1שיר השירים אשר לשלמה׃
1Rwiyo rukuru rwaSoromoni.
2ישקני מנשיקות פיהו כי טובים דדיך מיין׃
2Ngaanditsvode nokutsvoda komuromo wake; nekuti rudo rwako rwakanaka kupfuura waini.
3לריח שמניך טובים שמן תורק שמך על כן עלמות אהבוך׃
3Zvizoro zvako zvinonhuhwira zvakanaka; Zita rako rakaita samafuta akadururwa; Saka mhandara dzinokuda.
4משכני אחריך נרוצה הביאני המלך חדריו נגילה ונשמחה בך נזכירה דדיך מיין מישרים אהבוך׃
4Ndikwevere kwauri; tichakutevera tichimhanya; Mambo wakandiisa mudzimba dzake dzomukati; Tichafara nokukufarira zvikuru iwe; Ticharumbidza rudo rwako kupfuura waini; Zvakarurama zvavakakuda.
5שחורה אני ונאוה בנות ירושלם כאהלי קדר כיריעות שלמה׃
5Ndakasviba, asi ndakanaka hangu, imwi vakunda veJerusaremu, Samatende eKedhari, Semicheka yakaremberedzwa yaSoromoni.
6אל תראוני שאני שחרחרת ששזפתני השמש בני אמי נחרו בי שמני נטרה את הכרמים כרמי שלי לא נטרתי׃
6Musanditarira, zvandakasviba, nekuti zuva rakandipisa. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira, Vakandiita murindikadzi weminda yemizambiringa; Asi munda wangu wemizambiringa handina kuuchengeta.
7הגידה לי שאהבה נפשי איכה תרעה איכה תרביץ בצהרים שלמה אהיה כעטיה על עדרי חבריך׃
7Ndiudze iwe, unodikamwa nomweya wangu, Kuti unofudza boka rako kupi, Kuti unorizorodza kupi masikati; nekuti ndichaitirei somunhu akafukidzwa kumeso Pakati pamapoka eshamwari dzako?
8אם לא תדעי לך היפה בנשים צאי לך בעקבי הצאן ורעי את גדיתיך על משכנות הרעים׃
8Kana usingazivi, iwe unopfuura vakadzi vose nokunaka, Tevera makwara amapoka, Ufudze makwayana ako kurutivi rwamatende avafudzi.
9לססתי ברכבי פרעה דמיתיך רעיתי׃
9Ndakakufananidzira iwe, shamwari yangu, Nebhizagadzi pakati pengoro dzaFarao.
10נאוו לחייך בתרים צוארך בחרוזים׃
10Matama ako akanaka pakati pezvirukwa zvevhudzi; Mutsipa wako nezvibwe zvinokosha zvakatungirwa.
11תורי זהב נעשה לך עם נקדות הכסף׃
11Tichakuitira zvirukwa zvendarama Nezvuma zvesirivha.
12עד שהמלך במסבו נרדי נתן ריחו׃
12Nguva yose mambo agere patafura yake, Nadho yangu yakabudisa kunhuhwira kwayo.
13צרור המר דודי לי בין שדי ילין׃
13Mudiwa wangu akaita kwandiri sehombodo yemura, Inogara pakati pamazamu angu.
14אשכל הכפר דודי לי בכרמי עין גדי׃
14Mudiwa wangu akaita kwandiri sesumbu ramaruva ehena, Paminda yemizambiringa paEngedhi.
15הנך יפה רעיתי הנך יפה עיניך יונים׃
15Tarira, wakanaka, shamwari yangu; Tarira, wakanaka; Meso ako akafanana neenjiva.
16הנך יפה דודי אף נעים אף ערשנו רעננה׃
16Tarira, wakanaka, mudiwa wangu, zvirokwazvo, unofadza; Uvato bwedu ndipo pabumhudza.
17קרות בתינו ארזים רחיטנו ברותים׃
17Matanda edzimba dzedu ndeemisidhari; Mbariro dzayo ndedzemisiperesi.