1さてヤコブはラバンの子らが、「ヤコブはわれわれの父の物をことごとく奪い、父の物によってあのすべての富を獲たのだ」と言っているのを聞いた。
1Zvino Jakove wakanzwa mashoko evanakomana vaRabhani vachiti: Jakove atora zvose zvababa vedu; nezvaiva zvababa vedu vachiita mbiri iyi.
2またヤコブがラバンの顔を見るのに、それは自分に対して以前のようではなかった。
2Jakove akaonawo chiso chaRabhani, zvino tarira, chakanga chisakaita kwaari sepakutanga.
3主はヤコブに言われた、「あなたの先祖の国へ帰り、親族のもとに行きなさい。わたしはあなたと共にいるであろう」。
3Jehovha ndokuti kuna Jakove: Dzokera kunyika yemadzibaba ako nekuhama dzako; ndigova newe.
4そこでヤコブは人をやって、ラケルとレアとを、野にいる自分の群れのところに招き、
4Zvino Jakove wakatuma ndokudanira Rakeri naRea kusango kuboka rake,
5彼女らに言った、「わたしがあなたがたの父の顔を見るのに、わたしに対して以前のようではない。しかし、わたしの父の神はわたしと共におられる。
5ndokuti kwavari: Ndinoona chiso chababa venyu kuti hachisakaita kwandiri sepakutanga; asi Mwari wababa vangu wange aneni.
6あなたがたが知っているように、わたしは力のかぎり、あなたがたの父に仕えてきた。
6Zvino munoziva kuti nesimba rangu rose dakashandira baba venyu.
7しかし、あなたがたの父はわたしを欺いて、十度もわたしの報酬を変えた。けれども神は彼がわたしに害を加えることをお許しにならなかった。
7Uye baba venyu vakandinyengedzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi, asi Mwari haana kuvatendera kundiitira zvakaipa.
8もし彼が、『ぶちのものはあなたの報酬だ』と言えば、群れは皆ぶちのものを産んだ。もし彼が、『しまのあるものはあなたの報酬だ』と言えば、群れは皆しまのあるものを産んだ。
8Kana vakataura sezvizvi: Zvine mavara zvichava mubairo wako, ipapo boka rose rakabereka zvine mavara. Zvino vataura seizvi: Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako, ipapo boka rose rakabereka zvine mitsetse.
9こうして神はあなたがたの父の家畜をとってわたしに与えられた。
9Saizvozvo Mwari wakatora zvipfuwo zvababa venyu, akapa kwandiri.
10また群れが発情した時、わたしが夢に目をあげて見ると、群れの上に乗っている雄やぎは皆しまのあるもの、ぶちのもの、霜ふりのものであった。
10Zvino zvakaitika panguva iyo boka richitora mazamu, kuti ndakasimudza meso angu ndikaona muchiroto, zvino tarira, nhongo dzinokwira boka, dzaiva nemitsetse, nemavara, nedzakaita pfumbu.
11その時、神の使が夢の中でわたしに言った、『ヤコブよ』。わたしは答えた、『ここにおります』。
11Zvino mutumwa waMwari wakati kwandiri muchiroto: Jakove! Ndikati: Ndiri pano.
12神の使は言った、『目を上げて見てごらん。群れの上に乗っている雄やぎは皆しまのあるもの、ぶちのもの、霜ふりのものです。わたしはラバンがあなたにしたことをみな見ています。
12Ndokuti: Simudza hako meso ako uone, nhongo dzose, dzinokwira boka, dzine mitsetse, dzine mavara, dzakaita pfumbu; nekuti ndaona zvose Rabhani zvaanoita kwauri.
13わたしはベテルの神です。かつてあなたはあそこで柱に油を注いで、わたしに誓いを立てましたが、いま立ってこの地を出て、あなたの生れた国へ帰りなさい』」。
13Ndini Mwari weBheteri, pawakazodza mbiru, pawakandipikira mhiko. Ikozvino, simuka, ubude munyika ino, udzokere kunyika yechizvarigo chako.
14ラケルとレアは答えて言った、「わたしたちの父の家に、なおわたしたちの受くべき分、また嗣業がありましょうか。
14Rakeri naRea ndokupindura vakati kwaari: Ko tichine mugove nenhaka kuimba yababa vedu here?
15わたしたちは父に他人のように思われているではありませんか。彼はわたしたちを売ったばかりでなく、わたしたちのその金をさえ使い果たしたのです。
15Ko hativerengwi sevatorwa kwavari here? nekuti vakatitengesa, uye vakapedzawo chose mari yedu.
