Hebrew: Modern

Shona

Numbers

26

1ויהי אחרי המגפה ויאמר יהוה אל משה ואל אלעזר בן אהרן הכהן לאמר׃
1Zvino denda rakati rapfuura, Jehovha akataura naMozisi naEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati,
2שאו את ראש כל עדת בני ישראל מבן עשרים שנה ומעלה לבית אבתם כל יצא צבא בישראל׃
2Verengai vanhu vose vaIsiraeri, vanamakore ana makumi maviri navanopfuura, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vanogona kuenda kuhondo pakati paIsiraeri.
3וידבר משה ואלעזר הכהן אתם בערבת מואב על ירדן ירחו לאמר׃
3Mozisi naEreazari mupristi vakataura navo pamapani aMoabhu, paJoridhani paJeriko, vakati,
4מבן עשרים שנה ומעלה כאשר צוה יהוה את משה ובני ישראל היצאים מארץ מצרים׃
4Verengai vanhu vana makore ana makumi maviri navanopfuura; Jehovha sezvakaraira Mozisi navana vaIsiraeri, vakabuda panyika yeEgipita.
5ראובן בכור ישראל בני ראובן חנוך משפחת החנכי לפלוא משפחת הפלאי׃
5Rubheni ndiye aiva mwanakomana wedangwe waIsiraeri, vanakomana vaRubheni ndivo: Hanoki, kwakabva mhuri yavaHanoki; naParu, kwakabva mhuri yavaParu.
6לחצרן משפחת החצרוני לכרמי משפחת הכרמי׃
6NaHezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naKarimi, kwakabva mhuri yavaKarimi.
7אלה משפחת הראובני ויהיו פקדיהם שלשה וארבעים אלף ושבע מאות ושלשים׃
7Ndidzo mhuri dzavaRubheni: Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitatu, namazana manomwe namakumi matatu.
8ובני פלוא אליאב׃
8Vanakomana vaParu vaiva Eriabhu;
9ובני אליאב נמואל ודתן ואבירם הוא דתן ואבירם קרואי העדה אשר הצו על משה ועל אהרן בעדת קרח בהצתם על יהוה׃
9navanakomana vaEriabhu, Nemueri naDhatani naAbhiramu; Dhatani naAbhiramu ndivo vakanga vadamwa kumakurukota, vakarwa naMozisi naAroni paboka raKora, nguva yavakarwa naJehovha,
10ותפתח הארץ את פיה ותבלע אתם ואת קרח במות העדה באכל האש את חמשים ומאתים איש ויהיו לנס׃
10nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza pamwechete naKora musi wakafa boka iro; nguva iyo moto ukaparadza varume vana mazana maviri namakumi mashanu, vakaitwa chiratidzo.
11ובני קרח לא מתו׃
11Asi vanakomana vaKora havana kufa.
12בני שמעון למשפחתם לנמואל משפחת הנמואלי לימין משפחת הימיני ליכין משפחת היכיני׃
12Ava ndivo vanakomana vaSimioni, nemhuri dzavo: Nemueri, kwakabva mhuri yavaNemueri, naJamini, kwakabva mhuri yavaJamini, naJakini, kwakabva mhuri yavaJakini;
13לזרח משפחת הזרחי לשאול משפחת השאולי׃
13naZera, kwakabva mhuri yavaZera; naShauri, kwakabva mhuri yavaShauri.
14אלה משפחת השמעני שנים ועשרים אלף ומאתים׃
14Ndidzo mhuri dzavaSimioni, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana maviri.
15בני גד למשפחתם לצפון משפחת הצפוני לחגי משפחת החגי לשוני משפחת השוני׃
15Ava ndivo vanakomana vaGadhi nemhuri dzavo: Zefoni, kwakabva mhuri yavaZefoni; naHagi, kwakabva mhuri yavaHagi; naShuni, kwakabva mhuri yavaShuni;
16לאזני משפחת האזני לערי משפחת הערי׃
16naZini, kwakabva mhuri yava Zini; naEri, kwakabva mhuri yavaEri;
17לארוד משפחת הארודי לאראלי משפחת האראלי׃
17naArodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi naAreri kwakabva mhuru yavaAreri.
18אלה משפחת בני גד לפקדיהם ארבעים אלף וחמש מאות׃
18Ndidzo mhuri dzavanakomana vaGadhi; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.
19בני יהודה ער ואונן וימת ער ואונן בארץ כנען׃
19Ava ndivo vanakomana vaJudha: Eri naOnani; asi Eri naOnani vakafira munyika yeKanani.
20ויהיו בני יהודה למשפחתם לשלה משפחת השלני לפרץ משפחת הפרצי לזרח משפחת הזרחי׃
20Ndivo vanakomana vaJudha, nemhuri dzavo: Shera, kwakabva mhuri yavaShera; naPerezi kwakabva mhuri yavaPerezi; naZera, kwakabva mhuri yavaZera.
