Lithuanian

Shona

Daniel

10

1Trečiaisiais Persijos karaliaus Kyro metais Danieliui, vadinamam Beltšacaru, buvo suteiktas apreiškimas. Tai buvo teisingas apreiškimas, bet jam skirtas laikas buvo toli. Jis suprato apreiškimą ir suvokė regėjimą.
1Negore rechitatu raKoreshi mambo wePeresia, chimwe chinhu chakaratidzwa Dhanyeri, ainzi Bheteshazari; chinhu icho chakanga chiri chechokwadi, chiri chokurwisana kukuru; akanzwisisa chinhu icho, nokuziva kududzirwa kwezvaakaratidzwa.
2Tuomet aš, Danielius, gedėjau tris savaites.
2Namazuva iwayo ini Dhanyeri ndakanga ndichichema vhiki nhatu dzose.
3Skanios duonos nevalgiau, mėsos ir vyno neėmiau į burną ir nesitepiau, kol praėjo trys savaitės.
3Ndakanga ndisingadyi zvokudya zvinozipa, kunyange nenyama newaini hazvina kupinda mumuromo mangu, uye handina kutongozora mafuta kusvikira vhiki nhatu dzose dzapera.
4Pirmo mėnesio dvidešimt ketvirtą dieną stovėjau ant didelės Hidekelio upės kranto.
4Zvino nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wokutanga, ndakati ndiri pamahombekombe erwizi rukuru, irwo Hidhekeri,
5Pakėlęs akis, pamačiau ten stovintį vyrą, apsivilkusį drobiniais ir susijuosusį grynu Ufazo auksu.
5ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona murume akapfeka hanzu dzemicheka, akasunga chiuno chake nendarama yakaisvonaka yeUfazi;
6Jo kūnas buvo kaip berilis, veidas­kaip žaibas, akys­kaip fakelai, rankos ir kojos­kaip žėrintis varis, o žodžių garsas­kaip didelės minios triukšmas.
6muviri wake wakange wakaita sebheriri, chiso chake chakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maoko ake netsoka dzake zvakanga zvakafanana nendarira yakakweshwa, uye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwavazhinji.
7Aš, Danielius, vienas temačiau tą regėjimą. Vyrai, kurie buvo su manimi, nematė jo, bet didelė baimė apėmė juos ir jie pasislėpė.
7Zvino ini Dhanyeri ndakaona izvo zvakaratidzwa ini ndoga; nekuti varume vakanga vaneni havana kuona zvakaratidzwa; asi vakabatwa nokudedera kukuru, vakatiza kundovanda.
8Aš likau vienas. Kai pamačiau šitą didingą regėjimą, manyje neliko jėgų. Mano veidas persikreipė, aš netekau jėgų.
8Ini ndikasiiwa ndiri ndoga, ndikaona chinhu ichi chikuru chandakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nekuti kunaka kwechiso changu kwakashanduka kuipa mukati mangu, ndikasazova nesimba.
9Išgirdau žodžių garsą ir kritau be jausmų veidu į žemę.
9Kunyange zvakadaro ndakanzwa kutinhira kwamashoko ake; zvino ndakati ndichinzwa kutinhira kwamashoko ake, ndikabatwa nehope kwazvo ndivete pachiso changu, chiso changu chakatarira pasi.
10Ranka palietė mane ir pastatė mane ant kelių ir delnų.
10Ipapo tarira, ruoko rwakandibata, rukandizungunusa namabvi angu nezvanza zvamaoko angu ndichidzedzereka.
11Jis man tarė: “Danieliau, didžiai mylimas vyre! Suprask žodžius, kuriuos tau kalbėsiu, ir stovėk, nes esu siųstas pas tave!” Jam kalbant, aš atsistojau drebėdamas.
11Akati kwandiri, Iwe Dhanyeri, murume anodikamwa kwazvo, chinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwazvo; nekuti ndatumwa kwauri iwe zvino. Aakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndichidedera.
