1וידבר יהוה אל משה לאמר׃
1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2צו את בני ישראל וישלחו מן המחנה כל צרוע וכל זב וכל טמא לנפש׃
2Raira vaIsiraeri kuti vabudise pakati pemisasa vose vana maperembudzi, navose vane hosha yokuyerera, navose vakasvibiswa navakafa.
3מזכר עד נקבה תשלחו אל מחוץ למחנה תשלחום ולא יטמאו את מחניהם אשר אני שכן בתוכם׃
3Munofanira kubudisa vose, varume navakadzi; muvabudise kunze kwemisasa, kuti varege kusvibisa misasa yavo, yandigere pakati payo.
4ויעשו כן בני ישראל וישלחו אותם אל מחוץ למחנה כאשר דבר יהוה אל משה כן עשו בני ישראל׃
4Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; vakavabudisa kunze kwemisasa, sezvakataura Jehovha naMozisi, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri. Zvakabiwa zvinofanira kudzoswa
5וידבר יהוה אל משה לאמר׃
5Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
6דבר אל בני ישראל איש או אשה כי יעשו מכל חטאת האדם למעל מעל ביהוה ואשמה הנפש ההוא׃
6Taura navana vaIsiraeri, uti, Kana murume kana mukadzi achinge atadza nokutadza kwavanhu, akatadzira Jehovha, munhu uyu akava nemhosva;
7והתודו את חטאתם אשר עשו והשיב את אשמו בראשו וחמישתו יסף עליו ונתן לאשר אשם לו׃
7Ipapo anofanira kureurura zvivi zvake zvaakaita, ndokuripira mhosva yake yose, achiwedzera cheshanu chayo, ndokupa iye waakatadzira.
8ואם אין לאיש גאל להשיב האשם אליו האשם המושב ליהוה לכהן מלבד איל הכפרים אשר יכפר בו עליו׃
8Kana munhu uyo asina hama, ingaripirwa pamusoro pemhosva iyo, muripo wemhosva, unoripirwa Jehovha, unofanira kuva womupristi, kunze kwegondobwe rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro.
9וכל תרומה לכל קדשי בני ישראל אשר יקריבו לכהן לו יהיה׃
9Nezvipiriso zvinotsaurwa pazvinhu zvitsvene zvose zvavana valsiraeri, zvavanouya nazvo kumupristi, zvinofanira kuva zvake.
10ואיש את קדשיו לו יהיו איש אשר יתן לכהן לו יהיה׃
10Zvinhu zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe zvinofanira kuva zvake; chinhu chipi nechipi chinopiwa mupristi nomunhu chinofanira kuva chake.
11וידבר יהוה אל משה לאמר׃
11Jehovha akataura naMozisi akati,
12דבר אל בני ישראל ואמרת אלהם איש איש כי תשטה אשתו ומעלה בו מעל׃
12Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, Kana mukadzi womurume upi noupi akachinya, akamutadzira,
13ושכב איש אתה שכבת זרע ונעלם מעיני אישה ונסתרה והיא נטמאה ועד אין בה והוא לא נתפשה׃
13mumwe murume akavata naye, zvikavanzwa kumurume wake, zvikasazikamwa, iye akasvibiswa, asi vakashaiwa chapupu, naiye asina kubatwa achiita izvozvo;
14ועבר עליו רוח קנאה וקנא את אשתו והוא נטמאה או עבר עליו רוח קנאה וקנא את אשתו והיא לא נטמאה׃
14murume wake akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, wakasvibiswa kana zvimwe akabatwa nomweya weshungu, akava neshungu nomukadzi wake, usina kusvibiswa;
15והביא האיש את אשתו אל הכהן והביא את קרבנה עליה עשירת האיפה קמח שערים לא יצק עליו שמן ולא יתן עליו לבנה כי מנחת קנאת הוא מנחת זכרון מזכרת עון׃
15ipapo murume anofanira kuuya nomukadzi wake kumupristi, achiuyawo nechipo chake pamusoro pake, chinoti,chegumi choupfu bwebhari; haafaniri kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuhwira pamusoro pahwo; nekuti icho chipiriso choupfu cheshungu, chipiriso choupfu chokurangaridza, chinorangaridza zvakaipa.
16והקריב אתה הכהן והעמדה לפני יהוה׃
16Zvino mupristi anofanira kumuswededza, ndokumuisa pamberi paJehovha
17ולקח הכהן מים קדשים בכלי חרש ומן העפר אשר יהיה בקרקע המשכן יקח הכהן ונתן אל המים׃
17Ipapo mupristi anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu, mupristi agotorawo guruva riri pasi mutabhenakeri, ndokuriisa mumvura.