21ויהיו בני פרץ לחצרן משפחת החצרני לחמול משפחת החמולי׃
21Ndivo vanakomana vaPerezi: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naHamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri.
22אלה משפחת יהודה לפקדיהם ששה ושבעים אלף וחמש מאות׃
22Ndidzo mhuri dzaJudha; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvitanhatu namazana mashanu.
23בני יששכר למשפחתם תולע משפחת התולעי לפוה משפחת הפוני׃
23Ava ndivo vanakomana vaIsakari, nemhuri dzavo: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; naPuva, kwakabva mhuri yavaPuva;
24לישוב משפחת הישובי לשמרן משפחת השמרני׃
24naJashubhi, kwakabva mhuri yavaJashubhi, naShimironi, kwakabva mhuri yavaShimironi.
25אלה משפחת יששכר לפקדיהם ארבעה וששים אלף ושלש מאות׃
25Ndidzo mhuri dzalsakari; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana matatu.
26בני זבולן למשפחתם לסרד משפחת הסרדי לאלון משפחת האלני ליחלאל משפחת היחלאלי׃
26Ava ndivo vanakomana vaZebhuruni, nemhuri dzavo: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; naEroni, kwakabva mhuri yavaEroni; naJareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri.
27אלה משפחת הזבולני לפקדיהם ששים אלף וחמש מאות׃
27Ndidzo mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana mashanu.
28בני יוסף למשפחתם מנשה ואפרים׃
28Ava ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo: Manase naEfuremu.
29בני מנשה למכיר משפחת המכירי ומכיר הוליד את גלעד לגלעד משפחת הגלעדי׃
29Ndivo vanakomana vaManase: Makiri, kwakabva mhuri yavaMakiri; Makiri wakabereka Giriyadhi; kunaGiriyadhi kwakabva mhuri yavaGiriyadhi.
30אלה בני גלעד איעזר משפחת האיעזרי לחלק משפחת החלקי׃
30Ndivo vanakomana vaGiriyadhi: Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naHereki, kwakabva mhuri yavaHereki;
31ואשריאל משפחת האשראלי ושכם משפחת השכמי׃
31naAsirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; naShekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu;
32ושמידע משפחת השמידעי וחפר משפחת החפרי׃
32naShemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; naHeferi, kwakabva mhuri yavaHeferi.
33וצלפחד בן חפר לא היו לו בנים כי אם בנות ושם בנות צלפחד מחלה ונעה חגלה מלכה ותרצה׃
33Asi Zerofehadhi, mwanakomana waHeferi, akanga asina vanakomana, asi vanasikana chete; mazita avanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNowa, naHogira, naMirika, naTiriza.
34אלה משפחת מנשה ופקדיהם שנים וחמשים אלף ושבע מאות׃
34Ndidzo mhuri dzaManase; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezviviri namazana manomwe.
35אלה בני אפרים למשפחתם לשותלח משפחת השתלחי לבכר משפחת הבכרי לתחן משפחת התחני׃
35Ava ndivo vanakomana vaEfuremu, nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yavaShutera; naBhekeri, kwakabva mhuri yavaBhekeri, naTahani, kwakabva mhuri yavaTahani.
36ואלה בני שותלח לערן משפחת הערני׃
36Ndivo vanakomana vaShutera: Erani, kwakabva mhuri yavaErani.
37אלה משפחת בני אפרים לפקדיהם שנים ושלשים אלף וחמש מאות אלה בני יוסף למשפחתם׃
37Ndidzo mhuri dzavanakomana vaEfuremu; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo.
38בני בנימן למשפחתם לבלע משפחת הבלעי לאשבל משפחת האשבלי לאחירם משפחת האחירמי׃
38Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; naAshibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; naAhirami, kwakabva mhuri yavaAhirami;
39לשפופם משפחת השופמי לחופם משפחת החופמי׃
39naShefufami, kwakabva mhuri yavaShufami; naHufami, kwakabva mhuri yavaHufami.
40ויהיו בני בלע ארד ונעמן משפחת הארדי לנעמן משפחת הנעמי׃
40Ndivo vanakomana vaBhera: Aridhi naNamani; kuna Aridhi kwakabva mhuri yavaAridhi; naNamani, kwakabva mhuri yavaNamani.
41אלה בני בנימן למשפחתם ופקדיהם חמשה וארבעים אלף ושש מאות׃
41Ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu.
42אלה בני דן למשפחתם לשוחם משפחת השוחמי אלה משפחת דן למשפחתם׃
42Ava ndivo vanakomana vaDhani, nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Ndivo vemhuri dzaDhani, nedzimba dzavo.
43כל משפחת השוחמי לפקדיהם ארבעה וששים אלף וארבע מאות׃
43Mhuri dzose dzavaShuhami, vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana mana.
44בני אשר למשפחתם לימנה משפחת הימנה לישוי משפחת הישוי לבריעה משפחת הבריעי׃
44Ava ndivo vanakomana vaAsheri, nemhuri dzavo: Imuna, kwakabva mhuri yavaImuna; naIshivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; naBheria, kwakabva mhuri yavaBheria.
