Hebrew: Modern

Shona

Revelation

5

1וארא בימין הישב על הכסא ספר כתוב פנים ואחור וחתום בשבעה חתמות׃
1Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rwaiye wakange agere pachigaro cheushe bhuku rakanyorwa mukati nekunze kwaro, rakanamatidzwa nemicherechedzo minomwe.
2וארא מלאך אביר קורא בקול גדול מי הוא הזכה לפתח הספר ולהתיר את חותמיו׃
2Ipapo ndakaona mutumwa une simba achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndiani wakafanira kuzarura bhuku, nekusunungura micherechedzo yaro?
3ולא יכל איש גם בשמים גם בארץ גם מתחת לארץ לפתח את הספר או להביט אליו׃
3Asi kwakange kusina munhu kudenga kana panyika, kana pasi penyika, wakagona kuzarura bhuku, kana kutarira mariri.
4ואבך בכי גדול על אשר לא נמצא איש זכה לפתח את הספר ולקרא בו או להביט אליו׃
4Ini ndikachema zvikuru, nekuti hakuna kuwanikwa munhu wakafanira kuzarura nekuverenga bhuku kana kutarira mariri.
5ויאמר אלי אחד מן הזקנים אל תבכה הנה נצח האריה אשר הוא משבט יהודה שרש דוד לפתח את הספר ולהתיר שבעת חותמיו׃
5Zvino mumwe wavakuru wakati kwandiri: Usachema; tarira, yakunda Shumba yerudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, kuti izarure bhuku nokusunungura micherechedzo yaro minomwe.
6וארא והנה בין הכסא וארבע החיות ובין הזקנים שה עמד כמו טבוח ולו שבע קרנים ושבעה עינים אשר הם שבעה רוחות האלהים השלוחים אל כל הארץ׃
6Zvino ndikaona, uye tarira, pakati pechigaro cheushe chezvisikwa zvipenyu zvina, nepakati pevakuru, Gwayana rimire, rakaita serakabayiwa, rine nyanga nomwe nemeso manomwe, ndiyo Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.
7ויבא ויקח את הספר מימין הישב על הכסא׃
7Iro rikauya, rikatora bhuku muruoko rwerudyi rwaiye wakange agere pachigaro cheushe.
8ויהי בקחתו את הספר ויפלו לפני השה ארבע החיות ועשרים וארבעה הזקנים ואיש איש כנור בידו וקערות זהב מלאת קטרת אשר הנה תפלות הקדושים׃
8Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru makumi maviri nevana vakawira pasi pamberi peGwayana, umwe neumwe ane rudimbwa, nendiro dzendarama dzakange dzizere nezvinonhuhwira inova minyengetero yevatsvene.
9וישירו שיר חדש לאמר לך נאה לקחת את הספר ולפתח את חותמיו כי אתה נשחטת ובדמך קניתנו לאלהים מכל משפחה ולשון וכל עם וגוי׃
9zvino vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Ndimwi makafanira kutora bhuku nekuzarura micherechedzo yaro; nekuti makabayiwa, mukatidzikunurira Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nekururimi, nekumunhu, nekurudzi rwose;
10ותעש אתם מלכים וכהנים לאלהינו וימלכו על הארץ׃
10mukatiita kuna Mwari wedu tive madzimambo nevapristi, uye tichatonga panyika.
11וארא ואשמע קול מלאכים רבים סביב לכסא ולחיות ולזקנים מספרם רבו רבבות ואלפי אלפים׃
11Zvino ndakaona, ndikanzwa inzwi revatumwa vazhinji vakange vakakomberedza chigaro cheushe nezvisikwa zvipenyu nevakuru; kuwanda kwazvo kwakange kuri mazana nemazana, nezvuru nezvuru,
12קראים בקול גדול נאה לשה הטבוח לקחת עז ועשר וחכמה וגבורה והדר וכבוד וברכה׃
12vachiti nenzwi guru: Gwayana rakabayiwa rakafanira kugamuchira simba neufumi nenjere nechiremerera nerukudzo nekubwinya nekurumbidzwa.
13וכל בריה אשר בשמים ובארץ ומתחת לארץ ואשר על הים וכל אשר בהם את כלם שמעתי אמרים לאמר לישב על הכסא ולשה הברכה וההדר והכבוד והעז לעולמי עולמים׃
13Nechisikwa choga choga chiri kudenga, nepanyika, nepasi penyika, nezviri mugungwa nezvose zviri mazviri, ndakanzwa zvichiti: Kurumbidzwa, nerukudzo, nekubwinya, nesimba ngazvive kuna iye ugere pamusoro pechigaro cheushe, nekuGwayana kusvikira rinhi narinhi.
14ותאמרנה ארבע החיות אמן ועשרים וארבעה הזקנים נפלו על פניהם וישתחוו לחי עולמי העולמים׃
14Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Vakuru makumi maviri vakawira pasi, vakanamata iye unorarama nekusingaperi.