1レハベアムはシケムへ行った。すべてのイスラエルびとが彼を王にしようとシケムへ行ったからである。
1Zvino Rehobhoamu akaenda Shekemi, nekuti vaIsiraeri vose vakanga vaungana paShekemi kuzomuita mambo.
2ネバテの子ヤラベアムは、ソロモンを避けてエジプトにのがれていたが、これを聞いてエジプトから帰ったので、
2Zvino Jerobhoami mwanakomana waNebhati, akati achizvinzwa (nokuti akanga achiri Egipita kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni,) Jerobhoami ndokudzoka achibva Egipita.
3人々は人をつかわして彼を招いた。そこでヤラベアムとすべてのイスラエルは来て、レハベアムに言った、
3Vakatuma nhume kundomudana; Jerobhoami navaIsiraeri vose vakasvika vakataura naRehobhoamu, vakati,
4「あなたの父は、われわれのくびきを重くしましたが、今あなたの父のきびしい使役と、あなたの父が、われわれに負わせた重いくびきを軽くしてください。そうすればわたしたちはあなたに仕えましょう」。
4Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha; naizvozvo zvino imwi chirerusai basa rababa venyu rakanga richigozha, nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, tigokushumirai.
5レハベアムは彼らに答えた、「三日の後、またわたしの所に来なさい」。それで民は去った。
5Iye akati kwavari, Dzokeraizve kwandiri kana mazuva matatu apera. Vanhu vakaenda.
6レハベアム王は父ソロモンの存命中ソロモンに仕えた長老たちに相談して言った、「あなたがたはこの民にどう返答すればよいと思いますか」。
6papo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu, akati, Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?
7彼らはレハベアムに言った、「あなたがもしこの民を親切にあつかい、彼らを喜ばせ、ねんごろに語られるならば彼らは長くあなたのしもべとなるでしょう」。
7Ivo vakataura kwaari, vakati, Kana mukaitira vanhu ava nomoyo wakanaka, nokuvafadza, nokutaura mashoko akanaka kwavari, ipapo vachava varanda venyu nokusingaperi.
8しかし彼は長老たちが与えた勧めをすてて、自分と一緒に大きくなって自分に仕えている若者たちに相談して、
8Asi iye wakaramba zano ravakuru, ravakamupa, akarangana namajaya ezero rake, akanga achimira pamberi pake.
9彼らに言った、「あなたがたは、この民がわたしに向かって、『あなたの父上が、われわれに負わせたくびきを軽くしてください』と言うのに、われわれはなんと返答すればよいと思いますか」。
9Akati kwavari, Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?
10彼と一緒に大きくなった若者たちは彼に言った、「あなたに向かって、『あなたの父は、われわれのくびきを重くしたが、あなたは、それをわれわれのために軽くしてください』と言ったこの民に、こう言いなさい、『わたしの小指は父の腰よりも太い、
10Zvino majaya ezero rake akataura kwaari, akati, Iti kuvanhu ava vakataura newe, vachiti, Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imwi chitirerusirai iro, utaure kwavari uti, Mumwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
11父はあなたがたに重いくびきを負わせたが、わたしはさらに、あなたがたのくびきを重くしよう。父はむちであなたがたを懲らしたが、わたしはさそりであなたがたを懲らそう』」。
11Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.
12さてヤラベアムと民は皆、王が「三日目にわたしのところに来なさい」と言ったとおりに、三日目にレハベアムのところへ行った。
12Naizvozvo Jerobhoami navanhu vose vakasvika kuna Rehobhoamu nezuva retatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, Dzokerai kwandirizve nezuva retatu.
13王は荒々しく彼らに答えた。すなわちレハベアム王は長老たちの勧めをすて、
13Mambo akavapindura nehasha; mambo Rehobhoamu akarasha zano ravakuru,
14若者たちの勧めに従い、彼らに告げて言った、「父はあなたがたのくびきを重くしたが、わたしは更にこれを重くしよう。父はむちであなたがたを懲らしたが、わたしはさそりであなたがたを懲らそう」。
14akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namajaya, akati, Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.
15このように王は民の言うことを聞きいれなかった。これは主が、かつてシロびとアヒヤによって、ネバテの子ヤラベアムに言われた言葉を成就するために、神がなされたのであった。
15Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nekuti zvakanga zvabva kuna Mwari, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoami mwanakomana waNebhati.
16イスラエルの人々は皆、王が自分たちの言うことを聞きいれないのを見たので、民は王に答えて言った、「われわれはダビデのうちに何の分があろうか。われわれはエッサイの子のうちに嗣業がない。イスラエルよ、めいめいの天幕に帰れ。ダビデよ、今あなたの家を見よ」。そしてイスラエルは皆彼らの天幕へ去って行った。
16Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo, vakati, Tino mugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana weJese; endai henyu munhu mumwe nomumwe kutende rake, imwi Isiraeri! Zvino Dhavhidhi, chitarira hako imba yako. Naizvozvo valsiraeri vose vakaenda kumatende avo.
17しかしレハベアムはユダの町々に住んでいるイスラエルの人々を治めた。
17Asi kana vari vana vaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu aiva mambo wavo.
18レハベアム王は徴募人の監督であったアドラムをつかわしたが、イスラエルの人々が石で彼を撃ち殺したので、レハベアム王は急いで車に乗り、エルサレムに逃げた。こうしてイスラエルはダビデの家にそむいて今日に至った。
18Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Hadhorami mutariri wavanhu vechibharo, vana vaIsiraeri vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akachimbidzika kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu.
19こうしてイスラエルはダビデの家にそむいて今日に至った。
19Saizvozvo vaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.