45לבני בריעה לחבר משפחת החברי למלכיאל משפחת המלכיאלי׃
45Ndivo vanakomana vaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; naMakieri, kwakabva mhuri yavaMakieri.
46ושם בת אשר שרח׃
46Zita romwanasikana waAsheri rakanga riri Sera.
47אלה משפחת בני אשר לפקדיהם שלשה וחמשים אלף וארבע מאות׃
47Ndidzo. mhuri dzaAsheri; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitanhatu namazana mana.
48בני נפתלי למשפחתם ליחצאל משפחת היחצאלי לגוני משפחת הגוני׃
48Ava ndivo vanakomana vaNafutari, nemhuri dzavo: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeri; naGuni, kwakabva mhuri yavaGuni;
49ליצר משפחת היצרי לשלם משפחת השלמי׃
49naJezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naShiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi.
50אלה משפחת נפתלי למשפחתם ופקדיהם חמשה וארבעים אלף וארבע מאות׃
50Ndidzo mhuri dzaNafutari, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana mana.
51אלה פקודי בני ישראל שש מאות אלף ואלף שבע מאות ושלשים׃
51Ndivo vakaverengwa kuvana vaIsiraeri, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nechiuru chimwe namazana manomwe namakumi matatu.
52וידבר יהוה אל משה לאמר׃
52Jehovha akataura naMozisi, akati,
53לאלה תחלק הארץ בנחלה במספר שמות׃
53Nyika inofanira kugoverwa pakati paivava, ive nhaka yavo, vachiverengwa namazita avo.
54לרב תרבה נחלתו ולמעט תמעיט נחלתו איש לפי פקדיו יתן נחלתו׃
54Vazhinji unofanira kuvapa nhaka zhinji; vashoma unofanira kuvapa nhaka shoma; mumwe nomumwe unofanira kupiwa sezvavakaverengwa.
55אך בגורל יחלק את הארץ לשמות מטות אבתם ינחלו׃
55Kunyange zvakadaro nyika inofanira kugoverwa nemijenya; vachapiwa nhaka namazita amarudzi amadzibaba avo.
56על פי הגורל תחלק נחלתו בין רב למעט׃
56Nhaka yavo inofanira kugoverwa nemijenya kana vari vazhinji kana vari vashoma.
57ואלה פקודי הלוי למשפחתם לגרשון משפחת הגרשני לקהת משפחת הקהתי למררי משפחת המררי׃
57Zvino ndivo vakaverengwa kuvaRevhi, nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni;. Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari.
58אלה משפחת לוי משפחת הלבני משפחת החברני משפחת המחלי משפחת המושי משפחת הקרחי וקהת הולד את עמרם׃
58Ndidzo mhuri dzavaRevhi: Mhuri yavaRibhini, nemhuri yavaHebhuroni, nemhuri yavaMari, nemhuri yavaMushi, nemhuri yavaKora. Kohati akabereka Amuramu.
59ושם אשת עמרם יוכבד בת לוי אשר ילדה אתה ללוי במצרים ותלד לעמרם את אהרן ואת משה ואת מרים אחתם׃
59Zita romukadzi waAmuramu rakanga riri Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi, wakaberekerwa Revhi paEgipita; ndiye wakaberekera Amuramu, Aroni, naMozisi, naMiriami, hanzvadzi yavo.
60ויולד לאהרן את נדב ואת אביהוא את אלעזר ואת איתמר׃
60Aroni akaberekerwa Nadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari.
61וימת נדב ואביהוא בהקריבם אש זרה לפני יהוה׃
61Nadhabhi naAbhihu vakafa, nguva yavakauyisa moto usina kufanira pamberi paJehovha.
62ויהיו פקדיהם שלשה ועשרים אלף כל זכר מבן חדש ומעלה כי לא התפקדו בתוך בני ישראל כי לא נתן להם נחלה בתוך בני ישראל׃
62Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvitatu, murume mumwe nomumwe wakange ano mwedzi mumwe navanopfuura; nekuti havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, nekuti havana kupiwa nhaka pakati pavana vaIsiraeri.
63אלה פקודי משה ואלעזר הכהן אשר פקדו את בני ישראל בערבת מואב על ירדן ירחו׃
63Ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari mupristi, vakaverenga vana vaIsiraeri pamapani aMoabhu, paJoridhani paJeriko.
64ובאלה לא היה איש מפקודי משה ואהרן הכהן אשר פקדו את בני ישראל במדבר סיני׃
64Asi pakati pavo kwakanga kusina murume mumwe wavaya vakaverengwa naMozisi naAroni, vakanga vaverenga vana vaIsiraeri murenje reSinai.
65כי אמר יהוה להם מות ימתו במדבר ולא נותר מהם איש כי אם כלב בן יפנה ויהושע בן נון׃
65Nekuti Jehovha akanga ati napamusoro pavo, Zvirokwazvo vachafira murenje. Hakuna mumwe wavo akanga asara, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni.