1פולוס אסיר המשיח ישוע וטימותיוס האח אל פילימון החביב והעזר אתנו׃
1Pauro musungwa waKristu Jesu naTimotio hama, kuna Firimoni mudiwa wedu zvikuru nemushumiri pamwe nesu,
2ואל אפיה האהובה ואל ארכפוס חבר מלחמתינו ואל הקהלה אשר בביתך׃
2nekumudiwa Apifia, naAkipo, muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako;
3חסד לכם ושלום מאת אלהים אבינו ואדנינו ישוע המשיח׃
3Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari baba vedu naIshe Jesu Kristu.
4מודה אני לאלהי בכל עת בהזכירי אתך בתפלותי׃
4Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzose paminyengetero yangu,
5אחרי שמעי אהבתך ואמונתך אשר בך לאדנינו ישוע ולכל הקדושים׃
5ndichinzwa zverudo rwako nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vose,
6למען אשר תאמץ התחברות אמונתך בדעת כל טוב אשר בכם לשם המשיח׃
6kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakugamuchira chinhu chipi nechipi chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu.
7כי שמחה גדולה ונחמה יש לנו באהבתך באשר היתה רוחה למעי הקדושים אחי על ידיך׃
7Nekuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa murudo rwako, nekuti moyo yevatsvene yakavandudzwa newe, hama.
8לכן אף כי יש לי בטחון רב במשיח לצותך את הראוי לך הנה בחרתי למען האהבה לחלות את פניך׃
8Naizvozvo kunyange ndingashinga zvikuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira,
9כאשר הנה אנכי פולוס איש זקן ועתה גם אסיר ישוע המשיח׃
9zvakadaro nekuda kwerudo zviri nani kukukumbirisai, zvandakadai hangu, ini Pauro mutana, uye zvinowo musungwa waJesu Kristu.
10אבקשה ממך על בני אשר הוללתיו במוסרי על אניסימוס׃
10Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu Onesimo,
11אשר מלפנים לא הועיל לך ועתה הוא להועיל גם לך גם לי והשיבתיו אליך׃
11wakange asingambokubatsiri, asi zvino unobatsira iwe neni;
12ואתה קבל נא אתו שהוא מעי׃
12wandatumirazve kwauri; naizvozvo iwe umugamuchire uyo ndiko kuti moyo wangu;
13חפצתי לעצר אתו אצלי שישרתני תחתיך במוסרות הבשורה׃
13wandaida kuramba naye, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri;
14אבל בלי רצונך לא אביתי לעשות דבר למען לא תהיה טובתך באנס כי אם בנדבה׃
14asi handina kuda kuita chinhu iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvako zvaungaita zvirege kuitwa nekurovererwa, asi nechido.
15כי אולי נפרד ממך לשעה בעבור אשר יהיה לך לעולם׃
15Nekuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti ugozova naye nekusingaperi;
16ומעתה לא כעבד כי אם למעלה מעבד כאח אהוב שכן הוא לי ביותר ואף כי לך הן בבשר הן באדון׃
16arege kuzova zvino semuranda, asi unopfuura muranda, hama inodikamwa zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri. zvose panyama nemuna Ishe.
17והנה אם תחשבני לחבר לך תקבלנו כמוני׃
17Naizvozvo kana uchindiverenga seumwe wako, umugamuchire sezvaungandigamuchira ini.
18ואם הרע לך בדבר או חיב הוא לך דבר חשבהו לי׃
18Asi kana akakutadzira, kunyange ane ngava newe, undiravire ini izvozvo.
19אני פולוס כתבתי בידי אני אשלם ולא אמר כי אתה חיב לי גם את נפשך׃
19Ini Pauro ndanyora noruoko rwangu ndomene, ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, unengava kwandiri newewo womene.
20כן אחי אהנה נא ממך באדון נחם נא את מעי באדון׃
20Hongu hama, ngandive nemufaro pamusoro pako muna Ishe; uvandudze moyo wangu muna Ishe.
21בבטחוני כי תשמע לי כתבתי אליך ויודע אני כי תעשה יותר ממה שאמרתי׃
21Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaitawo kupfuura zvandinoreva.
22ועם זה גם תכין לי בית מלון כי אקוה אשר אנתן לכם על ידי תפלותיכם׃
22Asi ipapo ndigadzirirewo pekugara; nekuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri.
23אפפרס האסור אתי במשיח ישוע׃
23Unokukwazisai Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu.
24ומרקוס וארסטרכוס ודימס ולוקס עזרי שאלים לשלומך׃
24Mako, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni.
25חסד ישוע המשיח אדנינו עם רוחכם אמן׃
25Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu.