1Viešpats kalbėjo man:
1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2“Žmogaus sūnau, kalbėk savo tautai: ‘Kai Aš atvesiu į kraštą kardą ir jo gyventojai bus išsirinkę iš savo tarpo sargybinį,
2Mwanakomana womunhu, taura navana vavanhu vako, uti kwavari, Kana ndichiisa munondo panyika, vanhu venyika iyoyo vakazvitsaurira munhu pakati pavo, vakamuita nharirire yavo;
3jeigu jis, artėjant kardui, pūs trimitą ir taip įspės tautą
3zvino kana iye akaona munondo uchisvika panyika, akaridza hwamanda, akanyevera vanhu;
4ir jei kas nors nepaisys įspėjimo, girdėdamas trimito garsą, ir kardas sunaikins jį, tai jo kraujas bus ant jo paties galvos,
4ipapo ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeverwa, kana munondo ukasvika, ukamubvisa, ropa rake richava pamusoro wake, iye amene.
5nes jis girdėjo trimitą, bet nepaisė. O kas paklausys įspėjimo, išgelbės savo gyvybę.
5Akanzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeverwa, ropa rake richava pamusoro pake; dai akatenda kunyeverwa, angadai akaponesa mweya wake.
6Bet jei sargybinis matys artėjantį kardą, bet nepūs trimito ir neįspės tautos, o kardas užmuš ką nors, tai jis bus užmuštas už savo kaltę, bet jo kraujo Aš pareikalausiu iš sargybinio rankų’.
6Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya, akasaridza hwamanda, vanhu vakasanyeverwa, munondo ukasvika, ukabvisa mumwe pakati pavo, wabviswa hake nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwenharirire.
7Žmogaus sūnau, Aš paskyriau tave sargybiniu Izraeliui. Todėl tu girdėsi mano žodį ir įspėsi juos mano vardu.
7Saizvozvowo iwe Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire paimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobuda mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu.
8Jei Aš sakysiu nedorėliui: ‘Nedorėli, tu mirsi!’, o tu jam nieko nesakysi ir neįspėsi dėl jo nedoro kelio, tai jis mirs dėl savo nusikaltimų, bet jo kraujo pareikalausiu iš tavo rankų.
8Kana ini ndikati kune wakaipa, Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo, iwe ukasataura kuti unyevere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.
9Jei tu įspėsi nedorėlį dėl jo nusikaltimų, bet jis tavęs neklausys, jis mirs dėl savo nusikaltimų, o tu išgelbėsi savo sielą.
9Asi kana ukanyevera wakaipa pamusoro penzira yake, uchiti atendeuke pairi, akasatendeuka panzira yake, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi iwe warwira hako mweya wako.
10Žmogaus sūnau, sakyk Izraeliui: ‘Jūs sakote: ‘Jei mūsų kaltės ir nuodėmės yra ant mūsų ir mes nykstame dėl jų, tai kaip mes galime išlikti gyvi?’
10Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsiraeri, Imi munotaura, muchiti, Zvirokwazvo, kudarika kwedu nezvivi zvedu zviri pamusoro pedu, tinopera nokuda kwazvo; zvino tichararama seiko?
11Sakyk jiems: ‘Kaip Aš gyvas,sako Viešpats,Aš nenoriu nedorėlio mirties, bet noriu, kad nedorėlis atsiverstų, paliktų savo piktus kelius ir gyventų. Nusigręžkite nuo savo piktų kelių! Kodėl jūs turėtumėte mirti, Izraelio namai?’
11Uti kwavari, Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nekuti muchafireiko, imwi imba yaIsiraeri?
12Tu, žmogaus sūnau, sakyk savo žmonėms: ‘Teisiojo neišgelbės jo teisumas, jei jis nusikals. Ir nedorėlio nedorybė nesunaikins jo, jei jis nusigręš nuo savo nedorybės.
12Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuvana vavanhu vako, Kururama kowakarurama hakungamurwiri nezuva rokudarika kwake; uye kana kuri kuipa kowakaipa haangaparadzwi nako nezuva raanotendeuka pakuipa kwake; nowakarurama haangararami nako nezuva raanotadza.
13Jei Aš sakau teisiajam: ‘Tu tikrai būsi gyvas’, o jis, pasitikėdamas savo teisumu, nusikalsta, tai jo teisumas nebus prisimintas, ir jis mirs už savo nusikaltimą.
13Kana ndichiti kunowakarurama, kuti zvirokwazvo achararama, kana akavimba nokururama kwake, akaita zvakaipa, hakuna basa rimwe rake rakarurama richarangarirwa; asi nokuda kwezvakaipa zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo.
14Jei Aš sakau nedorėliui: ‘Tu tikrai mirsi’, ir jis nusigręžia nuo savo nuodėmės bei daro, kas yra teisinga ir teisu:
14Uyezve, kana ndikati kune wakaipa, Zvirokwazvo uchafa; kana akatendeuka pazvivi zvake, akazoita zvakarairwa nezvakarurama;
15grąžina užstatą, atiduoda, ką išplėšė, laikosi gyvenimo nuostatų ir nedaro neteisybės, jis bus gyvas ir nemirs.
15kana akaipa akadzosazve rubatso, akadzoserazve zvaakanga apamba, akafamba nemitemo youpenyu, asingaiti zvakaipa, zvirokwazvo achararama, haangafi.
16Jo nuodėmės nebus jam įskaitytos, nes jis darė, kas yra teisinga ir teisu; jis tikrai bus gyvas’.
16Hakuna chivi chimwe chake chaakaita chicharangarirwa pamusoro pake; akaita zvakarayirwa nezvakarurama, zvirokwazvo achararama.
17Tavo tauta sako: ‘Viešpaties kelias neteisingas’, tuo tarpu jų pačių kelias neteisingas.
17Kunyange zvakadaro vana vavanhu vako vanoti, Nzira yaIshe haina kururama; asi kana vari ivo, nzira yavo ndiyo isina kururama.
18Jei teisusis nusigręš nuo savo teisumo ir nusikals, jis mirs.
18Kana akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, achafa nokuda kwazvo.
19Jei nedorėlis nusigręš nuo savo nedorybės ir darys, kas yra teisinga ir teisu, jis gyvens.
19Uye kana akaipa akatendeuka pakuipa kwake, akaita zvakarayirwa nezvakarurama, achararama nazvo.
20Jūs sakote: ‘Viešpaties kelias neteisingas’. Izraeli, Aš teisiu tave pagal tavo kelius’ ”.
20Kunyange zvakadaro munoti, Nzira yaIshe haina kururama. Aiwa, imba yaIsiraeri, ndichakutongai mumwe nomumwe wenyu zvakafanira nzira dzake.
21Dvyliktaisiais tremties metais, dešimto mėnesio penktą dieną, atėjo pas mane pabėgėlis iš Jeruzalės ir pasakė: “Miestas krito”.
21Zvino negore regumi namaviri rokutapwa kwedu, nomwedzi wegumi, nezuva reshanu romwedzi, mumwe akanga apukunyuka muJerusaremu akasvika kwandiri, achiti, Guta rakundwa.
22Pabėgėliui dar neatėjus, vakare, Viešpats palietė mane. Jis atvėrė mano burną, ir aš nebebuvau nebylys.
22Zvino ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu madekwana, iye akapukunyuka asati asvika; akanga ashamisa muromo wangu, kusvikira iye achisvika kwandiri mangwanani; muromo wangu ukashamiswa, ndikasazova mbeveve.
23Viešpats kalbėjo man:
23Shoko raJehovha rikasvika kwandiri, richiti,
24“Žmogaus sūnau, Izraelio gyventojai, likę tarp griuvėsių, sako: ‘Abraomas, būdamas vienas vyras, paveldėjo kraštą. Mūsų yra daug, tad jis mums tikrai priklauso’.
