Lithuanian

Shona

Habakkuk

2

1Aš stovėsiu sargyboje, pakilsiu į bokštą ir stebėsiu, ką Viešpats man kalbės ir ką man atsakyti, kai esu baramas.
1Ndichandomira panzvimbo yangu yokurindira, ndichazviisa panharirire yangu, ndichatarira ndione zvaachataura neni, uye zvandingapindura pamusoro pokuchema kwangu.
2Viešpats atsakydamas man tarė: “Užrašyk regėjimą aiškiai ant plokščių, kad jį galėtų perskaityti prabėgantis.
2Jehovha akandipindura, akati, Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamabwendefa, kuti zvigone kurahwa nowanomhanya.
3Regėjimas yra skirtam laikui, bet galiausiai jis kalbės ir nemeluos. Jei jis uždelstų­lauk, nes jis tikrai išsipildys ir nevėluos.
3nekuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nekuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.
4Pasipūtėlio siela nėra dora, bet teisusis gyvens savo tikėjimu.
4Tarirai, mweya wavo una manyawi, hauna kururama mukati mavo; asi akarurama achararama nokutenda kwake.
5Kaip vynas yra apgaulingas, taip išdidus žmogus­besotis. Jo gerklė kaip mirusiųjų buveinė, nepasotinama kaip mirtis, jis pavergia tautas ir gimines.
5Hongu uyezve unonyengera newaini, murume anozvikudza, asingagari kumba kwake, akashamisa kukara kwake seSheori, akafanana norufu; haangaguti, asi anozviunganidzira marudzi ose, unozvikokerera marudzi ose avanhu.
6Ar ne jie dainuos pašaipias dainas ir sugalvos patarlių apie jį: ‘Vargas tam, kuris daugina tai, kas ne jo. Kaip ilgai tai tęsis? Tu apkrauni save užstatų daugybe’.
6Ko ava vose havangaimbi rwiyo pamusoro pake, nokumudadira nechirabwe, vachiti, Ane nhamo anowanza zvisati zviri zvake! Kusvikira riniko? Uye anozviremedza nezvikwereti!
7Ar nepabus ir nepakils tie, kurie apiplėš tave, ar neprivers tavęs drebėti? Tada tu tapsi jiems grobiu.
7Vachakurumai havangasimuki pakarepo, vanokumanikidzai havangamuki here, imwi mukapambwa navo?
8Kadangi tu apiplėšei daug tautų, dabar tave apiplėš visos likusios tautos­dėl pralieto kraujo ir padaryto smurto miestams ir visiems jų gyventojams.
8imwi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo.
9Vargas tam, kuris godžiai siekia neteisingo pelno savo namams, kad susuktų lizdą aukštybėje, kad apsisaugotų nuo nelaimės!
9Ane nhamo unozviwanira imba yake fuma yakaipa, kuti aise dendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruoko rwezvakaipa!
10Tu atnešei gėdą savo namams, naikindamas tautas, pats praradai gyvybę!
10Makaranganira imba yenyu zvinonyadza, zvamakaparadza marudzi mazhinji avanhu, mukatadzira mweya wenyu.
11Akmuo iš sienos šauks, o medinės sijos jam atsakys:
11nekuti ibwe richadanidzira riri parusvingo, danda riri mudenga richapindura.
12‘Vargas tam, kuris stato miestą krauju ir tvirtovę neteisybe’.
12Ane nhamo anovaka musha neropa, anovamba guta nezvakaipa!
13Tai ne kareivijų Viešpaties valia, kad tautos dirbtų ugniai ir giminės vargtų veltui.
13Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha wehondo here kuti vanhu vabatire moto, uye kuti marudzi avanhu azvinetse nokuda kwezvisina maturo?
14Žemė bus pilna Viešpaties šlovės pažinimo kaip jūra pilna vandens.
14nekuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa.
15Vargas tam, kuris pila savo artimui, ragindamas jį gerti, ir taip jį nugirdo, kad galėtų matyti jo nuogumą.
15Ane nhamo anopa wokwake zvinobata azvimwe, anovhenganisiramo uturu bwenyu, muchimudhakisawo, kuti muone kushama kwavo !
16Tu prisipildei gėda vietoj garbės. Dabar gerk ir tu ir atidenk savo gėdą. Viešpats siunčia tau gėdos ir pažeminimo taurę.
16Mazvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa; chimwai nemiwo, muve seasina kudzingiswa; mukombe worudyi rwaJehovha uchasvikira kwamuri, zvinonyadzisa zvakaipa zvichauya pamusoro pokukudzwa kwenyu.
17Tave užgrius Libanui padarytas smurtas ir gyvulių grobimas gąsdins tave dėl žmonių kraujo ir kraštui, miestams bei visiems jų gyventojams padaryto smurto.
17nekuti zvakaipa zvakaitirwa Rebhanoni zvichakufukidzai imi, uye kuparadzwa kwezvipfuwo kwakazvityisa; nemhaka yeropa ravanhu, nemhaka yezvakaipa zvakaitirwa nyika, neguta, navose vageremo.
18Kokia nauda iš drožinio, kurį drožėjas padarė? Ar iš lieto atvaizdo, melų mokytojo, kuriuo jo gamintojas pasitiki, darydamas nebylius stabus?
18Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura?
19Vargas tam, kuris sako medžiui: ‘Pabusk!’, nebyliam akmeniui: ‘Pajudėk!’ Tiesa, jis aptrauktas auksu ir sidabru, tačiau jame nėra kvapo.
19Ane nhamo anoti kudanda, Pepuka! Nokuti kubwe risingatauri. Muka! Iro richadzidzisa? Tarirai, zvakanamirwa nendarama nesirivha, asi hakuna mweya mukati mazvo napaduku.
20Bet Viešpats yra savo šventykloje, tenutyla visas pasaulis prieš Jį!”
20Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.