1主はノアに言われた、「あなたと家族とはみな箱舟にはいりなさい。あなたがこの時代の人々の中で、わたしの前に正しい人であるとわたしは認めたからである。
1Zvino Jehovha wakati kuna Nowa: Pindai iwe nemhuri yako yose muareka, nekuti iwe ndakuona wakarurama pamberi pangu pazera iri.
2あなたはすべての清い獣の中から雄と雌とを七つずつ取り、清くない獣の中から雄と雌とを二つずつ取り、
2Pamhuka yose yakanaka uzvitorere nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo; nepamhuka dzose dzisina kunaka mbiri mbiri, mukono nehadzi yayo.
3また空の鳥の中から雄と雌とを七つずつ取って、その種類が全地のおもてに生き残るようにしなさい。
3Nepashiri dzedenga utore nomwe nomwe, mukono nehadzi, kuchengetedza mbeu iri mhenyu pachiso chenyika yose.
4七日の後、わたしは四十日四十夜、地に雨を降らせて、わたしの造ったすべての生き物を、地のおもてからぬぐい去ります」。
4Nekuti kwasara mazuva manomwe, zvino ndichanaisa mvura panyika mazuva makumi mana neusiku makumi mana; uye chipenyu chose chandakaita ndichachiparadza pachiso chenyika.
5ノアはすべて主が命じられたようにした。
5Zvino Nowa wakaita sezvose Jehovha zvaakamuraira.
6さて洪水が地に起った時、ノアは六百歳であった。
6Zvino Nowa wakange ava nemakore mazana matanhatu panguva yekuuya kwemvura zhinji pamusoro penyika.
7ノアは子らと、妻と、子らの妻たちと共に洪水を避けて箱舟にはいった。
7Nowa ndokupinda, nevanakomana vake nemukadzi wake nevakadzi vevanakomana vake vanaye muareka, nekuda kwemvura yemafashame.
8また清い獣と、清くない獣と、鳥と、地に這うすべてのものとの、
8Pamhuka dzakachena, nepamhuka dzisina kuchena, nepashiri, nepazvose zvinokambaira pamusoro penyika,
9雄と雌とが、二つずつノアのもとにきて、神がノアに命じられたように箱舟にはいった。
9zvakapinda zviviri zviviri kuna Nowa muareka, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Nowa.
10こうして七日の後、洪水が地に起った。
10Zvino zvakaitaika shure kwemazuva manomwe, kuti mvura yemafashame yakavapo panyika.
11それはノアの六百歳の二月十七日であって、その日に大いなる淵の源は、ことごとく破れ、天の窓が開けて、
11Mugore remazana matanhatu reupenyu hwaNowa, mumwedzi wechipiri, zuva regumi nemanomwe remwedzi, nezuva iroro zvitubu zvose zvepakadzikadzika zvakadzuturwa, nemahwindo ematenga akazarurwa.
12雨は四十日四十夜、地に降り注いだ。
12Zvino mvura zhinji ikava pamusoro penyika mazuva makumi mana neusiku makumi mana.
13その同じ日に、ノアと、ノアの子セム、ハム、ヤペテと、ノアの妻と、その子らの三人の妻とは共に箱舟にはいった。
13Nezuva iro rakadaro Nowa rakapinda muareka, naShemu, naHamu, naJafeti, vanakomana vaNowa, nemukadzi waNowa, nevakadzi vatatu vevanakomana vake pamwe naye;
14またすべての種類の獣も、すべての種類の家畜も、地のすべての種類の這うものも、すべての種類の鳥も、すべての翼あるものも、皆はいった。
14ivo, nemhuka yose nemarudzi ayo, nechipfuwo chose nemarudzi acho, nechinokambaira chose chinokambaira panyika nemarudzi acho, nechinobhururuka chose nemarudzi acho neshiri yose yemarudzi ose.
15すなわち命の息のあるすべての肉なるものが、二つずつノアのもとにきて、箱舟にはいった。
15Zvino zvakapinda kuna Nowa muareka, zviviri zviviri zvenyama yose zvine mweya weupenyu.
16そのはいったものは、すべて肉なるものの雄と雌とであって、神が彼に命じられたようにはいった。そこで主は彼のうしろの戸を閉ざされた。
16Nezvakapinda, zvakapinda mukono nehadzi, zvenyama yose, Mwari sezvaakaraira, Jehovha akamupfigira mukati.
17洪水は四十日のあいだ地上にあった。水が増して箱舟を浮べたので、箱舟は地から高く上がった。
17Zvino mafashame akavapo pamusoro penyika mazuva makumi mana; mvura ikawanda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamusoro penyika.
18また水がみなぎり、地に増したので、箱舟は水のおもてに漂った。
18Mvura ndokukwirira nesimba, ikawanda kwazvo pamusoro penyika, areka ikafamba pamusoro pechiso chemvura.
19水はまた、ますます地にみなぎり、天の下の高い山々は皆おおわれた。
19Zvino mvura yakakwirira nesimba zvikurusa pamusoro penyika, makomo marefu ose pasi pedenga rose akaputirwa.
20水はその上、さらに十五キュビトみなぎって、山々は全くおおわれた。
20Makubiti gumi nemashanu mvura yakakwirira nesimba makomo akaputirwa.
21地の上に動くすべて肉なるものは、鳥も家畜も獣も、地に群がるすべての這うものも、すべての人もみな滅びた。
21Nenyama yose yaifamba pamusoro penyika ikafa, zvose yeshiri neyechipfuwo neyemhuka neyechose chinokambaira, chinokambaira pamusoro penyika, nemunhu wose;
22すなわち鼻に命の息のあるすべてのもの、陸にいたすべてのものは死んだ。
22chose chine kufema kwemweya weupenyu mumhino dzacho, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvakafa.
23地のおもてにいたすべての生き物は、人も家畜も、這うものも、空の鳥もみな地からぬぐい去られて、ただノアと、彼と共に箱舟にいたものだけが残った。水は百五十日のあいだ地上にみなぎった。
23Chipenyu chose, chaivapo, chaiva pachiso chepasi, kubva kumunhu kusvika kuchipfuwo, nezvinhu zvinokambaira zvose nekushiri dzematenga zvakaparadzwa. Nowa oga wakasara, nezvaiva naye muareka.
24水は百五十日のあいだ地上にみなぎった。
24Mvura ndokukwirira nesimba pamusoro penyika mazuva zana nemakumi mashanu.