1פתח לבנון דלתיך ותאכל אש בארזיך׃
1Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto upedze misidhari yako.
2הילל ברוש כי נפל ארז אשר אדרים שדדו הילילו אלוני בשן כי ירד יער הבצור׃
2Ungudza iwe musipiresi, nekuti musidhari wawira pasi, nekuti miti yakanaka kwazvo yaparadzwa; ungudzai, imwi miouki yeBhashani, nekuti dondo risingabviri kupindwa ratemwa.
3קול יללת הרעים כי שדדה אדרתם קול שאגת כפירים כי שדד גאון הירדן׃
3Inzwai izwi rokuungudza kwavafudzi ! nekuti kukudzwa kwavo kwaparadzwa; inzwai izwi rokuwomba kwavana veshumba! nekuti kuzvikudza kwaJoridhani kwaitwa dongo.
4כה אמר יהוה אלהי רעה את צאן ההרגה׃
4Zvanzi naJehovha Mwari wangu, Fudza makwai anozourawa;
5אשר קניהן יהרגן ולא יאשמו ומכריהן יאמר ברוך יהוה ואעשר ורעיהם לא יחמול עליהן׃
5iwo anourawa navana vawo, vasingatorwi sevane mhosva; vanowatengesa vanoti, Jehovha ngaavongwe, nekuti ndakafuma; vafudzi vawo havana tsitsi nawo.
6כי לא אחמול עוד על ישבי הארץ נאם יהוה והנה אנכי ממציא את האדם איש ביד רעהו וביד מלכו וכתתו את הארץ ולא אציל מידם׃
6nekuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo.
7וארעה את צאן ההרגה לכן עניי הצאן ואקח לי שני מקלות לאחד קראתי נעם ולאחד קראתי חבלים וארעה את הצאן׃
7Saka ini ndakafudza makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, Kunaka, imwe ndikaitumidza zita rinonzi Zvisungo; ndikafudza makwai.
8ואכחד את שלשת הרעים בירח אחד ותקצר נפשי בהם וגם נפשם בחלה בי׃
8Ndikaparadza vafudzi vatatu nomwedzi mumwe, nekuti mweya wangu wakange waneta navo, nemweya yavo yakandisemawo.
9ואמר לא ארעה אתכם המתה תמות והנכחדת תכחד והנשארות תאכלנה אשה את בשר רעותה׃
9Ipapo ndikati, Handichadi kukufudzai; chinoda kufa ngachife hacho, chinofanira kuparadzwa, ngachiparadzwe hacho; akasara ngaadye mumwe nomumwe nyama yomumwe.
10ואקח את מקלי את נעם ואגדע אתו להפיר את בריתי אשר כרתי את כל העמים׃
10Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi, Kunaka, ndikaivhuna-vhuna, kuti ndiputse sungano yangu yandakanga ndaita nendudzi bose dzavanhu.
11ותפר ביום ההוא וידעו כן עניי הצאן השמרים אתי כי דבר יהוה הוא׃
11ikavhuniwa nezuva iro; naizvozvo varombo pakati pamakwai, vakanditeerera, vakaziva kuti ishoko raJehovha.
12ואמר אליהם אם טוב בעיניכם הבו שכרי ואם לא חדלו וישקלו את שכרי שלשים כסף׃
12Ndikati kwavari, Kana muchiti zvakanaka, chindipai mubayiro wangu; kana zvisakanaka, regai. Ipapo vakandiyerera mubayiro wangu, masirivha ana makumi matatu.
13ויאמר יהוה אלי השליכהו אל היוצר אדר היקר אשר יקרתי מעליהם ואקחה שלשים הכסף ואשליך אתו בית יהוה אל היוצר׃
13Jehovha akati kwandiri, Chizvikandira kumuumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo. Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuumbi wehari mumba maJehovha.
14ואגדע את מקלי השני את החבלים להפר את האחוה בין יהודה ובין ישראל׃
14Ipapo ndikavhuna-vhuna imwe tsvimbo yangu, yainzi, Zvisungo, kuti ndiputse ukama hwaiva pakati paJudha nalsiraeri.
15ויאמר יהוה אלי עוד קח לך כלי רעה אולי׃
15Ipapo Jehovha akati kwandiri, Chitorazve nhumbi dzomufudzi chete.
16כי הנה אנכי מקים רעה בארץ הנכחדות לא יפקד הנער לא יבקש והנשברת לא ירפא הנצבה לא יכלכל ובשר הבריאה יאכל ופרסיהן יפרק׃
16nekuti tarirai, ndichamutsa panyika ino mufudzi asingavi nehanya naakarashika, kana kutsvaka akapararira, kana kurapa akavhunika, kana kufudza anovata; asi achadya nyama yaakakora, nokubvamburanya mahwanda awo.
17הוי רעי האליל עזבי הצאן חרב על זרועו ועל עין ימינו זרעו יבוש תיבש ועין ימינו כהה תכהה׃
17Ane nhamo mufudzi asina maturo, anosiya makwai! Munondo uchatema ruoko rwake neziso rake rorudyi; ruoko rwake ruchaoma chose, uye ziso rake rorudyi richasvibirwa chose.