1それでダビデは言った、「主なる神の家はこれである、イスラエルのための燔祭の祭壇はこれである」と。
1Dhavhidhi akati, Iyi ndiyo imba yaJehovha Mwari, neyiyi ndiyo aritari yokupisira zvipiriso zvaIsiraeri.
2ダビデは命じてイスラエルの地にいる他国人を集めさせ、また神の家を建てるのに用いる石を切るために石工を定めた。
2Zvino Dhavhidhi akaraira kuti vatorwa vakanga vari panyika yaIsiraeri vaunganidzwe; akagadza vavezi vamabwe, kuti vaveze mabwe okuvaka nawo imba yaMwari.
3ダビデはまた門のとびらのくぎ、およびかすがいに用いる鉄をおびただしく備えた。また青銅を量ることもできないほどおびただしく備えた。
3Dhavhidhi akagadzirawo matare mazhinji okupfura nawo mbambo dzamagonhi amasuwo nezvikorekedzo; uye ndarira zhinji isina kuidzwa kurema kwayo.
4また香柏を数えきれぬほど備えた。これはシドンびととツロの人々がおびただしく香柏をダビデの所に持って来たからである。
4Namatanda emisidhari asina kuverengwa; nekuti vaZidhoni naveTire vakauya nemisidhari yakawanda kuna Dhavhidhi.
5ダビデは言った、「わが子ソロモンは若く、かつ経験がない。また主のために建てる家はきわめて壮大で、万国に名を得、栄えを得るものでなければならない。それゆえ、わたしはその準備をしておこう」と。こうしてダビデは死ぬ前に多くの物資を準備した。
5Dhavhidhi akati, Soromoni mwanakomana wangu achiri muduku asine simba, uye imba, inofanira kuvakirwa Jehovha, inofanira kuva huru kwazvo, ingarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndichaigadzirira. Naizvozvo Dhavhidhi akagadzira zvizhinji asati afa.
6そして彼はその子ソロモンを召して、イスラエルの神、主のために家を建てることを命じた。
6Ipapo akadana Soromoni mwanakomana wake, akamuraira kuti avakire Jehovha Mwari walsiraeri imba.
7すなわちダビデはソロモンに言った、「わが子よ、わたしはわが神、主の名のために家を建てようと志していた。
7Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumoyo mangu ndichavakira zita raJehovha Mwari wangu imba.
8ところが主の言葉がわたしに臨んで言われた、『おまえは多くの血を流し、大いなる戦争をした。おまえはわたしの前で多くの血を地に流したから、わが名のために家を建ててはならない。
8Asi shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, Iwe wakateura ropa rakawanda, uye wakarwa zvizhinji; iwe haungavakiri zita rangu imba, nekuti wakateura ropa rakawanda panyika pamberi pangu;
9見よ、男の子がおまえに生れる。彼は平和の人である。わたしは彼に平安を与えて、周囲のもろもろの敵に煩わされないようにしよう。彼の名はソロモンと呼ばれ、彼の世にわたしはイスラエルに平安と静穏とを与える。
9asi tarira, uchaberekerwa mwanakomana, achava munhu wezororo; ndichamuzorodza pavavengi vake vose vanomupoteredza; nekuti zita rake richanzi Soromoni, ndichapa Isiraeri rugare nokunyarara namazuva ake;
10彼はわが名のために家を建てるであろう。彼はわが子となり、わたしは彼の父となる。わたしは彼の王位をながくイスラエルの上に堅くするであろう』。
10iye achavakira zita rangu imba; iye achava mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake; ini ndichasimbisa chigaro chake choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi.
11それでわが子よ、どうか主があなたと共にいまし、あなたを栄えさせて、主があなたについて言われたように、あなたの神、主の家を建てさせてくださるように。
11Zvino, mwana wangu, Jehovha ngaave newe; ufambiswe zvakanaka iwe, uvake imba yaJehovha Mwari wako, sezvaakataura pamusoro pako.
12ただ、どうか主があなたに分別と知恵を賜い、あなたをイスラエルの上に立たせられるとき、あなたの神、主の律法を、あなたに守らせてくださるように。
12Asi Jehovha ngaakupe kungwara nokuchenjera, akuraire pamusoro paIsiraeri; kuti saizvozvo uchengete murayiro waJehovha Mwari wako.
13あなたがもし、主がイスラエルについてモーセに命じられた定めとおきてとを慎んで守るならば、あなたは栄えるであろう。心を強くし、勇め。恐れてはならない、おののいてはならない。
13Nokudaro uchafambiswa zvakanaka, kana uchichenjera kuita mitemo nezvakatongwa, zvakarairwa Mozisi naJehovha pamusoro paIsiraeri; simba, utsunge moyo; usatya kana kuvhunduswa.
14見よ、わたしは苦難のうちにあって主の家のために金十万タラント、銀百万タラントを備え、また青銅と鉄を量ることもできないほどおびただしく備えた。また材木と石をも備えた。あなたはまたこれに加えなければならない。
14Zvino tarira, ndakatambura ndichigadzirira imba yaJehovha matarenda ane zviuru zvine zana zvendarama, namatarenda ane chiuru chezviuru esirivha; nendarira namatare zvisina kuidzwa, nekuti zvakawanda kwazvo; ndakagadzirawo matanda namabwe; newe ungawedzera hako pazviri.
15あなたにはまた多数の職人、すなわち石や木を切り刻む者、工作に巧みな各種の者がある。
15Uye vabati unavo vazhinji, vaputsi navavezi vamabwe namatanda, navarume vose vakangwara pamabasa ose;
16金、銀、青銅、鉄もおびただしくある。たって行いなさい。どうか主があなたと共におられるように」。
16nendarama, nesirivha, nendarira, namatare hazvingaverengwi; simuka, ubate Jehovha ave newe,
17ダビデはまたイスラエルのすべてのつかさたちにその子ソロモンを助けるように命じて言った、
17Dhavhidhi akarairawo machinda ose aIsiraeri kuti vabatsire Soromoni mwanakomana wake, akati,
18「あなたがたの神、主はあなたがたとともにおられるではないか。四方に泰平を賜わったではないか。主はこの地の民をわたしの手にわたされたので、この地は主の前とその民の前に服している。それであなたがたは心をつくし、精神をつくしてあなたがたの神、主を求めなさい。たって主なる神の聖所を建て、主の名のために建てるその家に、主の契約の箱と神の聖なるもろもろの器を携え入れなさい」。
18Ko Jehovha Mwari wenyu haazi nemwi here? Haana kukuzorodzai kumativi ose here? Nekuti akaisa vanhu vagere panyika iyi muruoko rwangu; zvino nyika yakundwa pamberi paJehovha napamberi pavanhu vake.
19それであなたがたは心をつくし、精神をつくしてあなたがたの神、主を求めなさい。たって主なる神の聖所を建て、主の名のために建てるその家に、主の契約の箱と神の聖なるもろもろの器を携え入れなさい」。
19Zvino shingairai nemoyo yenyu uye nemweya yenyu kutsvaka Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo simukai muvake imba tsvene yaJehovha Mwari, kuti mugoisa areka yesungano yaJehovha nenhumbi tsvene dzaMwari muimba inofanira kuvakirwa zita raJehovha.