1神はノアとその子らとを祝福して彼らに言われた、「生めよ、ふえよ、地に満ちよ。
1Zvino Mwari wakaropafadza Nowa nevanakomana vake, akati kwavari: Berekanai muwande muzadze nyika.
2地のすべての獣、空のすべての鳥、地に這うすべてのもの、海のすべての魚は恐れおののいて、あなたがたの支配に服し、
2Nekutyiwa kwenyu nekuvhundukwa kwenyu kuchava pamusoro pemhuka imwe neimwe yenyikaepamusoro peshiri imwe neimwe yedenga; chose chinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinopiwa pamaoko enyu.
3すべて生きて動くものはあなたがたの食物となるであろう。さきに青草をあなたがたに与えたように、わたしはこれらのものを皆あなたがたに与える。
3Choga choga chinofamba chipenyu chichava chikafu chenyu; kunyange miriwo mitema ndakupa zvose.
4しかし肉を、その命である血のままで、食べてはならない。
4Asi nyama, kana ine upenyu hwayo, ropa rayo, musadya.
5あなたがたの命の血を流すものには、わたしは必ず報復するであろう。いかなる獣にも報復する。兄弟である人にも、わたしは人の命のために、報復するであろう。
5Zvino zvirokwazvo ropa renyu, reupenyu hwenyu, ndicharitsvaka; paruoko rwechipenyu chipi nechipi; ndicharitsvaka, neparuoko rwemunhu; paruoko rwehama yeumwe neumwe; ndichatsvaka upenyu hwemunhu.
6人の血を流すものは、人に血を流される、神が自分のかたちに人を造られたゆえに。
6Ani naani anoteura ropa remunhu, nemunhu richateurwa ropa rake; nekuti nemufananidzo waMwari wakaita munhu.
7あなたがたは、生めよ、ふえよ、地に群がり、地の上にふえよ」。
7As imwi berekanai, muwande, berekanai zvikuru panyika, muwande mairi.
8神はノアおよび共にいる子らに言われた、
8Zvino Mwari wakataura kunaNowa nevanakomana vake vaiva vanaye, akati:
9「わたしはあなたがた及びあなたがたの後の子孫と契約を立てる。
9Zvino ini, tarirai, ini ndinogadza sungano yangu nemwi nembeu yenyu inokuteverai;
10またあなたがたと共にいるすべての生き物、あなたがたと共にいる鳥、家畜、地のすべての獣、すなわち、すべて箱舟から出たものは、地のすべての獣にいたるまで、わたしはそれと契約を立てよう。
10nechipenyu chimwe nechimwe chinemwi, cheshiri, nezvipfuwo, nemhuka ipi neipi yenyika inemwi; zvose zvinobuda paareka, kumhuka ipi neipi yepanyika.
11わたしがあなたがたと立てるこの契約により、すべて肉なる者は、もはや洪水によって滅ぼされることはなく、また地を滅ぼす洪水は、再び起らないであろう」。
11Uye ndichamisa sungano yangu nemwi; nenyama yose haingazopedzwizve nemvura zhinji: mvura zhinji haingazovepozve kuti iparadze nyika.
12さらに神は言われた、「これはわたしと、あなたがた及びあなたがたと共にいるすべての生き物との間に代々かぎりなく、わたしが立てる契約のしるしである。
12Zvino Mwari wakati: Ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemwi nechisikwa chipenyu chose chineni kusvikira kumarudzi asingaperi.
13すなわち、わたしは雲の中に、にじを置く。これがわたしと地との間の契約のしるしとなる。
13Ndinodzika gangauta rangu wangu mugore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
14わたしが雲を地の上に起すとき、にじは雲の中に現れる。
14Zvino zvichaitika kana ndikauyisa gore pamusoro penyika, kuti muraraungu uyu ukaonekwa mugore;
15こうして、わたしは、わたしとあなたがた、及びすべて肉なるあらゆる生き物との間に立てた契約を思いおこすゆえ、水はふたたび、すべて肉なる者を滅ぼす洪水とはならない。
15uye ndicharangarira sungano yangu iri pakati pangu nemwi, nechisikwa chose chipenyu chenyama, nemvura haichazovi mafashame kuti iparadze nyama yose.
16にじが雲の中に現れるとき、わたしはこれを見て、神が地上にあるすべて肉なるあらゆる生き物との間に立てた永遠の契約を思いおこすであろう」。
16Zvino murarabungu uchava mugore; uye ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pakati paMwari nechisikwa chose chipenyu chenyama chiri panyika.
17そして神はノアに言われた、「これがわたしと地にあるすべて肉なるものとの間に、わたしが立てた契約のしるしである」。
17Zvino Mwari wakati kuna Nowa: Ndicho chiratidzo chesungano yandakagadza pakati pangu nenyama yose iri pamusoro penyika.
18箱舟から出たノアの子らはセム、ハム、ヤペテであった。ハムはカナンの父である。
18Zvino vanakomana vaNowa vakabuda muareka vaiva: Shemu naHamu naJafeti; uye Hamu ndiye baba vaKanani.
19この三人はノアの子らで、全地の民は彼らから出て、広がったのである。
19Ava vatatu vanakomana vaNowa, nyika yose yakazadzwa nevakabva kwavari.
20さてノアは農夫となり、ぶどう畑をつくり始めたが、
20Zvino Nowa wakatanga kuva murimi, akarima munda wemuzambiringa.
21彼はぶどう酒を飲んで酔い、天幕の中で裸になっていた。
21Zvino wakamwa waini, akadhakwa, akazvifukura pakati petende rake.
22カナンの父ハムは父の裸を見て、外にいるふたりの兄弟に告げた。
22Zvino Hamu, baba vaKanani, akaona kusapfeka kwababa vake, akazivisa vanakomana vamai vake vaviri panze.
23セムとヤペテとは着物を取って、肩にかけ、うしろ向きに歩み寄って、父の裸をおおい、顔をそむけて父の裸を見なかった。
23Zvino Shemu naJafeti vakatora nguvo, vakaiisa pamafudzi avo, vakaenda chinhembeshure, vakapfekedza kushama kwababa vavo; uye zviso zvavo zvaiva zvakatarira shure, vakasaona kushama kwababa vavo.
24やがてノアは酔いがさめて、末の子が彼にした事を知ったとき、
24Zvino Nowa wakamuka pawaini yake, akaziva zvaakaitirwa nemwanakomana wake muduku.
25彼は言った、「カナンはのろわれよ。彼はしもべのしもべとなって、その兄弟たちに仕える」。
25Zvino wakati: Kanani ngaapiwe rushambwa; achava muranda wevaranda kuvanakomana vamai vake.
26また言った、「セムの神、主はほむべきかな、カナンはそのしもべとなれ。
26Zvino wkati: Jehovha Mwari waShemu ngaakudzwe, uye Kanani ngaave muranda wake.
27神はヤペテを大いならしめ、セムの天幕に彼を住まわせられるように。カナンはそのしもべとなれ」。
27Mwari ngaakurise Jafeti, uye ngaagare mumatende aShemu, naKanani ngaave muranda wake.
28ノアは洪水の後、なお三百五十年生きた。ノアの年は合わせて九百五十歳であった。そして彼は死んだ。
28Zvino Nowa wakararama shure kwemafashame makore mazana matatu nemakumi mashanu.
29ノアの年は合わせて九百五十歳であった。そして彼は死んだ。
29Mazuva ose Noa aiva mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu, akafa.