Lithuanian

Shona

Genesis

44

1Juozapas įsakė savo namų prievaizdui: “Pripilk tų vyrų maišus, kiek tik jie pajėgia panešti, ir įdėk kiekvieno pinigus į jo maišą.
1Zvino akaraira mutariri weimba yake, achiti, Zadza homwe dzavarume nezvokudya, sezvavanogona ku­takura, uisewo mari yomumwe nomu­mwe pamuromo wehomwe yake.
2O mano sidabrinę taurę įdėk į jauniausiojo maišą kartu su pinigais už javus”. Jis padarė, kaip Juozapas buvo įsakęs.
2No­mukombe wangu, mukombe wesirivha, uuise pamuromo wehomwe yomuduku, pamwechete nemari yezviyo zvake. Iye akaita sezvaakaudzwa naJosefa.
3Rytui išaušus, išleido juos su jų asilais.
3Zvino fume mangwana koedza varume vaka­tenderwa kuenda, ivo nemadhongi avo.
4Vos tik jiems išėjus iš miesto, Juozapas tarė namų prievaizdui: “Vykis tuos vyrus ir, juos pasivijęs, sakyk: ‘Kodėl jūs atsilyginote piktu už gera?
4Vakati vabuda muguta, vasati vaenda kure, Josefa akaudza mutariri wake, akati, Simuka, tevera varume; kana wavabata, uti kwavari, Matsindiki­reiko zvamaitirwa zvakanaka?
5Kodėl pavogėte mano valdovo sidabrinę taurę? Ar ne iš jos geria mano valdovas ir ar ne su ja jis buria? Jūs blogai pasielgėte’ ”.
5Ko ha­chizi chinhu chinomwira ishe wangu, chaanoshopera nacho here? Chinhu ichi chamaita chakaipa.
6Prievaizdas, juos pasivijęs, kalbėjo tuos žodžius.
6Akandovabata, akataura mashoko iwayo kwavari.
7Jie atsakė jam: “Kodėl mūsų viešpats taip kalba? Gink Dieve, kad tavo tarnai taip pasielgtų!
7Vakati kwaari, Ko ishe wedu anotaurirei mashoko akadai? Ngazvisadaro, varanda venyu havangaiti chinhu chakadai.
8Pinigus, kuriuos radome maišuose, atnešėme atgal iš Kanaano šalies. Kaip tad mes vogsime iš tavo valdovo namų sidabrą ar auksą?
8Tarirai, mari yatakawana pa­miromo yehomwe dzedu takadzoka nayo kwamuri tichibva kunyika yeKe­nani; taigoba seiko sirivha kana ndarama mumba mashe wenyu?
9Pas kurį iš mūsų ją rasi, tas temiršta, o mes visi tapsime tavo valdovo vergais”.
9Ani naani wa­varanda venyu anowanikwa anawo, ngaafe; nesu tichava vasungwa vashe wedu.
10Jis atsakė: “Tebūna, kaip sakote! Pas kurį rasiu taurę, taps vergu, o visi kiti būsite nekalti”.
10Iye akati, Ndizvo hazvo, nga­zvive sezvamataura; iye anowanikwa aine mukombe, ndiye achava musungwa wangu; imwi vamwe hamungavi nemho­sva.
11Tada kiekvienas jų skubiai pastatė savo maišą ant žemės ir atrišo jį.
11Ipapo vakakurumidza mumwe nomumwe kuburutsira homwe yake pasi, mumwe nomumwe akasunungura homwe yake.
12Jis ėmė ieškoti, pradėjo nuo vyriausiojo ir baigė jauniausiuoju. Ir rado taurę Benjamino maiše.
12Iye akatsvaka, akatanga kumu­kuru, akaguma kumuduku; mukombe ukawanikwa muhomwe yaBhenjamini.
13Jie persiplėšė drabužius, uždėjo maišus ant savo asilų ir sugrįžo į miestą.
13Ipapo vakabvarura nguvo dzavo, mu­mwe neumwe akatakudza dhongi rake, akadzokera kuguta.
14Judas ir jo broliai atėjo į Juozapo namus, nes jis dar buvo ten. Jie puolė prieš jį ant žemės.
14Judha navana vababa vake vaka­dzokera kuimba yaJosefa, iye achirimo, vakawira pasi pamberi pake.
15Juozapas tarė jiems: “Ką padarėte! Argi nežinojote, kad toks vyras kaip aš tikrai moku burti?”
15Zvino Josefa akati kwavari, Chinyiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kushopera here?
16Judas atsakė: “Ką besakysime mūsų valdovui? Kaip bekalbėsime? Ir kuo pasiteisinsime? Dievas rado tavo tarnų kaltę. Mes esame mūsų valdovo vergai, taip pat ir tas, pas kurį rasta taurė”.
16Judha akati, Ko tingadiniko kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipe­mbedza sei? Mwari akawana kutadza kwavaranda venyu; tarirai tiri vasungwa vashe wedu, isu naiye akawanikwa aine mukombe.
17Juozapas atsakė: “Gink Dieve, kad taip padaryčiau! Tik tas vyras, pas kurį rasta taurė, bus mano vergas, o jūs laisvi keliaukite pas savo tėvą!”
17Iye akati, Ngazvisadaro, handingaiti sai­zvozvo; munhu uyo akawanikwa ano mukombe muruoko, ndiye achava musu­ngwa wangu; kana muri imwi, endai henyu norugare kuna baba venyu.
