1これらの事の後、主の言葉が幻のうちにアブラムに臨んだ、「アブラムよ恐れてはならない、わたしはあなたの盾である。あなたの受ける報いは、はなはだ大きいであろう」。
1Shure kwezvinhu izvi shoko raJehovha rakauya kuna Abhuramu pachiratidzo richiti: Usatya Abhuramu, ndiri nhovo yako, nemubayiro wako mukuru-kuru.
2アブラムは言った、「主なる神よ、わたしには子がなく、わたしの家を継ぐ者はダマスコのエリエゼルであるのに、あなたはわたしに何をくださろうとするのですか」。
2Abhuramu ndokuti: Ishe Jehovha, muchandipei? zvandoenda ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko?
3アブラムはまた言った、「あなたはわたしに子を賜わらないので、わたしの家に生れたしもべが、あとつぎとなるでしょう」。
3Abhuramu ndokuti: Tarira, kwandiri hamuna kupa mbeu; uye tarira, uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.
4この時、主の言葉が彼に臨んだ、「この者はあなたのあとつぎとなるべきではありません。あなたの身から出る者があとつぎとなるべきです」。
4Zvino tarira, shoko raJehovha kwaari rakati: Uyu haangavi mudyi wenhaka wako; asi uyo uchabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka wako.
5そして主は彼を外に連れ出して言われた、「天を仰いで、星を数えることができるなら、数えてみなさい」。また彼に言われた、「あなたの子孫はあのようになるでしょう」。
5Zvino wakamubudisa panze akati: Zvino tarira kumatenga, ugoverenga nyeredzi, kana ungagona kudziverenga. Ndokuti kwaari: Ndizvo zvichaita mbeu yako.
6アブラムは主を信じた。主はこれを彼の義と認められた。
6Iye ndokutenda kuna Jehovha. Zvino akamuverengera izvi kuva kururama.
7また主は彼に言われた、「わたしはこの地をあなたに与えて、これを継がせようと、あなたをカルデヤのウルから導き出した主です」。
7Zvino wakati kwaari: Ndini Jehovha wakakubudisa paUri yevaKaradhea, ndikupe nyika iyi ive nhaka yako.
8彼は言った、「主なる神よ、わたしがこれを継ぐのをどうして知ることができますか」。
8Ndokubva akati: Ishe Jehovha, ndichaziva sei kuti ichava nhaka yangu?
9主は彼に言われた、「三歳の雌牛と、三歳の雌やぎと、三歳の雄羊と、山ばとと、家ばとのひなとをわたしの所に連れてきなさい」。
9Zvino akati kwaari: Nditorere tsiru remakore matatu, nesheche yembudzi yemakore matatu, negondohwe remakore matatu, nenjiva, nemwana wehangaiwa.
10彼はこれらをみな連れてきて、二つに裂き、裂いたものを互に向かい合わせて置いた。ただし、鳥は裂かなかった。
10Akamutorera zvose izvi, akazvipamura nepakati, akagadzika rwumwe rutivi rwakatarisana nerwumwe; asi shiri haana kudzipamura.
11荒い鳥が死体の上に降りるとき、アブラムはこれを追い払った。
11Zvino magora akaburukira kuzvitunha, asi Abhuramu wakaadzinga.
12日の入るころ、アブラムが深い眠りにおそわれた時、大きな恐ろしい暗やみが彼に臨んだ。
12Zvino zuva rakati rovira, hope huru dzakawira pana Abhuramu; zvino tarira, kutya nerima guru zvakawira pamusoro pake.
13時に主はアブラムに言われた、「あなたはよく心にとめておきなさい。あなたの子孫は他の国に旅びととなって、その人々に仕え、その人々は彼らを四百年の間、悩ますでしょう。
13Zvino wakati kuna Abhuramu: Uzive kwazvo kuti mbeu yako ichava mutorwa munyika isiri yavo, uye vachavashandira, uye vachatambudzwa makore mazana mana.
14しかし、わたしは彼らが仕えたその国民をさばきます。その後かれらは多くの財産を携えて出て来るでしょう。
14Asi rudzi rwavachashandira ndicharwutonga, uye pashure vachabuda nenhumbi zhinji.
15あなたは安らかに先祖のもとに行きます。そして高齢に達して葬られるでしょう。
15Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako nerugare, uchavigwa pakukwegura kwakanaka.
16四代目になって彼らはここに帰って来るでしょう。アモリびとの悪がまだ満ちないからです」。
16Zvino rudzi rwechina ruchadzoka pano; nekuti kuipa kwevaAmori kuchigere kuzara.
17やがて日は入り、暗やみになった時、煙の立つかまど、炎の出るたいまつが、裂いたものの間を通り過ぎた。
17Zvino zvakaitika kuti zuva ravira, uye kwasviba, zvino tarira, choto chinopfungaira nemwenje unopfuta zvinopfuura pakati penhindi idzodzo.
18その日、主はアブラムと契約を結んで言われた、「わたしはこの地をあなたの子孫に与える。エジプトの川から、かの大川ユフラテまで。
18Nezuva iroro Jehovha wakaita sungano naAbhuramu achiti: Kumbeu yako ndapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kusvikira kurwizi rukuru, rwizi Yufuratesi.
19すなわちケニびと、ケニジびと、カドモニびと、
19VaKeni nevaKenizi nevaKadhimoni
20ヘテびと、ペリジびと、レパイムびと、アモリびと、カナンびと、ギルガシびと、エブスびとの地を与える」。
20nevaHeti nevaPerezi nevaRefaimi,
21アモリびと、カナンびと、ギルガシびと、エブスびとの地を与える」。
21nevaAmori nevaKanani nevaGirigashi nevaJebhusi.