1אז תדמה מלכות השמים לעשר עלמות אשר לקחו את נרותיהן ותצאנה לקראת החתן׃
1Panguva iyo ushe hwekumatenga huchafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani.
2חמש מהן היו חכמות וחמש כסילות׃
2Zvino vashanu vavo vakange vakachenjera, vashanu vari mapenzi.
3הכסילות לקחו את הנרות ולא לקחו עמהן שמן׃
3Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo.
4והחכמות לקחו שמן בכליהן ואת נרותיהן׃
4Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.
5וכאשר בשש החתן לבוא ותנמנה כלן ותרדמנה׃
5Zvino muwani wakati achinonoka, vose vakatsumwaira vakavata.
6ויהי בחצות הלילה ותהי צוחה הנה החתן צאינה לקראתו׃
6Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!
7אז התעוררו כל העלמות ההן ותיטבנה את נרותיהן׃
7Zvino vasikana avo vose vakamuka, vakagadzira marambi avo.
8ותאמרנה הכסילות אל החכמות תנה לנו משמנכן כי יכבו נרותינו׃
8Mapenzi akati kune vakachenjera: Tipei pamafuta enyu nekuti marambi edu odzima.
9ותענינה החכמות לאמר לא כן פן יחסר לנו ולכן כי אם לכנה אל המוכרים וקנינה לכן׃
9Asi vakachenjera vakapindura vachiti: Zvimwe haangakwaniri isu nemwi; asi zviri nani endai kune vanotengesa munozvitengera.
10ויהי בעת לכתן לקנות ויבוא החתן והנכנות ללכת באו אתו אל החתנה ותסגר הדלת׃
10Asi vakati vachienda kunotenga, muwani akasvika. Zvino vakange vakagadzirira vakapinda naye mumuchato, mukova ukapfigwa.
11ואחרי כן באו גם שאר העלמות ותאמרנה אדנינו אדנינו פתח לנו׃
11Pashure kwakauyavo vamwe vasikana, vachiti: Ishe, Ishe, tizarurirei!
12ויען ויאמר אמן אמר אני לכן לא ידעתי אתכן׃
12Asi wakapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handikuziviyi imwi.
13לכן שקדו כי אינכם יודעים את היום ואת השעה אשר יבא בה בן האדם׃
13Naizvozvo rindai, nekuti hamuzivi zuva kana nguva Mwanakomana wemunhu yaachauya.
14כי כמו איש נסע למרחוק אשר קרא אל עבדיו וימסר להם את רכושו׃
14Nekuti zvakaita semunhu wakafamba rwendo, akadana varanda vake, akavapa zvaaiva nazvo.
15ויתן לזה חמש ככרים ולזה שתים ולזה אחת לכל איש ואיש כפי ערכו וימהר ויסע משם׃
15Uye kune umwe wakapa matarenda* mashanu, umwe maviri, umwe rimwe, umwe neumwe zvakakwanirana nesimba rake; pakarepo akafamba rwendo rwake.
16וילך האיש הלקח חמש ככרים ויסחר בהן ויעש לו חמש ככרים אחרות׃
16Uye wakagamuchira matarenda* mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akaita mamwe matarenda mashanu.
17וכן הלקח שתים גם הוא הרויח שתים אחרות׃
17Saizvozvovo wemaviri akawanawo mamwe maviri.
18אך לקח האחת הלך ויחפר באדמה ויטמן את כסף אדניו׃
18Asi wakagamuchira rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yaishe wake.
19ואחרי ימים רבים בא אדוני העבדים ההם ויעש חשבון עמהם׃
19Shure kwenguva refu, ishe wevaranda ivavo wakasvika, akagadzira zvemari navo.
20ויגש הלקח חמש הככרים ויבא חמש ככרים אחרות לאמר אדני חמש ככרים מסרת לי הנה חמש ככרים אחרות הרוחתי בהן׃
20Kwakauya wakange agamuchira matarenda mashanu akauyisa mamwe matarenda mashanu achiti: Ishe, makandikumikidza matarenda mashanu; tarirai, ndawana pamusoro pawo mamwe matarenda mashanu.
21ויאמר אליו אדניו כן העבד הטוב והנאמן כי במעט נאמן היית ועל הרבה אפקידך בוא אל שמחת אדניך׃
21Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
22ויגש גם לקח הככרים ויאמר אדני ככרים מסרת לי הנה ככרים הרוחתי בהן׃
22Wakange agamuchira matarenda maviri akauyawo akati: Ishe, makandikumikidza matarenda maviri; tarirai, ndawana mamwe matarenda maviri pamusoro pawo.
23ויאמר אליו אדניו היטבת העבד הטוב והנאמן במזער נאמן היית ועל הרבה אפקידך בוא אל שמחת אדניך׃
23Ishe wake akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka, wakange wakatendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvizhinji; pinda mumufaro waishe wako.
24ויגש גם הלקח את הככר האחת ויאמר אדני ידעתיך כי איש קשה אתה קצר באשר לא זרעת וכנס מאשר לא פזרת׃
24Asi wakange agamuchira tarenda rimwe naiye wakauya akati: Ishe, ndakange ndichikuzivai imwi kuti muri munhu wakawoma, munokohwa pamusina kudzvara, munounganidza pamusina kukusha;
25ואירא ואלך ואטמן את ככרך באדמה ועתה הא לך את אשר לך׃
25zvino ndakatya, ndikaenda ndikanoviga tarenda renyu muvhu; tarirai, mava nechenyu!