16神がわたしたちの父から取りあげられた富は、みなわたしたちとわたしたちの子どものものです。だから何事でも神があなたにお告げになった事をしてください」。
16Nekuti fuma yose Mwari yaakatorera baba vedu ndeyedu nevana vedu; naizvozvo ikozvino chose Mwari chaareva kwauri, chiite.
17そこでヤコブは立って、子らと妻たちをらくだに乗せ、
17Jakove ndokusimuka, ndokutasvisa vana vake nevakadzi vake pamakamera;
18またすべての家畜、すなわち彼がパダンアラムで獲た家畜と、すべての財産を携えて、カナンの地におる父イサクのもとへ赴いた。
18ndokutinha zvipfuwo zvake zvose, nenhumbi dzake dzose dzaakange awana, zvipfuwo zvaakange anazvo, zvaakange awana paPadhanaramu, kuti aende kuna Isaka baba vake kunyika yeKanani.
19その時ラバンは羊の毛を切るために出ていたので、ラケルは父の所有のテラピムを盗み出した。
19Zvino Rabhani wakange aenda kunoveura makwai ake, Rakeri ndokuba chifananidzo baba vake chavaiva nacho.
20またヤコブはアラムびとラバンを欺き、自分の逃げ去るのを彼に告げなかった。
20Jakove akabva achiverevedza kuna Rabhani muSiriya, nekuti haana kumuzivisa kuti unotiza.
21こうして彼はすべての持ち物を携えて逃げ、立って川を渡り、ギレアデの山地へ向かった。
21Zvino wakatiza iye nezvose zvaakange anazvo, ndokusimuka, ndokuyambuka rwizi, ndokuringisa chiso chake kugomo reGiriadhi.
22三日目になって、ヤコブの逃げ去ったことが、ラバンに聞えたので、
22Zvino zvakaudzwa Rabhani nezuva retatu kuti Jakove watiza.
23彼は一族を率いて、七日の間そのあとを追い、ギレアデの山地で追いついた。
23Iye akatora hama dzake naye akadzingirirana naye rwendo rwemazuva manomwe, vakamuwana mugomo reGiriadhi.
24しかし、神は夜の夢にアラムびとラバンに現れて言われた、「あなたは心してヤコブに、よしあしを言ってはなりません」。
24Mwari ndokuuya kuna Rabhani muSiriya muchiroto usiku, ndokuti kwaari: Zvichenjerere, zvimwe ungataura kuna Jakove chakanaka kana chakaipa.
25ラバンはついにヤコブに追いついたが、ヤコブが山に天幕を張っていたので、ラバンも一族と共にギレアデの山に天幕を張った。
25Rabhani ndokuwana Jakove. Zvino Jakove wakange adzika tende rake mugomo; Rabhaniwo nehama dzake vakadzika matende avo mugomo reGiriadhi.
26ラバンはヤコブに言った、「あなたはなんという事をしたのですか。あなたはわたしを欺いてわたしの娘たちをいくさのとりこのように引いて行きました。
26Zvino Rabhani ndokuti kuna Jakobho: Waitei, kuti waverevedza ndisingazivi, uchitora vakunda vangu nechisimba sevatapwa nemunondo?
27なぜあなたはわたしに告げずに、ひそかに逃げ去ってわたしを欺いたのですか。わたしは手鼓や琴で喜び歌ってあなたを送りだそうとしていたのに。
27Watizirei pachivande, uchindiverevedza, usingandiudzi, kuti ndingadai ndakuoneka nemufaro nenziyo, nengoma nerudimhwa?
28なぜわたしの孫や娘にわたしが口づけするのを許さなかったのですか。あなたは愚かな事をしました。
28Uye hauna kunditendera kutsvoda vanakomana vangu nevakunda vangu. Ikozvino waita sebenzi pakuita.
29わたしはあなたがたに害を加える力をもっているが、あなたがたの父の神が昨夜わたしに告げて、『おまえは心して、ヤコブによしあしを言うな』と言われました。
29Zviri pasimba reruoko rwangu kukuitirai zvakaipa; asi Mwari wababa vako wakataura neni usiku hwazuro achiti: Zvichenjerere kuti urege kutaura naJakobho kana chakanaka kana chakaipa.
30今あなたが逃げ出したのは父の家が非常に恋しくなったからでしょうが、なぜあなたはわたしの神を盗んだのですか」。
30Zvino ikozvino, kuenda waenda, nekuti wanga uchishuva zvikuru imba yababa vako; wabirei vamwari vangu?
