1ואשוב ואשא עיני ואראה והנה מגלה עפה׃
1Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona rugwaro rwakapetwa ruchibhururuka.
2ויאמר אלי מה אתה ראה ואמר אני ראה מגלה עפה ארכה עשרים באמה ורחבה עשר באמה׃
2Akati kwandiri, Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, Ndinoona rugwaro rwakapetwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, novupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.
3ויאמר אלי זאת האלה היוצאת על פני כל הארץ כי כל הגנב מזה כמוה נקה וכל הנשבע מזה כמוה נקה׃
3Ipapo akati kwandiri, Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nekuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo, uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo.
4הוצאתיה נאם יהוה צבאות ובאה אל בית הגנב ואל בית הנשבע בשמי לשקר ולנה בתוך ביתו וכלתו ואת עציו ואת אבניו׃
4Ndichabudisa kutuka ikoko ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kupinde mumba moanoba nomumba moanopika nhema nezita rangu; kuchagara pakati peimba yake, kuchiipedza iyo pamwechete namatanda ayo nemabwe ayo.
5ויצא המלאך הדבר בי ויאמר אלי שא נא עיניך וראה מה היוצאת הזאת׃
5Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akabuda, akati kwandiri, Chirinzira meso ako zvino, uone chinobudapo.
6ואמר מה היא ויאמר זאת האיפה היוצאת ויאמר זאת עינם בכל הארץ׃
6Ini ndikati, Chinyiko? Iye akati, Ndiyo efa inobudapo. Akatizve, Ndizvo zvavakaita panyika yose;
7והנה ככר עפרת נשאת וזאת אשה אחת יושבת בתוך האיפה׃
7(zvino ndikaona tarenda* romutobvu ruchisimudzwa); ndikaona mukadzi agere mukati meefa.
8ויאמר זאת הרשעה וישלך אתה אל תוך האיפה וישלך את אבן העפרת אל פיה׃
8Akati, Uyu ndiye Zvakashata; akamuwisira pasi mukati meefa, akakandira mutobvu unorema pamusoro pomuromo wayo.
9ואשא עיני וארא והנה שתים נשים יוצאות ורוח בכנפיהם ולהנה כנפים ככנפי החסידה ותשאנה את האיפה בין הארץ ובין השמים׃
9Ipapo ndakarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona vakadzi vaviri vachibuda, mhepo iri mumapapiro avo; zvino vakanga vanamapapiro akafanana namapapiro ezimudo; ivo vakasimudza efa, ikava pakati penyika nedenga.
10ואמר אל המלאך הדבר בי אנה המה מולכות את האיפה׃
10Ipapo ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, Vanondoisepiko efa?
11ויאמר אלי לבנות לה בית בארץ שנער והוכן והניחה שם על מכנתה׃
11Iye akati kwandiri, Kundoivakira imba panyika yeShinari; kana yapera achandoiswapo panzvimbo yayo.