26ויען אדניו ויאמר אליו העבד הרע והעצל אתה ידעת כי קצר אנכי באשר לא זרעתי וכנס מאשר לא פזרתי׃
26Ishe wake akapindura akati kwaari: Muranda wakaipa une usimbe, wakange uchiziva kuti ndinokohwa pandisina kudzvara, ndichiunganidza pandisina kukusha.
27לכן היה עליך לתת את כספי לשלחנים ואני בבואי הייתי לקח את אשר לי בתרבית׃
27Saka waifanira kuisa mari yangu kuvatsinhanisi vemari, neni pakusvika ndingadai ndagamuchira zvangu nezvibereko.
28על כן שאו ממנו את הככר ותנו אל האיש אשר לו עשר הככרים׃
28Naizvozvo mutorerei tarenda, mupe kune une matarenda gumi.
29כי כל איש אשר יש לו ינתן לו ויעדיף והאיש אשר אין לו גם את אשר לו יקח ממנו׃
29Nekuti wose unazvo uchapiwa ave nezvakawandisa; asi usina uchatorerwa nechaanacho.
30ואת עבד הבליעל השליכו אל החשך החיצון שם תהיה היללה וחרק השנים׃
30Uye muranda pasina murasirei kurima rekunze, ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
31והיה כי יבוא בן האדם בכבודו וכל המלאכים הקדשים עמו וישב על כסא כבודו׃
31Zvino kana Mwanakomana wemunhu achiuya mukubwinya kwake, nevatumwa vatsvene vose vanaye, ipapo uchagara pachigaro cheushe chekurumbidzwa kwake.
32ונאספו לפניו כל הגוים והפריד בינותם כאשר יפריד הרעה את הכבשים מן העתודים׃
32Zvino pamberi pake pachaunganidzwa ndudzi dzose; uye uchadziparadzanisa imwe kubva kune imwe, semufudzi unoparadzanisa makwai kubva kumbudzi.
33והציב את הכבשים לימינו ואת העתודים לשמאלו׃
33Uchamisa makwai kuruoko rwake rwerudyi, asi mbudzi kuruboshwe.
34אז יאמר המלך אל הנצבים לימינו באו ברוכי אבי ורשו את המלכות המוכנה לכם למן הוסד העולם׃
34Zvino Mambo uchati kune vari kuruoko rwake rwerudyi: Uyai, imwi makaropfadzwa naBaba vangu, mugare nhaka yeushe hwakagadzirirwa imwi kubva pakuvamba kwenyika.
35כי רעב הייתי ותאכילני צמא הייתי ותשקוני גר הייתי ותאספוני׃
35Nekuti ndakange ndine nzara, mukandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukandipa chekumwa; ndakange ndiri mweni, mukandigamuchira;
36ערום ותכסוני חולה ותבקרוני במשמר הייתי ותבאו אלי׃
36ndakashama, mukandipfekedza; ndakange ndichirwara, mukandishanyira; ndakange ndiri mutirongo, mukauya kwandiri.
37וענו הצדיקים ואמרו אדנינו מתי ראינוך רעב ונכלכלך או צמא ונשקה אותך׃
37Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, tikakupai chekudya, kana mune nyota tikapa chekumwa?
38ומתי ראינוך גר ונאספך או ערם ונכסך׃
38Takakuonai rinhi muri mweni, tikagamuchira, kana makashama, tikapfekedza?
39ומתי ראינוך חולה או במשמר ונבא אליך׃
39Takakuonai rinhi isu muchirwara, kana mutirongo, tikauya kwamuri?
40והמלך יענה ויאמר אליהם אמן אמר אני לכם מה שעשיתם לאחד מאחי הצעירים האלה לי עשיתם׃
40Uye Mambo uchapindura ati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Sezvamakaitira umwe wehama dzangu idzi mudukusa, makaitira ini.
41ואז יאמר גם אל הנצבים לשמאלו לכו מעלי אתם הארורים אל אש עולם המוכנה לשטן ולמלאכיו׃
41Ipapo uchatiwo kune vari kuruoko rweruboshwe: Ibvai kwandiri, imwi makapiwa rushambwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Diabhorosi nevatumwa vake.
42כי רעב הייתי ולא האכלתם אותי צמא הייתי ולא השקיתם אותי׃
42Nekuti ndakange ndine nzara, mukasandipa chekudya; ndakange ndine nyota, mukasandipa chekunwa;
43גר הייתי ולא אספתם אותי ערום ולא כסיתם אותי חולה ובמשמר ולא בקרתם אותי׃
43ndakange ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndakashama, mukasandipfekedza; ndichirwara, nemutirongo, mukasandishanyira.
44וענו גם הם ואמרו אדנינו מתי ראינוך רעב או צמא או גר או ערום או חולה או במשמר ולא שרתנוך׃
44Ipapo ivava vachamupindurawo vachiti: Ishe, takakuonai rinhi mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana makashama, kana muchirwara, kana muri mutirongo, tikasakushandirai?
45אז יענה אתם לאמר אמן אמר אני לכם מה שלא עשיתם לאחד מן הצעירים האלה גם לי לא עשיתם׃
45Zvino uchavapindura achiti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Pamusina kuitira umwe wevadukusa ava, hamuna kuitirawo ini.
46וילכו אלה למעצבת עולם והצדיקים לחיי עולם׃
46Ava vachaenda kukurangwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.