31ヤコブはラバンに答えた、「たぶんあなたが娘たちをわたしから奪いとるだろうと思ってわたしは恐れたからです。
31Jakove ndokupindura ndokuti kuna Rabhani: Nekuti ndakanga ndichitya, nekuti ndakati: Zvimwe munganditorera vakunda venyu nechisimba.
32だれの所にでもあなたの神が見つかったら、その者を生かしてはおきません。何かあなたの物がわたしのところにあるか、われわれの一族の前で、調べてみて、それをお取りください」。ラケルが神を盗んだことをヤコブは知らなかったからである。
32Uyo wamunowana kwaari vamwari venyu ngaarege kurarama; zvino pamberi pehama dzedu, zviongororerei zvenyu zviri kwandiri, muzvitorere. Nekuti Jakove wakange asingazivi kuti Rakeri wakange aba.
33そこでラバンはヤコブの天幕にはいり、またレアの天幕にはいり、更にふたりのはしための天幕にはいってみたが、見つからなかったので、レアの天幕を出てラケルの天幕にはいった。
33Rabhani ndokupinda mutende raJakove, nemutende raRea, nemutende revarandakadzi vaviri, asi haana kuzviwana. Zvino wakabuda mutende raRea, ndokupinda mutende raRakeri.
34しかし、ラケルはすでにテラピムを取って、らくだのくらの下に入れ、その上にすわっていたので、ラバンは、くまなく天幕の中を捜したが、見つからなかった。
34Zvino Rakeri wakange atora zvifananidzo, akazviisa muchigaro chekamera, ndokugara pamusoro pazvo. Rabhani ndokubata-bata pose mutende, asi haana kuzviwana.
35その時ラケルは父に言った、「わたしは女の常のことがあって、あなたの前に立ち上がることができません。わが主よ、どうかお怒りにならぬよう」。彼は捜したがテラピムは見つからなかった。
35Iye ndokuti kuna baba vake: Ngazirege kusafadza pameso paishe wangu kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nekuti mutowo wevakadzi uri kwandiri. Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana zvifananidzo.
36そこでヤコブは怒ってラバンを責めた。そしてヤコブはラバンに言った、「わたしにどんなあやまちがあり、どんな罪があって、あなたはわたしのあとを激しく追ったのですか。
36Zvino Jakove wakatsamwa, ndokupikisana naRabhani; Jakove ndokupindura ndokuti kuna Rabhani: Kudarika kwangu chii, chivi changu chii, kuti mundidzingirire neshungu?
37あなたはわたしの物をことごとく探られたが、何かあなたの家の物が見つかりましたか。それを、ここに、わたしの一族と、あなたの一族の前に置いて、われわれふたりの間をさばかせましょう。
37Zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose mawanei chenhumbi dzekumba kwenyu? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nehama dzenyu kuti vatonge pakati pedu isu vaviri.
38わたしはこの二十年、あなたと一緒にいましたが、その間あなたの雌羊も雌やぎも子を産みそこねたことはなく、またわたしはあなたの群れの雄羊を食べたこともありませんでした。
38Makore awa makumi maviri ndinemwi; nhunzvi dzenyu dzemakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, nemakondobwe enyu emapoka handina kuadya.
39また野獣が、かみ裂いたものは、あなたのもとに持ってこないで、自分でそれを償いました。また昼盗まれたものも、夜盗まれたものも、あなたはわたしにその償いを求められました。
39Zvakabvamburwa handina kuzviuisa kwamuri; ini ndakazviripa; pamaoko angu makazvireva, zvakabiwa masikati kana zvakabiwa usiku.
40わたしのことを言えば、昼は暑さに、夜は寒さに悩まされて、眠ることもできませんでした。
40Masikati ndakapedzwa nezuva, neveta usiku; hope dzangu dzikatiza kumeso angu.
41わたしはこの二十年あなたの家族のひとりでありました。わたしはあなたのふたりの娘のために十四年、またあなたの群れのために六年、あなたに仕えましたが、あなたは十度もわたしの報酬を変えられました。
41Makore aya makumi maviri ndakange ndiri mumba menyu, ndakakushandirai makore gumi nemana nekuda kwevakunda venyu vaviri, nemakore matanhatu nekuda kwezvipfuwo zvenyu; mukashandura mubayiro wangu kagumi.