24Mwanakomana womunhu, vanhu vagere panzvimbo idzo dzakaparadzwa munyika yaIsiraeri, vanotaura vachiti, Abhurahamu akanga ari mumwechete, akagara nhaka yenyika; asi isu tiri vazhinji, nyika yapiwesu ive nhaka yedu.
25Todėl sakyk jiems: ‘Taip sako Viešpats Dievas: ‘Jūs valgote mėsą su krauju, garbinate stabus ir praliejate kraują, argi jūs gyvensite krašte?
25Naizvozvo chiti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, Munodya nyama pamwechete neropa, muchitarira zvifananidzo zvenyu nameso enyu nokuteura ropa; zvino mungapiwa nyika sei?
26Jūs pasitikite kardu, darote bjaurystes, išniekinate savo artimo žmoną, argi jūs gyvensite krašte?’
26Munovimba nomunondo wenyu, munoita zvinonyangadza, munochinya mumwe nomumwe wenyu mukadzi wowokwake; zvino mungapiwa nyika sei?
27Taip jiems sakyk: ‘Taip sako Viešpats Dievas: ‘Kaip Aš gyvas, gyvenantys namų griuvėsiuose, kris nuo kardo, esančius atvirame lauke draskys laukiniai žvėrys, o gyvenantys tvirtovėse ir olose bus maro sunaikinti.
27Chiti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, Noupenyu hwangu, zvirokwazvo vari panzvimbo dzakaparadzwa vachaparadzwa nomunondo, ari kubani ndichamuisa kuzvikara kuti adyiwe nazvo; vari munhare nomumapako vachafa nehosha yakaipa.
28Aš paversiu kraštą dykyne, jo išdidumui padarysiu galą. Izraelio kalnai bus taip ištuštėję, kad jais niekas nebekeliaus.
28Nyika ndichaiita dongo nechishamiso, kuzvikudza kwayo pamusoro pesimba rayo kuchapera, namakomo avaIsiraeri achaitwa matongo, kuti kurege kuzova nomunhu unopfuura napo.
29Kai kraštą paversiu visiška dykyne dėl jų nusikaltimų, tada jie žinos, kad aš esu Viešpats’.
29Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndaita nyika dongo nechishamiso, nokuda kwezvinonyangadza zvavo zvose zvavakaita.
30Žmogaus sūnau, tavo tauta kalba apie tave tarpduriuose ir pasieniuose, sakydami vieni kitiems: ‘Eikime pasiklausyti Viešpaties žodžio’.
30Asi kana uriwe, Mwanakomana womunhu, vana vavanhu vako vanokureva vari pamasvingo avo nomumikova yedzimba dzavo, vanotaurirana mumwe nomumwe achiti kuhama yake, Douya hako, unzwe shoko rinobva kuna Jehovha.
31Jie ateina pas tave kaip tauta, sėdi tavo akivaizdoje, klausosi tavo žodžių, tačiau nevykdo. Jie kalba draugiškai, bet jų širdis yra klastinga.
31Vanouya kwauri sezvinoita vanhu, vanogara pamberi pako sezvinoita vanhu vangu, vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti; nekuti vanotaura zvorudo nemiromo yavo, asi moyo yavo inotevera fuma yavo.
32Tu esi jiems dainininkas, turintis gražų balsą ir gerai skambinantis arfa. Jie klausosi tavo žodžių, tačiau nevykdo.
32Zvino tarira, iwe wakaita kwavari somunhu anovaimbira sorwiyo rworudo runoimbwa nounenzwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwazvo, nekuti vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti.
33Bet kai tai išsipildyso tai tikrai išsipildys,tada jie žinos, kad tarp jų buvo pranašas”.
33Zvino kana izvi zvichiitwa nekuti zvirokwazvo hazvimboregi kuitika, nenguva iyo vachaziva kuti muporofita akanga ari pakati pavo.