Hebrew: Modern

Shona

Revelation

7

1ואחרי כן ראיתי ארבעה מלאכים עמדים בארבע כנפות הארץ ויעצרו את ארבע רוחות הארץ למען לא תשב רוח לא בארץ ולא בים ולא בכל עץ׃
1Uye shure kwezvinhu izvi ndakaona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamuti umwe neumwe.
2וארא מלאך אחר עלה ממרח שמש ובידו חתמת אלהים חיים ויקרא בקול גדול אל ארבעה המלאכים אשר נתן להם לחבל הארץ והים לאמר׃
2Uye ndakaona umwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, ane mucherechedzo waMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakange vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,
3אל תחבלו את הארץ ואת הים ואת העץ עד אם חתמנו את עבדי אלהינו על מצחותם׃
3achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa mucherechedzo varanda vaMwari pahuma.
4ואשמע מספר החתומים מאה אלף וארבעים וארבעה אלף והם חתומים מכל שבטי בני ישראל׃
4Ndikanzwa uwandu hwaivo vakaiswa mucherechedzo; zvuru zana nemakumi mana nezvina, vakaiswa mucherechedzo vachibva kumarudzi ose evana vaIsraeri.
5לשבט יהודה חתומים שנים עשר אלף לשבט ראובן חתומים שנים עשר אלף לשבט גד חתומים שנים עשר אלף׃
5Verudzi rwaJudha vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri. Kurudzi rwaRubheni kwakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaGadi vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri;
6לשבט אשר חתומים שנים עשר אלף לשבט נפתלי חתומים שנים עשר אלף לשבט מנשה חתומים שנים עשר אלף׃
6Verudzi rwaAseri vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaNafutarimi vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaManase vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri;
7לשבט שמעון חתומים שנים עשר אלף לשבט לוי חתומים שנים עשר אלף לשבט יששכר חתומים שנים עשר אלף׃
7verudzi rwaSimioni vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaRevhi vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaIsakari vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri;
8לשבט זבלון חתומים שנים עשר אלף לשבט יוסף חתומים שנים עשר אלף לשבט בנימן חתומים שנים עשר אלף׃
8verudzi rwaZebhuroni vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaJosefa vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaBenjamini vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri.
9אחרי כן ראיתי והנה המון רב אשר לא יכל איש למנותו מכל הגוים והמשפחות והעמים והלשנות ויעמדו לפני הכסא ולפני השה מלבשים שמלות לבנות וכפות תמרים בידיהם׃
9Shure kwaizvozvi ndakaona, zvino tarira, chaunga chikuru chisingagoni kuverengwa nemunhu, vakabva kundudzi dzose, nemarudzi, nevanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro cheushe, nepamberi peGwayana vakapfeka nguvo chena, nemichindwe mumaoko avo;
10ויקראו בקול גדול לאמר הישועה לאלהינו הישב על הכסא ולשה׃
10vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kuna Mwari unogara pachigaro cheushe, nekuGwayana.
11וכל המלאכים עמדו סביב לכסא וסביב לזקנים ולארבע החיות ויפלו על פניהם לפני הכסא וישתחוו לאלהים׃
11Zvino vatumwa vose vakamira vakakomba chigaro cheushe, nevakuru, nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawa nezviso zvavo pamberi pechigaro cheushe, vakanamata Mwari,
12ויאמרו אמן הברכה והכבוד והחכמה והתודה וההדר והכח והעז לאלהינו לעולמי עולמים אמן׃
12vachiti: Ameni: Kurumbidzwa, nekubwinya, nenjere, nekuvonga, nerukudzo, nesimba, nechiremerera ngazvive kuna Mwari kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
13ויען אחד מן הזקנים ויאמר אלי אלה המלבשים בגדי לבן מי המה ומאין באו׃
13Zvino umwe wevakuru wakapindura, achiti kwandiri: Ava vakapfeka nguvo chena ndivana ani? Uye vakabvepi?
14ואמר אליו אדני אתה ידעת ויאמר אלי אלה הם הבאים מן הצרה הגדולה ויכבסו את שמלתם וילבינום בדם השה׃
14Ndikati kwaari: Ishe, ndimwi munoziva. Akati kwandiri: Ava ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.
15לכן הנם לפני כסא האלהים ומשרתים אותו בהיכלו יומם ולילה והישב על הכסא יתן משכנו עליהם׃
15Naizvozvo vari pamberi pechigaro cheushe chaMwari, vanomushumira masikati neusiku mutembere yake; uye unogara pachigaro cheushe, uchavadzitira.
16לא ירעבו עוד ולא יצמאו ולא יכם שמש ושרב׃
16Havachazoziyizve kana kuzova nenyotazve; zuva haringavapenyeri kana kumwe kupisa;
17כי השה אשר בתוך הכסא הוא ירעם ועל מבועי מים חיים ינהלם ומחה אליהם כל דמעה מעיניהם׃
17Nekuti Gwayana riri pakati pechigaro cheushe richavafudza, uye richavatungamirira kuzvitubu zvipenyu zvemvura; Mwari uchapusika misodzi yose kumeso avo.