18והעמיד הכהן את האשה לפני יהוה ופרע את ראש האשה ונתן על כפיה את מנחת הזכרון מנחת קנאת הוא וביד הכהן יהיו מי המרים המאררים׃
18Zvino mupristi anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, ndokusunungura musoro womukadzi, ndokuisa chipiriso chokurangaridza mumaoko ake, icho chipiriso choupfu cheshungu; mupristi ndokubata muruoko rwake mvura inovavisa, inouyisa kutuka.
19והשביע אתה הכהן ואמר אל האשה אם לא שכב איש אתך ואם לא שטית טמאה תחת אישך הנקי ממי המרים המאררים האלה׃
19Ipapo mupristi anofanira kumupikisa, achiti kumukadzi, Kana kusina murume akavata newe, kana usina kutsaukira kune zvakaipa, uri pasi pomurume wako, usunungurwe hako pamvura iyi inovavisa, inouyisa kutuka;
20ואת כי שטית תחת אישך וכי נטמאת ויתן איש בך את שכבתו מבלעדי אישך׃
20asi kana wakatsauka, uri pasi pomurume wako, ukasvibiswa, mumwe murume asati ari murume wako achinge akavata newe,
21והשביע הכהן את האשה בשבעת האלה ואמר הכהן לאשה יתן יהוה אותך לאלה ולשבעה בתוך עמך בתת יהוה את ירכך נפלת ואת בטנך צבה׃
21zvino mupristi anofanira kupikisa mukadzi mhiko inouyisa kutuka, mupristi ndokuti kumukadzi, Jehovha ngaakuite chipiko chemhiko pakati porudzi rwako, kana Jehovha achiwondisa hudyu yako nokuzvimbisa dumbu rako;
22ובאו המים המאררים האלה במעיך לצבות בטן ולנפל ירך ואמרה האשה אמן אמן׃
22mvura iyi inouyisa kutuka ichapinda muura hwako, ndokuzvimbisa dumbu rako, nokuwondisa chidya chako; zvino mukadzi anofanira kuti, Ameni, ameni.
23וכתב את האלת האלה הכהן בספר ומחה אל מי המרים׃
23Ipapo mupristi anofanira kunyora kutuka uku parugwaro, ndokukusuka nemvura inovavisa.
24והשקה את האשה את מי המרים המאררים ובאו בה המים המאררים למרים׃
24Zvino anofanira kumwisa mukadzi mvura inovavisa, inouyisa kutuka inofanira kupinda mukati make, imuvavise.
25ולקח הכהן מיד האשה את מנחת הקנאת והניף את המנחה לפני יהוה והקריב אתה אל המזבח׃
25Zvino mupristi anofanira kutora chipiriso choupfu cheshungu paruoko rwomukadzi, ndokuzunguzira chipiriso choupfu pamberi paJehovha, ndokuuya nacho kuaritari;
26וקמץ הכהן מן המנחה את אזכרתה והקטיר המזבחה ואחר ישקה את האשה את המים׃
26mupristi ndokutora tsama imwe yechipiriso choupfu, kuti chive chokurangaridza chacho, ndokuhupisa paaritari, ndokumwisa mukadzi mvura iyo pashure.
27והשקה את המים והיתה אם נטמאה ותמעל מעל באישה ובאו בה המים המאררים למרים וצבתה בטנה ונפלה ירכה והיתה האשה לאלה בקרב עמה׃
27Zvino kana amumwisa mvura iyo, kana achinge asvibiswa, atadzira murume wake, mvura iyo inouyisa kutuka ichapinda maari, ikamuvavisa, dumbu rake richazvimba, nehudyu yake
28ואם לא נטמאה האשה וטהרה הוא ונקתה ונזרעה זרע׃
28Asi kana mukadzi uyo asina kusvibiswa, akanaka hake, achasunungurwa hake, akava nemimbazve.
29זאת תורת הקנאת אשר תשטה אשה תחת אישה ונטמאה׃
29Ndiwo murayiro weshungu, kana mukadzi ari pasi pomurume wake, akachinya, akasvibiswa;
30או איש אשר תעבר עליו רוח קנאה וקנא את אשתו והעמיד את האשה לפני יהוה ועשה לה הכהן את כל התורה הזאת׃
30kana zvimwe murume achinge abatwa nomweya weshungu, ane shungu nomukadzi wake; ipapo anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, mupristi agomuitira nomurayiro uyu wose.
31ונקה האיש מעון והאשה ההוא תשא את עונה׃
31Murume haangavi nemhosva, asi mukadzi anofanira kuva nemhosva yake.