1Apraudok Izraelio kunigaikščius,
1Zvino iwe, imba mariro pamusoro pamachinda aIsiraeri,
2sakydamas: “Tavo motina buvo liūtė, gulinti tarp liūtų! Ji tarp liūtų užaugino savo jauniklius.
2uti, Mai vako vaiva aniko? Vaiva shumbakadzi, yaivata pakati peshumba, ichirera vana vayo pakati peshumba duku.
3Vienas jos jauniklis išaugo jaunu liūtu, kuris, išmokęs sugauti grobį, ėmė ryti žmones.
3Zvino yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu.
4Tautos, išgirdusios apie jo darbus, pagavo jį ir sukaustytą grandinėmis išvedė į Egiptą.
4Marudzi avanhu akainzwawo ikabatwa muhuzha yavo, vakaiisa kunyika yeEgipita.
5Liūtė, pamačiusi, kad jos viltys žlugo, antrą savo jauniklį užaugino jaunu liūtu.
5Zvino yakati ichiona kuti yanyengerwa, kuti tariro yanyangarika, ikatorazve mumwe mwana wayo, ikaiita shumba duku.
6Jis, vaikščiodamas tarp liūtų, išmoko sugauti grobį ir ėmė ryti žmones.
6Iyo ikafamba-famba pakati peshumba; ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu.
7Jis griovė tvirtoves ir naikino miestus. Visas kraštas drebėjo nuo jo riaumojimo.
7Ikaziva dzimba dzavo dzohushe, ikaparadza maguta avo; nyika nezvose zvayo ikava dongo, nokuda kokuwomba kwayo.
8Aplinkinių kraštų tautos sukilo prieš jį, ištiesė savo tinklą ir sugavo jį.
8Ipapo marudzi avanhu venyika dzakapoteredza akarwa nayo, vakakandira mumbure wavo pamusoro payo, ikabatwa muhuzha yavo.
9Jie sukaustė jį grandinėmis, uždarė narvan ir, nugabenę pas Babilono karalių, įmetė į kalėjimą, kad jo balsas nebebūtų girdimas Izraelio kalnuose.
9Vakaiisa muchirugu chine zvikokovonho, vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi; vakaiisa munhare, kuti inzwi rayo rirege kuzonzwikwa pamakomo alsiraeri.
10Tavo motina buvo kaip vynmedis, pasodintas prie vandens, gausus šakelių ir vaisių.
10Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa, panguva yokuzorora kwako, wakange wakasimwa pamvura;wakabereka zvakanaka, una matavi mazhinji, nokuda kwemvura zhinji.
11Jo stiprus ūglis tapo valdovo skeptru, iškilo aukštai tarp šakelių; jis buvo toli matomas.
11Ukava namatanda makobvu okuita tsvimbo dzavaibata hushe, musoro wawo ukakwirira kumusoro pakati pamatavi makobvu, ukaonekwa kumusoro-soro pamwechete namashizha awo mazhinji.
12Bet rūstybėje jis buvo išrautas ir numestas žemėn. Rytų vėjas sudžiovino jo vaisius, šakos sudžiūvo ir ugnis prarijo jas.
12Asi wakadzurwa nehasha, ukakandirwa pasi, mhepo inobva mabvazuva ikaomesa michero yawo, matanda awo makobvu akavuniwa, ndokuoma, moto ukaapedza.
13Dabar jis pasodintas dykumoje, sausoje ir išdžiūvusioje žemėje.
13Zvino wasimwa murenje, munyika yakaoma ine nyota.
14Ugnis, išėjusi iš jo kamieno, sudegino šakas ir vaisius. Nebėra kamieno, kuris galėtų būti valdovo skeptras. Tai yra rauda ir ji liks rauda”.
14Moto wabuda padanda ramatavi awo, ukapedza michero yawo, hapachine danda rine simba ringaita tsvimbo yokubata ushe. Awa ndiwo mariro, uye achazova mariro.