12Jis toliau kalbėjo: “Danieliau, nebijok! Nuo pirmos dienos, kai nusprendei širdyje suprasti ir nusižeminti savo Dievo akivaizdoje, tavo žodžiai buvo išgirsti, ir aš atėjau dėl tavo žodžių.
12Ipapo akati kwandiri, Usatya Dhanyeri, nekuti kubva pazuva rokutanga rawakafunga nomwoyo wako wose kunzwisisa nokuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwikwa; ndauya nokuda kwamashoko ako.
13Persų karalystės kunigaikštis priešinosi man dvidešimt vieną dieną. Bet štai Mykolas, vienas iš vyresniųjų kunigaikščių, atėjo man į pagalbą. Aš palikau jį ten, prie Persijos karalių,
13Asi muchinda woushe hwevaPeresia akandidzivisa mazuva ana makumi maviri nerimwe; asi tarira, Mikaeri, mumwe wamachinda makuru, akauya kuzondibatsira, ndikasarako kuna madzimambo avaPeresia.
14ir atėjau tau paaiškinti, kas atsitiks tavo tautai paskutinėmis dienomis, nes šitas regėjimas yra tolimai ateičiai”.
14Zvino ndauya kuzokuzivisa zvichaitirwa vanhu vako namazuva okupedzisira; nekuti zvawakaratidzwa ndezvamazuva mazhinji achazouya.
15Jam taip kalbant su manimi, aš nuleidau akis ir negalėjau kalbėti.
15Zvino akati ataura neni namashoko iwayo, ndikaramba ndakatarira pasi nechiso changu, ndikashayiwa shoko.
16Štai kažkas, panašus į žmogaus sūnų, palietė mano lūpas. Tada aš kalbėjau stovinčiam prieš mane: “Mano viešpatie! Regėjimo metu mane apėmė skausmai ir aš netekau jėgų.
16Ipapo tarira, mumwe akafanana navanakomana vavanhu akagunzva miromo yangu; zvino ndikashamisa muromo wangu, ndikataura, ndikati kuna iye akanga amire pamberi pangu, Aiwa, ishe wangu, ndabatwa nokutya kukuru, handichina simba nokuda kwezvandakaratidzwa.
17Kaipgi aš, viešpaties tarnas, galėčiau kalbėti su savo viešpačiu? Manyje nebėra jėgų ir aš neatgaunu kvapo”.
17nekuti muranda washe wangu uyu angagona kutaura seiko nashe wangu uyu? nekuti kana ndirini, pakarepo ndakasara ndisina simba, uye ndakanga ndisisina mweya mukati mangu.
18Tada mane vėl palietė ir sustiprino tas pats žmogaus pavidalas.
18Ipapo mumwe akafanana nomunhu akandibatazve, akandisimbisa.
19Jis tarė: “Nebijok, didžiai mylimas vyre! Ramybė tau! Būk stiprus. Taip, būk stiprus!” Jam kalbant su manimi, aš buvau sustiprintas ir tariau: “Tekalba mano viešpats, nes tu mane sustiprinai!”
19Akati, Iwe murume anodikamwa kwazvo, usatya hako; rugare ruve newe, iva nesimba, iva nesimba. Zvino akati achitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati, Ishe wangu ngaataure hake, nekuti makandisimbisa.
20Jis atsakė: “Ar žinai, kodėl atėjau pas tave? Dabar vėl grįšiu kovoti su persų kunigaikščiu ir, kai išeisiu, ateis Graikijos kunigaikštis.
20Zvino akati, Unoziva chandakauyira kwauri here? Zvino ndichadzokera kundorwa nomuchinda wePeresia; kana ndabvapo, tarira, muchinda weGirisi achauya.
21Aš tau paskelbsiu, kas parašyta tiesos knygoje. Nėra nė vieno, kuris man padėtų prieš juos, tik Mykolas, jūsų kunigaikštis”.
21Asi ndichakuudza zvakanyorwa murugwaro rwechokwadi; asi hakuna anozvisimbisa kundorwa navava pamwechete neni, asi Mikaeri muchinda wenyu.