1その日モーセの書を読んで民に聞かせたが、その中にアンモンびと、およびモアブびとは、いつまでも神の会に、はいってはならないとしるされているのを見いだした。
1Zvino nezuva iro vakarava mubhuku yaMozisi, vanhu vose vachizvinzwa, vakawana makanyorwa, kuti vaMoabhu navaAmoni havafaniri kupinda paungano yaMwari nokusingaperi;
2これは彼らがかつて、パンと水をもってイスラエルの人々を迎えず、かえってこれをのろわせるためにバラムを雇ったからである。しかしわれわれの神はそののろいを変えて祝福とされた。
2nekuti ivo havana kundosangana navana vaIsiraeri nezvokudya nemvura, asi vakaripira Bharamu kuti avatuke; asi Mwari wedu akashandura kutuka akakuita kuropafadza.
3人々はこの律法を聞いた時、混血の民をことごとくイスラエルから分け離した。
3Zvino vakati vanzwa murau, vakaraura vanhu vazhinji vose vakanga vakavhengana navaIsiraeri.
4これより先、われわれの神の宮のへやをつかさどっていた祭司エリアシブは、トビヤと縁組したので、
4Zvino izvi zvisati zvaitwa, Eriashibhi mupristi, akanga aitwa mutariri wamakamuri eimba yaMwari wedu, wakashamwaridzana naTobhia,
5トビヤのために大きなへやを備えた。そのへやはもと、素祭の物、乳香、器物および規定によってレビびと、歌うたう者および門を守る者たちに与える穀物、ぶどう酒、油の十分の一、ならびに祭司のためのささげ物を置いた所である。
5akamugadzirira kamuri huru pavaichengeta kare zvipiriso zvoupfu, nezvinonhuhwira, nemidziyo, nezvegumi nezviyo, nezvewaini, nezvamafuta, zvakanga zvarairwa kuti zvipiwe vaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, nezvipiriso zvaitsaurirwa vapristi.
6その当時、わたしはエルサレムにいなかった。わたしはバビロンの王アルタシャスタの三十二年に王の所へ行ったが、しばらくたって王にいとまを請い、
6Asi nenguva iyo yose ini ndakanga ndisipo paJerusaremu; nekuti negore ramakumi matatu namaviri raAritashasita mambo weBhabhironi, ini ndakaenda kuna mambo; zvino mamwe mazuva akati apfuura ndikakumbira kuna mambo,
7エルサレムに来て、エリアシブがトビヤのためにした悪事、すなわち彼のために神の宮の庭に一つのへやを備えたことを発見した。
7ndikasvika Jerusaremu, ndikanzwa zvakaipa zvakanga zvaitwa naEriashibhi, kuti wakange agadzirira Tobhia kamuri paruvazhe rweimba yaMwari.
8わたしは非常に怒り、トビヤの家の器物をことごとくそのへやから投げだし、
8Ndikava neshungu kwazvo; saka ndakarashira kunze kwekamuri nhumbi dzose dzaTobhia.
9命じて、すべてのへやを清めさせ、そして神の宮の器物および素祭、乳香などを再びそこに携え入れた。
9Ipapo ndakaraira vakanatsa makamuri; ndikadzoseramozve midziyo yeimba yaMwari, pamwechete nezvipiriso zvoupfu nezvinonhuhwira.
10わたしはまたレビびとがその受くべき分を与えられていなかったことを知った。これがためにその務をなすレビびとおよび歌うたう者たちは、おのおの自分の畑に逃げ帰った。
10Ndikaona kuti vaRevhi vakanga vasina kupiwa migove yavo; naizvozvo vaRevhi navaimbi, vaibata basa, vakanga vatizira mumwe nomumwe kumunda wake.
11それでわたしはつかさたちを責めて言った、「なぜ神の宮を捨てさせたのか」。そしてレビびとを招き集めて、その持ち場に復帰させた。
11Ipapo ndakaita nharo navatariri, ndikati, Imba yaMwari yasiirweiko? Ndikavakokera, ndikavadzoserazve panzvimbo yavo.
12そこでユダの人々は皆、穀物、ぶどう酒、油の十分の一を倉に携えてきた。
12Ipapo vaJudha vose vakauya nezvegumi zvezviyo, nezvewaini, nezvamafuta, vakazviisa muzvivigiro.
