1さて、ここに民がその妻と共に、その兄弟であるユダヤ人に向かって大いに叫び訴えることがあった。
1Zvino kunyunyuta kukuru kwakamuka pakati pavanhu navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha.
2すなわち、ある人々は言った、「われわれはむすこ娘と共に大ぜいです。われわれは穀物を得て、食べて生きていかなければなりません」。
2nekuti vamwe vakati, Isu navanakomana vedu tiri vazhinji; ngatipiwe zviyo, tidye, tirarame.
3またある人々は言った、「われわれは飢えのために、穀物を得ようと田畑も、ぶどう畑も、家も抵当に入れています」。
3Vamwezve vakati, Isu takaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemizambiringa, nedzimba dzedu; ngatipiwe zviyo, nokuda kwenzara ino.
4ある人々は言った、「われわれは王の税金のために、われわれの田畑およびぶどう畑をもって金を借りました。
4Vamwezve vakati, Takakwereta mari, yokuripira nayo mutero wamambo, tikaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemizambiringa.
5現にわれわれの肉はわれわれの兄弟の肉に等しく、われわれの子供も彼らの子供に等しいのに、見よ、われわれはむすこ娘を人の奴隷とするようにしいられています。われわれの娘のうちには、すでに人の奴隷になった者もありますが、われわれの田畑も、ぶどう畑も他人のものになっているので、われわれにはどうする力もありません」。
5Kunyange zvakadaro zvino miviri yedu yakafanana nemiviri yehama dzedu, navana vedu vakafanana navana vavo; tarirai, tosunga vanakomana vedu navakunda vedu, vave varanda; vamwe vakunda vedu vatosungwa, isu hatine simba rokuzvidzivisa, nekuti minda yedu neminda yedu yemizambiringa yatova yavamwe.
6わたしは彼らの叫びと、これらの言葉を聞いて大いに怒った。
6Ipapo ndakatsamwa kwazvo ndichinzwa kuchema kwavo namashoko iwayo.
7わたしはみずから考えたすえ、尊い人々およびつかさたちを責めて言った、「あなたがたはめいめいその兄弟から利息をとっている」。そしてわたしは彼らの事について大会を開き、
7Zvino ndakarangarira mumoyo mangu, ndikaita nharo navakuru navarairi, ndikati kwavari, Imi munoreva mhindu, mumwe nomumwe pahama yake. Ipapo ndikakoka ungano huru pamusoro pavo.
8彼らに言った、「われわれは異邦人に売られたわれわれの兄弟ユダヤ人を、われわれの力にしたがってあがなった。しかるにあなたがたは自分の兄弟を売ろうとするのか。彼らはわれわれに売られるのか」。彼らは黙してひと言もいわなかった。
8Ndikati kwavari, Isu takadzikunura hama dzedu vaJudha dzakanga dzatengeswa kuvahedheni patakagona napo; zvino imwi moda kutengesa hama dzenyu, moda kuti dzitengeswe kwatiri here? Ipapo vakaramba vanyerere, vakashaiwa neshoko chose.
9わたしはまた言った、「あなたがたのする事はよくない。あなたがたは、われわれの敵である異邦人のそしりをやめさせるために、われわれの神を恐れつつ事をなすべきではないか。
9Ndikatiwo, Chinhu chamunoita chakaipa; ko hamufaniri kufamba muchitya Mwari wedu, kuti tirege kushorwa navavengi vedu vahedheni?
10わたしもわたしの兄弟たちも、わたしのしもべたちも同じく金と穀物とを貸しているが、われわれはこの利息をやめよう。
10Neniwo nehama dzangu navaranda vangu, vakavapa chikwereti chemari nezviyo, tichireva mhindu. Haiwa, ngatirege mhindu iyo.
11どうぞ、あなたがたは、きょうにも彼らの田畑、ぶどう畑、オリブ畑および家屋を彼らに返し、またあなたがたが彼らから取っていた金銭、穀物、ぶどう酒、油などの百分の一を返しなさい」。
11Dzoserai henyu kwavari iko nhasi minda yavo, neminda yavo yemizambiringa, neminda yavo yemiorivhi, nedzimba dzavo, uye nomugove wezana wemari, nezviyo, newaini, namafuta, zvamakatora kwavari iri mhindu.
