Lithuanian

Shona

1 Corinthians

5

1Tenka girdėti apie ištvirkimą tarp jūsų ir net apie tokį ištvirkimą, kokio nesigirdi net pas pagonis: būtent kažkas gyvena su savo tėvo žmona!
1Zvinonzwikwa chose kuti upombwe hwuripo pakati penyu, uye upombwe hwakadaro hwusingataurwi kunyange pakati pevahedheni, hwokuti mumwe ave nemukadzi wababa vake.
2Ir jūs dar esate pasipūtę! Užuot nuliūdę ir tai padariusį išmetę ir savo tarpo?!
2Asi imwi munozvikudza, uye pachinzvimbo chaizvozvo hamuna kuchema, kuti uyo wakaita chiito ichi abviswe pakati penyu?
3Aš, nebūdamas pas jus kūnu, tačiau būdamas dvasia, jau nuteisiau tą nusikaltimą padariusį, lyg būdamas tarp jūsų.
3Nekuti ini zvirokwazvo, sendisipo pamuviri, asi ndiripo pamweya, ndatotonga uyo wakaita chiito ichi sendinenge ndiripo,
4Jums susirinkus mūsų Viešpaties Jėzaus Kristaus vardu, dalyvaujant mano dvasiai, mūsų Viešpaties Jėzaus Kristaus jėga
4Muzita raIshe wedu Jesu Kristu, maungana pamwe nemweya wangu nesimba raIshe wedu Jesu Kristu.
5atiduokite tokį šėtonui, kad sužlugdytų kūną, o dvasia būtų išgelbėta Viešpaties Jėzaus dieną.
5kukumikidza wakadai kuna Satani kuti nyama yake iparadzwe, kuti mweya uponeswe pazuva raIshe Jesu.
6Jūsų gyrimasis niekam tikęs. Argi nežinote, jog truputis raugo suraugina visą maišymą?
6Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose?
7Todėl išmeskite senąjį raugą, kad taptumėte nauju maišymu. Jūs juk esate nerauginti, nes jau paskerstas mūsų Paschos Avinėlis, Kristus.
7Naizvozvo bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nekuti nepasika yedu yakabayirwa isu, iye Kristu;
8Tad švęskime šventes ne su senu raugu, ne su blogybės ir nusikaltimo raugu, bet su nerauginta tyrumo ir tiesos duona.
8saka ngatichengetedze mutambo, kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yekuipa nekutadza; asi nechingwa chisina kuviriswa chakatendeka nechokwadi.
9Jums rašiau savo laiške, kad nebendrautumėte su ištvirkėliais.
9Ndakakunyorerai mutsamba, kuti musafambidzana nemhombwe;
10Suprantama, ne su visais šio pasaulio ištvirkėliais, gobšais, plėšikais ar stabmeldžiais, nes tada reikėtų pasitraukti iš šio pasaulio.
10asi kwete zvakazara nemhombwe dzenyika ino, kana nevachivi, kana makororo, kana vanonamata zvifananidzo, nekuti kana zvakadaro zvingafanira kuti mubude munyika.
11Bet jums rašiau, kad nebendrautumėte su tuo, kuris vadinasi brolis, o yra ištvirkėlis, gobšas, stabmeldys, keikūnas, girtuoklis ar plėšikas. Su tokiu net nevalgykite kartu.
11Asi ikozvino ndakunyorerai kuti murege kufambidzana, kana munhu achiidzwa hama ari mhombwe, kana muchivi kana munamati wezvifananidzo kana munyombi kana chidhakwa kana gororo; musatongodya newakadai.
12Kam man teisti svetimus? Argi ir jūs ne savuosius teisiate?
12Nekuti ini ndinei pakutongawo vari kunze? Imwi hamutongi vari mukati here?
13Tuos, kurie ne mūsiškiai, Dievas teis. Todėl “pašalinkite piktadarį iš savo pačių tarpo”.
13Asi avo vari kunze Mwari unovatonga. Naizvozvo bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.