצאון אתו והגדתם לי ואבאה להשתחות לו גם אני׃
8Akavatuma kuBhetirehemu, akati: Endai munobvunzisisa zvemucheche; kana mamuwana mundisume, kuti ini ndiuyewo ndimunamate.
9ויהי כשמעם את דברי המלך וילכו והנה הכוכב אשר ראו במזרח דרך לפניהם עד באו אל מקום אשר שם הילד ויעמד ממעל לו׃
9Vakati vanzwa mambo, vakabva; zvino tarira, nyeredzi yavakaona kumabvazuva yakavatungamirira, kusvikira yasvika ikamira pamusoro pepakange pane mucheche.
10ויראו את הכוכב וישמחו שמחה גדולה עד מאד׃
10Vakati vaona nyeredzi vakafara nemufaro mukuru kwazvo.
11ויבאו הביתה וימצאו את הילד עם מרים אמו ויפל על פניהם וישתחוו לו ויפתחו את אוצרותם ויקריבו לו מנחה זהב ולבונה ומר׃
11Vakati vapinda mumba, vakaona mucheche naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata; zvino vakati vazarura fuma yavo, vakamupemberera nezvipo, ndarama, nezvipfungaidzo zvinonhuwira, nemura*.
12ויצוו בחלום לבלתי שוב אל הורדוס וילכו בדרך אחר אל ארצם׃
12Vakati vanyeverwa naMwari muchiroto, kuti varege kudzokera kuna Herodhe, vakabva vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.
13הם הלכו משם והנה מלאך יהוה נראה אל יוסף בחלום לאמר קום קח את הילד ואת אמו וברח לך מצרימה והיה שם עד אשר אמר אליך כי הורדוס צדה את הילד לאבדו׃
13Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe anoonekwa kuna Josefa muchiroto, achiti: Muka utore mucheche namai vake, utizire kuEgipita, uveko kusvikira ndichikuudza; nekuti Herodhe uchatsvaka mucheche kuti amuparadze.
14ויקם ויקח את הילד ואת אמו בלילה ויברח מצרימה׃
14Zvino amuka wakatora mucheche namai vake usiku, akabva akaenda kuEgipita,
15ויהי שם עד מות הורדוס למלאת את אשר דבר יהוה ביד הנביא לאמר ממצרים קראתי לבני׃
15uye wakavako kusvikira pakufa kwaHerodhe; kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe nemuporofita, achiti: Ndakadana mwanakomana wangu abude Egipita.
16וירא הורדוס כי התלו בו המגושים ויקצף מאד וישלח וימת את כל הילדים אשר בבית לחם ובכל גבוליה מבן שנתים ולמטה כפי העת אשר חקרה מפי המגושים׃
16Zvino Herodhe, wakati aona kuti anyengerwa nevachenjeri, akatsamwa zvikuru, akatuma, akaponda vana vose vaiva muBhetirehemu nemumigumo yayo yose, kubvira pamakore maviri neari pasi, zvichienderana nenguva yaakange abvunzisisa kuvachenjeri.
17וימלא הדבר הנאמר בפי ירמיה הנביא לאמר׃
17Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti:
18קול ברמה נשמע נהי ובכי תמרורים רחל מבכה על בניה מאנה להנחם כי אינם׃
18MuRama rakanzwika inzwi, kuungudza nekuchema nekurira kukuru, Rakeri achichema vana vake asingadi kunyaradzwa, nekuti havachipo.
19ויהי אחרי מות הורדוס והנה מלאך יהוה נראה בחלום אל יוסף בארץ מצרים׃
19Asi Herodhe wakati afa, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa muchiroto kuna Josefa muEgipita,
20ויאמר אליו קום קח את הילד ואת אמו ולך שוב אל ארץ ישראל כי מתו המבקשים את נפש הילד׃
20achiti: Muka, utore mucheche namai vake, uende kunyika yaIsraeri; nekuti vakafa avo vaitsvaka mweya wemucheche.
21ויקם ויקח את הילד ואת אמו ויבא ארצה ישראל׃
21Akasimuka ndokutora mucheche namai vake akasvika kunyika yaIsraeri.
22וכשמעו כי ארקלוס מלך ביהודה תחת הורדוס אביו ירא ללכת שמה ויצוה בחלום וילך לו אל ארצות הגליל׃
22Asi wakati achinzwa kuti Arikerawo anotonga muJudhiya panzvimbo yababa vake Herodhe, akatya kuendako; asi wakati anyeverwa naMwari muchiroto, akabva akaenda kumativi eGarirea.
23ויבא וישב בעיר אשר שמה נצרת למלאת הדבר הנאמר על פי הנביאים כי נצרי יקרא לו׃
23Akasvika akagara muguta rinonzi Nazareta; kuti zvizadziswe zvakarehwa nevaporofita, kuti: Achanzi muNazareta.