18Tada priartėjo prie jo Judas ir tarė: “Mano valdove, prašau, leisk savo tarnui pasiaiškinti ir nesupyk ant savo tarno, nes esi kaip faraonas.
18Ipapo Judha akaswedera kwaari, akati, Haiwa, ishe wangu, dotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeve dzashe wangu, kutsamwa kwe­nyu kurege kumukira muranda wenyu, nekuti imwi makaenzana naFarao.
19Mano valdove, tu klausei savo tarnų: ‘Ar jūs turite tėvą ar brolį?’
19Ishe wangu akabvunza varanda vake, achiti, Muna baba here, kana munin'ina?
20Mes atsakėme: ‘Turime seną tėvą ir jauną brolį, gimusį jam senatvėje. Jo brolis yra miręs, ir jis yra vienintelis likęs iš savo motinos; tad tėvas jį myli’.
20Isu tikati kuna ishe wedu, Tina baba vava­mutana, vanomwana woutana hwavo, achiri muduku hake; mukoma wake akafa, iye akasara ari oga, mwana wamai vake, baba vake vanomuda.
21Tada liepei: ‘Atveskite, kad jį pamatyčiau savo akimis!’
21imwi mu­kati kuvaranda venyu, Burukai naye kwandiri, ndimuone nameso angu.
22Mes atsakėme: ‘Berniukas negali palikti savo tėvo, nes tėvas mirs, jei paliks!’
22Isu tikati kuna ishe wedu, Mukomana haa­ngasii baba vake, nekuti kana akasiya baba vake, baba vake vangafa.
23Tada, valdove, pasakei savo tarnams: ‘Jei jūsų jauniausias brolis neateis su jumis, nepasirodykite mano akyse!’
23Zvino makati kuvaranda venyu, Kana munu­nuna wenyu worugotwe asingaburuki nemi, hamungaonizve chiso changu.
24Kai parėjome pas tavo tarną, mūsų tėvą, jam pranešėme tavo, valdove, žodžius.
24Zvino takati takwira kumuranda we­nyu, baba vedu, tikavaudza mashoko ashe wedu.
25Ir mūsų tėvas tarė: ‘Vėl nukeliavę nupirkite kiek maisto’.
25Baba vedu vakati, Endai­zve, mutitengere zvokudya zvishoma­nana.
26Mes atsakėme: ‘Negalime keliauti! Tik jei leisi jauniausią brolį su mumis, keliausime. Mes negalime pasirodyti tam žmogui be mūsų jauniausiojo brolio’.
26Isu tikati, Hatingaburuki, kana munin'ina wedu asingaburuki nesu; nekuti hatingaoni chiso chomurume uya, kana munin'ina wedu asinesu.
27Tavo tarnas, mūsų tėvas, atsakė: ‘Jūs patys žinote, kad mano žmona man pagimdė du sūnus.
27Muranda wenyu, baba vedu, vakati kwatiri, Mu­noziva kuti mukadzi wangu akandibere­kera vanakomana vaviri;
28Vienas išėjo, ir aš pasakiau: ‘Jį sudraskė žvėris’. Ir aš jo daugiau nebemačiau.
28mumwe aka­bva kwandiri, ndikati, Zvirokwazvo akabvamburwa; kubva musi iwoyo ha­ndina kuzomuonazve;
29Jei ir šitą paimsite iš manęs ir jam atsitiks nelaimė, nuvarysite mano žilus plaukus su sielvartu į kapus’.
29kana mukandi­torera nouyuwo, akawirwa nenjodzi, mu­chaburutsira vhudzi rangu jena kuguva nokuchema.
30Taigi, jei dabar pareisiu pas tavo tarną, mano tėvą, ir su mumis nebus berniuko, prie kurio tėvas labai prisirišęs,
30Naizvozvo, kana zvino ndikandosvika kumuranda wenyu, baba vangu, tisinaiye mukomana, mweya wavo zvawakabatanidzwa nomweya wo­mukomana,
31jis numirs, matydamas, kad jo nėra su mumis. Ir tavo tarnai nuvarys tavo tarno, mūsų tėvo, žilus plaukus su sielvartu į kapus.
31vachati kana vachiona kuti mukomana asinesu, vachafa; naizvozvo varanda venyu vachaburutsira vhudzi jena romuranda wenyu, baba vedu, ku­guva nokuchema.
32Tavo tarnas laidavo už berniuką savo tėvui, sakydamas: ‘Jei aš jo neparvesiu, būsiu nusikaltęs tau visą amžių’,
32nekuti muranda wenyu akazviita rubatso rwomukomana kuna baba vangu, ndikati, Kana ndikasauya naye kwamuri,ini ndichava ne­mhosva kuna baba vangu nokusinga­peri.
33todėl prašau, valdove, palik mane berniuko vietoje tau vergauti, o berniukas tegrįžta su broliais!
33Naizvozvo zvino ndinokumbira kuti muranda wenyu agare hake ari musungwa washe wangu pachigaro chomukomana, asi mukomana akwire hake navana vababa vake.
34Kaip galėčiau grįžti pas savo tėvą be jauniausiojo brolio ir matyti nelaimę, kuri ištiks mano tėvą”.
34nekuti ndinga­kwira seiko kuna baba vangu, ndisina mukomana? Ndirege hangu kuona njodzi ichawira baba vangu.