Hebrew: Modern

Shona

Song of Solomon

6

1אנה הלך דודך היפה בנשים אנה פנה דודך ונבקשנו עמך׃
1Mudiwa wako akaendepiko, Iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Mudiwa wako wakaringirepiko, Kuti timutsvake pamwechete newe?
2דודי ירד לגנו לערוגות הבשם לרעות בגנים וללקט שושנים׃
2Mudiwa wangu wakadzira kumunda wake, Kundima dzemiti inonhuhwira, Kufudza makwai ake muminda,nokutanha maruva.
3אני לדודי ודודי לי הרעה בשושנים׃
3Ini ndiri womudiwa wangu; mudiwa wangu ndowangu; Anofudza makwai ake pakati pamaruva.
4יפה את רעיתי כתרצה נאוה כירושלם אימה כנדגלות׃
4Wakanaka, shamwari yangu saTiriza, Wakanaka seJerusaremu, Unotyisa sehondo ine mireza.
5הסבי עיניך מנגדי שהם הרהיבני שערך כעדר העזים שגלשו מן הגלעד׃
5Usanditarira nameso ako, nekuti andikunda. Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi.
6שניך כעדר הרחלים שעלו מן הרחצה שכלם מתאימות ושכלה אין בהם׃
6Meno aka akafanana neboka renhunzvi dzamakwai, Dzinobva pakushambwa; Rimwe nerimwe radzo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana.
7כפלח הרמון רקתך מבעד לצמתך׃
7Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.
8ששים המה מלכות ושמנים פילגשים ועלמות אין מספר׃
8Vahosi vana makumi matanhatu navarongo vana makumi masere variko, Nemhandara dzisingaperi.
9אחת היא יונתי תמתי אחת היא לאמה ברה היא ליולדתה ראוה בנות ויאשרוה מלכות ופילגשים ויהללוה׃
9Njiva yangu, akakwana wangu, ndiye mumwe oga; Ndiye mwana mumwe woga wamai vake; Ndiye musanangurwa wowakamubereka; Vakunda vakamuona, vakati akaropafadzwa; Navahosi navarongo, vakamurumbidza.
10מי זאת הנשקפה כמו שחר יפה כלבנה ברה כחמה אימה כנדגלות׃
10Ndianiko uyo anotarira samambakwedza, Akanaka somwedzi, Akachena sezuva, Anotyisa sehondo ine mireza?
11אל גנת אגוז ירדתי לראות באבי הנחל לראות הפרחה הגפן הנצו הרמנים׃
11Ndakaburukira kumunda wenzungu, Kuti ndione miti mitema mumupata, Kuti ndione kana muzambiringa wotunga, kana matamba otunga maruva.
12לא ידעתי נפשי שמתני מרכבות עמי נדיב׃
12Ndisati ndazviziva, mweya wangu wakandigadza pangoro dzoumambo dzavanhu vangu.
13שובי שובי השולמית שובי שובי ונחזה בך מה תחזו בשולמית כמחלת המחנים׃
13Dzoka, dzoka, Shuramiti; Dzoka, dzoka, kuti tikutarire. Munoda kutarira muShuramiti neiko, Sezvamunotarira kutamba kwendaza mbiri?