1はじめに神は天と地とを創造された。
1Pakutanga Mwari wakasika matenga nenyika.
2地は形なく、むなしく、やみが淵のおもてにあり、神の霊が水のおもてをおおっていた。
2Zvino nyika yakange isina chimiro, isina chinhu, uye rima raiva pamusoro peudzamu; uye Mweya waMwari waindeya pamusoro mvura.
3神は「光あれ」と言われた。すると光があった。
3Zvino Mwari akati: Ngakuve nechiedza, chiedza ndokuvapo.
4神はその光を見て、良しとされた。神はその光とやみとを分けられた。
4Zvino Mwari wakaona chiedza kuti chakanaka; Mwari ndokuparadzanisa chiedza nerima.
5神は光を昼と名づけ、やみを夜と名づけられた。夕となり、また朝となった。第一日である。
5Zvino Mwari akatumidza chiedza, kuti masikati, nerima akaritumidza kuti Usiku. Madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva rekutanga.
6神はまた言われた、「水の間におおぞらがあって、水と水とを分けよ」。
6Zvino Mwari wakati: Ngakuve nenzvimbo pakati pemvura, uye ngaiparadzanise pakati pemvura nemvura.
7そのようになった。神はおおぞらを造って、おおぞらの下の水とおおぞらの上の水とを分けられた。
7Zvino Mwari wakaita nzvimbo, ndokuparadzanisa mvura yaiva pasi penzvimbo, nemvura yaiva pamusoro pemuganhu; zvikaita saizvozvo.
8神はそのおおぞらを天と名づけられた。夕となり、また朝となった。第二日である。
8Mwari akatumidza nzvimbo kuti matenga. Madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva repiri.
9神はまた言われた、「天の下の水は一つ所に集まり、かわいた地が現れよ」。そのようになった。
9Zvino Mwari wakati: Mvura iri pasi pedenga ngaiunganidzwe panzvimbo imwe, uye pasi pakaoma ngapaonekwe; ndokuita saizvozvo.
10神はそのかわいた地を陸と名づけ、水の集まった所を海と名づけられた。神は見て、良しとされた。
10Zvino Mwari wkatumidza pasi pakaoma, kuti nyika; nemuunganidzwa wemvura akautumidza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka.
11神はまた言われた、「地は青草と、種をもつ草と、種類にしたがって種のある実を結ぶ果樹とを地の上にはえさせよ」。そのようになった。
11Zvino Mwari wakati: Nyika ngaimerese uswa, miriwo inobereka mbeu, nemiti yemichero inobereka michero inoenderana nemarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; ndokuita saizvozvo.
12地は青草と、種類にしたがって種をもつ草と、種類にしたがって種のある実を結ぶ木とをはえさせた。神は見て、良しとされた。
12Zvino nyika ikameresa uswa, nemiriwo inobereka mbeu dzine marudzi adzo, nemuti unobereka michero, mbeu dzawo dziri mukati mawo, une marudzi awo. Mwari akaona kuti zvakanaka.
13夕となり、また朝となった。第三日である。
13Zvino madekwani akavapo nemangwanani akavapo, zuva retatu.
14神はまた言われた、「天のおおぞらに光があって昼と夜とを分け、しるしのため、季節のため、日のため、年のためになり、
14Zvino Mwari wakati: Ngakuve nezviedza panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati neusiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva yakatarwa, nemazuva, nemakore.
15天のおおぞらにあって地を照らす光となれ」。そのようになった。
15Zvino ngazvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvipe chiedza panyika; zvikaita saizvozvo.
16神は二つの大きな光を造り、大きい光に昼をつかさどらせ、小さい光に夜をつかさどらせ、また星を造られた。
16Zvino Mwari wakaita zviedza zvikuru zviviri: Chiedza chikuru kuti chitonge masikati, nechiedza chiduku, kuti chitonge usiku, nenyeredziwo.