13わたしは祭司シレミヤ、学者ザドクおよびレビびとペダヤを倉のつかさとし、またマッタニヤの子ザックルの子ハナンをその助手として倉をつかさどらせた。彼らは忠実な者と思われたからである。彼らの任務は兄弟たちに分配する事であった。
13Ndikaisa pazvivigiro vachengeti vefuma, Sheremia mupristi, naZadhoki munyori, navaRevhi, Pedhaya; vachibatsirwa naHanani, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waMatania; nekuti vakanga vachinzi vakatendeka; basa ravo rakanga riri rokupa hama dzavo mugove wavo.
14わが神よ、この事のためにわたしを覚えてください。わが神の宮とその勤めのためにわたしが行った良きわざをぬぐい去らないでください。
14Chindirangarirai henyu, Mwari wangu, pamusoro paizvozvo; regai henyu kupikisa mabasa angu akanaka andakaitira imba yaMwari wangu nezvaifanira kuitwa mairi.
15そのころわたしはユダのうちで安息日に酒ぶねを踏む者、麦束を持ってきて、ろばに負わす者、またぶどう酒、ぶどう、いちじくおよびさまざまの荷を安息日にエルサレムに運び入れる者を見たので、わたしは彼らが食物を売っていたその日に彼らを戒めた。
15Zvino pamazuva iwayo ndakaona paJudha vamwe vakanga vachitsika mazambiringa pazvisviniro nesabata, navakanga vachitora zvisote vachizvitakudza mbongoro; uye waini, namazambiringa, namaonde, nemitoro yamarudzi ose, zvavakanga vachiuya nazvo paJerusaremu nezuva resabata; ndikavanyevera pazuva ravakatengesa zvokudya.
16そこに住んでいたツロの人々もまた魚およびさまざまの品物を持ってきて、安息日にユダの人々に売り、エルサレムで商売した。
16Pakanga pagerewo varume veTire, vaiuya nehove, nezvimwe zvinotengeswa zvamarudzi ose; vakazvitengesa kuvanhu vaJudha napaJerusaremu pazuva resabata.
17そこでわたしはユダの尊い人々を責めて言った、「あなたがたはなぜこの悪事を行って、安息日を汚すのか。
17Ipapo ndikaita nharo navakuru vavaJudha, ndikati kwavari, Chinhu ichi chakaipa chamunoita ndecheiko, zvamunozvidza zuva resabata?
18あなたがたの先祖も、このように行ったので、われわれの神はこのすべての災を、われわれとこの町に下されたではないか。ところがあなたがたは安息日を汚して、さらに大いなる怒りをイスラエルの上に招くのである」。
18Ko madzibaba enyu haana kuita saizvozvo, Mwari wedu akauyisa zvakaipa izvi zvose pamusoro pedu napamusoro peguta rino here? Asi imwi munowedzera kutsamwa kwaMwari pamusoro paIsiraeri, zvamunozvidza sabata.
19そこで安息日の前に、エルサレムのもろもろの門が暗くなり始めた時、わたしは命じてそのとびらを閉じさせ、安息日が終るまでこれを開いてはならないと命じ、わたしのしもべ数人を門に置いて、安息日に荷を携え入れさせないようにした。
19Zvino pamasuwo eJerusaremu pakati posviba, sabata risati rasvika, ndakaraira kuti mikova ipfigwe, ndikaraira kuti irege kuzarurwazve kusvikira sabata rapfuura, ndikaisa vamwe varanda vangu pamasuwo, kuti mitoro irege kupinzwa pazuva resabata.
20これがために、商人およびさまざまの品物を売る者どもは一、二回エルサレムの外に宿った。
20Naizvozvo vashambadziri navatengesi vezvinhu zvamarudzi ose vakavata kunze kweJerusaremu kamwe kana kaviri.
21わたしは彼らを戒めて言った、「あなたがたはなぜ城壁の前に宿るのか。もしあなたがたが重ねてそのようなことをするならば、わたしはあなたがたを処罰する」と。そのとき以来、彼らは安息日にはこなかった。
21Ipapo ndakavanyevera ndikati kwavari, Munovatireiko pamberi porusvingo? Kana mukadarozve ndichakubatai. Zvino kubva panguva iyo havana kuzouyazve nesabata.
