1Viešpats Dievas parodė man tokį reginį: štai pintinė prinokusių vaisių.
1Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha, tarirai, tswanda inezvibereko zvezhizha.
2Jis klausė: “Amosai, ką matai?” Aš atsakiau: “Pintinę prinokusių vaisų”. Tada Viešpats tarė man: “Atėjo galas mano tautai, Izraeliui; daugiau jos nebepasigailėsiu.
2Akati, Amosi, unooneiko? Ini ndikati, Tswanda inezvibereko zvezhizha. Zvino Jehovha akati kwandiri,
3Giesmės šventykloje virs raudojimu,sako Viešpats Dievas.Bus gausu lavonų, juos išmes tylėdami”.
3Nziyo dzetemberi dzichashanduka kuungudza nezuva iro, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; zvitunha zvichavapo zvizhinji, vachazvikandira kunze kose vanyerere.
4Klausykite, kurie praryjate beturtį ir pražudote krašto vargšus,
4Inzwai chinhu ichi, iyemi, munoda kumedza vanoshaiwa, nokuparadza varombo venyika,
5sakydami: “Kada baigsis jaunas mėnulis ir galėsime parduoti javus? Kada baigsis sabatas ir galėsime pasiūlyti kviečius? Kada galėsime sumažinti saiką, padidinti svorį ir apgaudinėti neteisingomis svarstyklėmis?
5muchiti: Kugara kwemwedzi kuchapfuura riniko, kuti titengese zviyo? Uye sabata, kuti tizarure matura egorosi? Tichatapudza efa, nokukurisa shekeri, tichinyengera nezviyero zvinonyengera;
6Mes pirksime vargšą už sidabrą, beturtį už porą sandalų, pelus parduosime kviečių vietoje”.
6kuti titenge varombo nesirivha, navanoshaiwa tichipiwa shangu mbiri, tichitengesa makoto ezviyo?
7Viešpats prisiekė Jokūbo pasididžiavimu: “Niekados nepamiršiu jų darbų!”
7Jehovha akapika noukuru hwaJakove, achiti, Zvirokwazvo, handingatongokangamwi rimwe ramabasa avo nokusingaperi.
8Ar dėl to neturėtų sudrebėti žemė ir liūdėti visi jos gyventojai? Ji pakils, patvins ir vėl atslūgs kaip Egipto upė.
8Ko nyika haingadederi pamusoro pechinhu ichi, mumwe nomumwe agerepo haangachemi here? Zvirokwazvo, ichakwira yose soRwizi, ichatutuma ndokudererazve, soRwizi, rweEgipita.
9Viešpats Dievas sako: “Ir atsitiks tą dieną, kad saulė nusileis vidudienį ir šviesi diena taps naktimi.
9Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichavirisa zuva masikati makuru, ndichaisa rima panyika achiri masikati.
10Aš paversiu jūsų iškilmes į gedulą, giesmes į raudas. Užvilksiu visiems ašutines, plikai nuskusiu galvas, padarysiu jus lyg gedinčius vienintelio sūnaus. Jūsų galas bus karti diena.
10Ndichashandura mitambo yenyu kuve kuchema, nenziyo dzenyu dzose kuve kurira kokuchema; ndichafukidza zviuno zvose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndichazviita sapanochemwa mwanakomana akazvarwa ari mumwechete, nokuguma kwazvo sezuva rakaipa kwazvo.
11Ateina dienos,sako Viešpats, kai Aš siųsiu badą šaliai: ne duonos badą ir ne vandens troškulį, bet Viešpaties žodžio.
11Tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha andichatuma nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.
12Tada jie klajos nuo jūros iki jūros ir lakstys nuo šiaurės iki rytų, ieškodami Viešpaties žodžio, bet neras.
12Vachadzungaira vachibva kugungwa vachienda kugungwa, vachibva kumusoro vachienda mabvazuva; vachamhanya pose-pose vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.
13Tą dieną alps iš troškulio gražios mergaitės ir jaunuoliai,
13Nezuva iro mhandara dzakanaka namajaya vachaziya nenyota.
14kurie prisiekia Samarijos nuodėme ir sako: ‘Tikrai gyvas dievas Dano mieste ir išgelbėtojas Beer Šeboje!’ Jie kris ir nebeatsikels”.
14Vanopika vezviwi zveSamaria, vachiti, Namwari wako mupenyu, iwe Dhani; uye, Nenzira yeBheerishebha mhenyu, ivo vachawira pasi, vakasazomukazve.