42もし、わたしの父の神、アブラハムの神、イサクのかしこむ者がわたしと共におられなかったなら、あなたはきっとわたしを、から手で去らせたでしょう。神はわたしの悩みと、わたしの労苦とを顧みられて昨夜あなたを戒められたのです」。
42Kunze kwekuti Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahamu, nekutya kwaIsaka, dai asaiva neni, zvirokwazvo ikozvino mungadai maindiendesa ndisina chinhu. Dambudziko rangu nebasa remaoko angu Mwari wakaona, akakutsiurai usiku hwazuro.
43ラバンは答えてヤコブに言った、「娘たちはわたしの娘、子どもたちはわたしの孫です。また群れはわたしの群れ、あなたの見るものはみなわたしのものです。これらのわたしの娘たちのため、また彼らが産んだ子どもたちのため、きょうわたしは何をすることができましょうか。
43Zvino Rabhani wakapindura akati kuna Jakove: Vakunda vakunda vangu, nevanakomana vanakomana vangu, boka iboka rangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nekuvakunda vangu ndichaitei nhasi, kana kuvana vavo vavakazvara?
44さあ、それではわたしとあなたと契約を結んで、これをわたしとあなたとの間の証拠としましょう」。
44Zvino ikozvino, ngatiite sungano, ini newe; chive uchapupu pakati pangu newe.
45そこでヤコブは石を取り、それを立てて柱とした。
45Jakove ndokutora ibwe, akarimisa rikava mbiru.
46ヤコブはまた一族の者に言った、「石を集めてください」。彼らは石を取って、一つの石塚を造った。こうして彼らはその石塚のかたわらで食事をした。
46Jakove ndokuti kuhama dzake: Unganidzai mabwe. Zvino vakatora mabwe, vakaita murwi; vakadya ipapo pamusoro pemurwi.
47ラバンはこれをエガル・サハドタと名づけ、ヤコブはこれをガルエドと名づけた。
47Rabhani ndokuutumidza Jegarisahadhuta; asi Jakove akautumidza Garidhi.
48そしてラバンは言った、「この石塚はきょうわたしとあなたとの間の証拠となります」。それでその名はガルエドと呼ばれた。
48Rabhani ndokuti: Murwi uyu uchapupu pakati pangu newe nhasi. Naizvozvo zita rawo rakanzi Garidhi,
49またミズパとも呼ばれた。彼がこう言ったからである、「われわれが互に別れたのちも、どうか主がわたしとあなたとの間を見守られるように。
49uye Mizipa, nekuti wakati: Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana tisingaonani umwe neumwe.
50もしあなたがわたしの娘を虐待したり、わたしの娘のほかに妻をめとることがあれば、たといそこにだれひとりいなくても、神はわたしとあなたとの間の証人でいらせられる」。
50Kana ukatambudza vakunda vangu, uye kana ukawana vamwe vakadzi kunze kwevakunda vangu, hakuna munhu unesu, asi tarira, Mwari chapupu pakati pangu newe.
51更にラバンはヤコブに言った、「あなたとわたしとの間にわたしが建てたこの石塚をごらんなさい、この柱をごらんなさい。
51Zvino Rabhani wakati kuna Jakove: Tarira murwi uyu, tarira mbiru iyi, yandakamisa pakati pangu newe.
52この石塚を越えてわたしがあなたに害を加えず、またこの石塚とこの柱を越えてあなたがわたしに害を加えないように、どうかこの石塚があかしとなり、この柱があかしとなるように。
52Murwi uyu ngauve chapupu, nembiru iyi ngaive chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu ndichienda kwauri, newe haungapfuuri murwi uyu nembiru uchiuya kwandiri kuti tiitirane zvakaipa.
53どうかアブラハムの神、ナホルの神、彼らの父の神がわれわれの間をさばかれるように」。ヤコブは父イサクのかしこむ者によって誓った。
53Mwari waAbhurahamu, naMwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu. Jakove ndokupika neKutya kwababa vake Isaka.
54そしてヤコブは山で犠牲をささげ、一族を招いて、食事をした。彼らは食事をして山に宿った。あくる朝ラバンは早く起き、孫と娘たちに口づけして彼らを祝福し、去って家に帰った。
54Jakove ndokubaya chibayiro mugomo, akadana hama dzake kuti vadye chingwa; vakadya chingwa, vakarara mugomo.
55あくる朝ラバンは早く起き、孫と娘たちに口づけして彼らを祝福し、去って家に帰った。
55Rabhani ndokumuka mangwanani-ngwani, ndokutsvoda vanakomana vake nevakunda vake, ndokuvaropafadza; Rabhani ndokuenda, ndokudzokera kunzvimbo yake.