22わたしはまたレビびとに命じて、その身を清めさせ、来て門を守らせて、安息日を聖別した。わが神よ、わたしのためにまた、このことを覚え、あなたの大いなるいつくしみをもって、わたしをあわれんでください。
22Ndikaraira vaRevhi kuti vazvinatse, vauye kuzorinda masuwo, vatsaure zuva resabata. Ndirangarirei henyu nokuda kwechinhu ichiwo, Mwari wangu, mundinzwire tsitsi nenyasha dzenyu huru.
23そのころまた、わたしはアシドド、アンモン、モアブの女をめとったユダヤ人を見た。
23Namazuva iwayo ndakaonawo vamwe vaJudha vakanga vawana vakadzi veAshidhodhi, naAmoni, naMoabhu;
24彼らの子供の半分はアシドドの言葉を語って、ユダヤの言葉を語ることができず、おのおのその母親の出た民の言葉を語った。
24vana vavo vaitaura zvimwe nechiAshidhodhi, vasingagoni kutaura rurimi rwavaJudha, asi rurimi rwamarudzi iwayo.
25わたしは彼らを責め、またののしり、そのうちの数人を撃って、その毛を抜き、神の名をさして誓わせて言った、「あなたがたは彼らのむすこに自分の娘を与えてはならない。またあなたがたのむすこ、またはあなたがた自身のために彼らの娘をめとってはならない。
25Ndikaita nharo navo, ndikavatuka, ndikarova vamwe vavo, ndikataura vhudzi ravo, ndikavapikisa naMwari, ndichiti, Hamufaniri kupa vanakomana vavo vakunda venyu, kana kutorera vanakomana venyu vakunda vavo, kunyange nemiwo.
26イスラエルの王ソロモンはこれらのことによって罪を犯したではないか。彼のような王は多くの国民のうちにもなく、神に愛せられた者である。神は彼をイスラエル全国の王とせられた。ところが異邦の女たちは彼に罪を犯させた。
26Ko Soromoni mambo waIsiraeri haana kutadza pazvinhu izvi here? Kunyange zvakadaro pakati pendudzi zhinji pakanga pasina mambo akafanana naye, naye akanga akadikamwa naMwari wake, Mwari akamuita mambo wavaIsiraeri vose; kunyange zvakadaro naiye akatadziswa navakadzi vatorwa.
27それゆえあなたがたが異邦の女をめとり、このすべての大いなる悪を行って、われわれの神に罪を犯すのを、われわれは聞き流しにしておけようか」。
27Ko zvino tingakuteererai kuti muite chinhu ichi chakaipa chikuru, mutadzire Mwari wedu muchiwana vakadzi vatorwa here?
28大祭司エリアシブの子ヨイアダのひとりの子はホロニびとサンバラテの婿であったので、わたしは彼をわたしのところから追い出した。
28Zvino mumwe wavanakomana vaJoyadha mwanakomana waEriashibhi mupristi mukuru, akanga ari mukwambo waSanibharati muHoroni; saka ndakamudzinga abve kwandiri.
29わが神よ、彼らのことを覚えてください。彼らは祭司の職を汚し、また祭司およびレビびとの契約を汚しました。
29Muvarangarirei henyu, Mwari wangu, nekuti vakasvibisa upristi nesungano youpristi neyavaRevhi.
30このように、わたしは彼らを清めて、異邦のものをことごとく捨てさせ、祭司およびレビびとの務を定めて、おのおのそのわざにつかせた。また定められた時に、たきぎの供え物をささげさせ、また初物をささげさせた。わが神よ、わたしを覚え、わたしをお恵みください。
30Ndikavanatsa saizvozvo ndikabvisa zvose zvavatorwa, ndikaraira madzoro avapristi navaRevhi, mumwe nomumwe pabasa rake;
31また定められた時に、たきぎの供え物をささげさせ、また初物をささげさせた。わが神よ、わたしを覚え、わたしをお恵みください。
31napabasa rezvipo zvehuni panguva dzakatarwa, nerezvitsva. Ndirangarirei henyu, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.