Lithuanian

Shona

Amos

6

1Vargas tiems, kurie nerūpestingai gyvena Sione ir pasitiki Samarijos kalnu, kurie vadinami tautų pažiba, pas kuriuos susirinko Izraelio namai.
1Vane nhamo vagere zvakanaka paZiyoni, navagere pakasimba mugomo reSamaria, ivo vanhu vane mbiri vorudzi rukuru pakati pamarudzi, kunoenda imba yaIsiraeri!
2Eikite į Kalnę ir pasižiūrėkite; iš ten į didįjį miestą Hamatą, o po to nusileiskite į filistinų Gatą. Ar jūs geresni už šitas karalystes, ar jūsų kraštas didesnis už jų kraštus?
2Pfuurirai Karine, muone; kubva ipapo endai Hamati, iro guta guru; zvino muende Gati ravaFirisitia; ivo vakakurira ushe hwohuno here? Nyika yavo ihuru kune yenyu here?
3Jūs nenorite galvoti apie nelaimės dieną, tačiau priartinate smurto viešpatavimą!
3Iyemi, munoti zuva rakaipa richiri kure, muchiswededza zvigaro panoitwa nesimba;
4Jūs gulite dramblio kaulo lovose ir išsitiesiate pataluose, valgote ėriukus iš bandos ir veršius iš gardo.
4imwi, munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizamura pauvato bwenyu, muchidya makwayana amapoka, nemhuru dziri mukati mechirugu;
5Jūs dainuojate, pritariant arfoms, ir kuriate muzikos kūrinius, lygindamiesi su Dovydu.
5munoimba nziyo dzisina maturo mbira dzichiridzwa, munozviitira zvinoridzwa saDhavhidhi;
6Jūs geriate vyną iš taurių ir tepatės geriausiu aliejumi, bet nesisielojate dėl Juozapo nelaimių.
6imi, munomwa waini nemidziyo yokubayira, muchizora mafuta akaisvonaka; asi hamune hanya nokukuvadzwa kwaJosefa.
7Todėl jie pirmieji eis į nelaisvę ir pasibaigs tų, kurie gulėjo išsitiesę, lėbavimas.
7Naizvozvo zvino vachatapwa nowokutanga vanotapwa; ipapo ruzha rwavanozamura ruchapfuura.
8Viešpats Dievas prisiekė savimi: “Aš bjauriuosi Jokūbo puikybe, nekenčiu jo rūmų ir atiduosiu miestą priešams su viskuo, kas jame yra”.
8Ishe Jehovha wakapika naiye amene ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo achiti, Ndinosema kuzvikudza kwaJakove, ndinovenga dzimba dzavo dzoushe; naizvozvo ndinoisa guta nezvose zvirimo kuvavengi vavo.
9Ir jei liks dešimt žmonių vienuose namuose, jie mirs!
9Zvino kana varume vane gumi vakasara muimba imwe vachafa.
10Paims juos giminaitis ar tas, kuris degina kūnus, ir išneš lavonus iš namų, ir sakys likusiam namuose: “Ar dar yra gyvų su tavimi?”, tas atsakys: “Nėra!” Ir jis sakys: “Tylėk! Negalima minėti Viešpaties vardo”.
10Kana hama yomunhu wakafa ichiuya kumutora iye anozomupisa, ichibvisa mafupa mumba, ikati kuno ari mukati-kati meimba, Kuchinomumwe newe here? Iye akati Kwete! ipapo uchati nyarara, nekuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJehovha.
11Viešpats įsakys paversti didžiuosius namus griuvėsiais, o mažuosius sudaužyti į šipulius.
11nekuti tarirai, Jehovha anoraira, iye achakoromora imba huru, neimba duku ichaita mitswe.
12Argi žirgai bėga uolomis? Argi jas aria jaučiais? Tačiau jūs pavertėte teisingumą nuodais ir teisumo vaisių­kartėliu.
12Ko mabhiza angamhanya paruware here? Ko pangarimwa nemombe here? nekuti makashandura kururamisa mukakuita nduru, nezvibereko zvokururama mukazviita gavakava;
13“Vargas tiems, kurie džiaugiasi niekais ir sako: ‘Ar ne savo jėgomis tapome galingi?’
13iyemi, munofarira chinhu chisina maturo, muchiti, Hatina kuzviwanira nyanga nesimba redu here?
14Izraelio namai, Aš sukelsiu prieš jus tautą, kuri pavergs jus nuo Hamato iki dykumos upelio”,­sako Viešpats, kareivijų Dievas.
14nekuti tarirai, ndichakumutsirai rumwe rudzi, imwi imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mwari wehondo; ruchakutambudzai kubva pavanopinda paHamati kusvikira kurukova rwerenje.