12すると彼らは「われわれはそれを返します。彼らから何をも要求しません。あなたの言うようにします」と言った。そこでわたしは祭司たちを呼び、彼らにこの言葉のとおりに行うという誓いを立てさせた。
12Ipapo vakati, Tichazvidzosa, hatingarevi chinhu kwavari; sezvamunotaura, ndizvo zvatichaita. Zvino ndakadana vapristi, ndikavapikisa kuti vachaita izvozvo zvakapikirwa.
13わたしはまたわたしのふところを打ち払って言った、「この約束を実行しない者を、どうぞ神がこのように打ち払って、その家およびその仕事を離れさせられるように。その人はこのように打ち払われてむなしくなるように」。会衆はみな「アァメン」と言って、主をさんびした。そして民はこの約束のとおりに行った。
13Ndikazuzawo nguvo dzangu, ndikati, Mwari ngaazuze mumwe nomumwe asingaiti izvozvo zvakapikirwa abve paimba yake napabasa rake; ngaazuzwe nokudururwa saizvozvo. Ipapo ungano yose yakati, Ameni! Vakarumbidza Jehovha. Vanhu vakaita izvozvo zvakapikirwa.
14またわたしは、ユダの地の総督に任ぜられた時から、すなわちアルタシャスタ王の第二十年から第三十二年まで、十二年の間、わたしもわたしの兄弟たちも、総督としての手当てを受けなかった。
14Uyezve, kubva panguva yandakaitwa mubati wavo panyika yaJudha, kubva pagore ramakumi maviri kusvikira pagore ramakumi matatu namaviri ramambo Aritashasita, iwo makore ane gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvomubati.
15わたしより以前の総督らは民に重荷を負わせ、彼らから銀四十シケルのほかにパンとぶどう酒を取り、また彼らのしもべたちも民を圧迫した。しかしわたしは神を恐れるので、そのようなことはしなかった。
15Asi vabati vokutanga, vakanditangira, vairemedza vanhu, vachitora kwavari zvokudya newaini, uyewo mashekeri esirivha ana makumi mana; navaranda vavowo vaibata vanhu nehasha; asi ini handina kuita saizvozvo, nekuti ndakatya Mwari.
16わたしはかえって、この城壁の工事に身をゆだね、どんな土地をも買ったことはない。わたしのしもべたちは皆そこに集まって工事をした。
16Uye, ndakarambira pabasa rorusvingo urwu, hatina kutongotenga nyika, navaranda vangu vose vakanga vakaunganawo pabasa.
17またわたしの食卓にはユダヤ人と、つかさたち百五十人もあり、そのほかに、われわれの周囲の異邦人のうちからきた人々もあった。
17Uye patafura yangu pakanga pana vaJudha navabati, varume vane zana namakumi mashanu, avo vaiuya kwatiri vachibva kuvahedheni vakanga vakatipoteredza vasingaverengwi.
18これがために一日に牛一頭、肥えた羊六頭を備え、また鶏をもわたしのために備え、十日ごとにたくさんのぶどう酒を備えたが、わたしはこの民の労役が重かったので、総督としての手当てを求めなかった。わが神よ、わたしがこの民のためにしたすべての事を覚えて、わたしをお恵みください。
18Zvino zuva rimwe nerimwe kwaigadzirwa nzombe imwe, namakwai matanhatu akatsaurwa; ndaigadzirirwawo huku, uye kamwe pamazuva ane gumi waini zhinji yamarudzi ose; kunyange zvakadaro handina kukumbira zvokudya zvomubati, nekuti vanhu ava vakanga vachiremedzwa kwazvo nouranda.
19わが神よ、わたしがこの民のためにしたすべての事を覚えて、わたしをお恵みください。
19Ndirangarirei, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka nokuda kwezvose zvandakaitira rudzi urwu.