17神はこれらを天のおおぞらに置いて地を照らさせ、
17Zvino Mwari akazviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti zvipe chiedza panyika,
18昼と夜とをつかさどらせ、光とやみとを分けさせられた。神は見て、良しとされた。
18uye zvitonge masikati neusiku, nekuparadzanisa chiedza kubva parima; zvino Mwari akaona kuti zvakanaka.
19夕となり、また朝となった。第四日である。
19Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva rechina.
20神はまた言われた、「水は生き物の群れで満ち、鳥は地の上、天のおおぞらを飛べ」。
20Zvino Mwari wakati: Mvura ngaizare nekupfakanyika kwemweya mipenyu, neshiri dzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.
21神は海の大いなる獣と、水に群がるすべての動く生き物とを、種類にしたがって創造し、また翼のあるすべての鳥を、種類にしたがって創造された。神は見て、良しとされた。
21Zvino Mwari wakasika mabukanana egungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere nazvo, zvine marudzi azvo, neshiri dzose dzine mapapiro, dzine marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka.
22神はこれらを祝福して言われた、「生めよ、ふえよ、海の水に満ちよ、また鳥は地にふえよ」。
22Zvino Mwari wakazviropafadza, achiti: Berekai, muwande, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika.
23夕となり、また朝となった。第五日である。
23Zvino madekwani akavapo, nemangwanani akavapo, zuva reshanu.
24神はまた言われた、「地は生き物を種類にしたがっていだせ。家畜と、這うものと、地の獣とを種類にしたがっていだせ」。そのようになった。
24Zvino Mwari wakati: Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu zvine marudzi azvo, nezvipfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dzenyika, zvina marudzi azvo. Zvikaita saizvozvo.
25神は地の獣を種類にしたがい、家畜を種類にしたがい、また地に這うすべての物を種類にしたがって造られた。神は見て、良しとされた。
25Mwari akaita mhuka dzenyika dzine marudzi adzo, nezvipfuwo zvine marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvine marudzi azvo. Mwari akaona kuti zvakanaka.
26神はまた言われた、「われわれのかたちに、われわれにかたどって人を造り、これに海の魚と、空の鳥と、家畜と、地のすべての獣と、地のすべての這うものとを治めさせよう」。
26Zvino Mwari wakati: Ngatiite munhu nemufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, nepamusoro peshiri dzedenga, nepamusoro pezvipfuwo, nepamusoro penyika yose, nepamusoro pezvose zvinokambaira panyika.
27神は自分のかたちに人を創造された。すなわち、神のかたちに創造し、男と女とに創造された。
27Zvino Mwari wakasika munhu nemufananidzo waMwari; akavasika murume nemukadzi.
28神は彼らを祝福して言われた、「生めよ、ふえよ、地に満ちよ、地を従わせよ。また海の魚と、空の鳥と、地に動くすべての生き物とを治めよ」。
28Zvino Mwari wakavaropafadza, Mwari ndokuti kwavari: Berekai, muwande, uye muzadze nyika, nekuitonga; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, nepamusoro peshiri dzedenga, nepamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira pamusor penyika.
29神はまた言われた、「わたしは全地のおもてにある種をもつすべての草と、種のある実を結ぶすべての木とをあなたがたに与える。これはあなたがたの食物となるであろう。
29Zvino Mwari wakati: Tarirai, ndakakupai miriwo yose inobereka mbeu, iri pachiso chenyika yose, nemiti yose ine michero yemiti inobereka mbeu, kwamuri ndeyekudya.
30また地のすべての獣、空のすべての鳥、地を這うすべてのもの、すなわち命あるものには、食物としてすべての青草を与える」。そのようになった。神が造ったすべての物を見られたところ、それは、はなはだ良かった。夕となり、また朝となった。第六日である。
30Zvino kumhuka dzose dzenyika, nekushiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira panyika, zvine mweya weupenyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo. Zvikaita saizvozvo.
31神が造ったすべての物を見られたところ、それは、はなはだ良かった。夕となり、また朝となった。第六日である。
31Zvino Mwari wakaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Zvino madekwani akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu.