1Bet iš to, ką sakome, svarbiausia yra štai kas: mes turime tokį vyriausiąjį Kunigą, kuris danguje atsisėdo Didybės sosto dešinėje
1Zvino chikuru chezvinhu zvatataura ndichochi: Tine mupristi mukuru wakadai wakagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe cheMukuru kumatenga,
2ir tarnauja šventykloje bei tikroje palapinėje, kurią pastatė ne žmogus, o Viešpats.
2mushumiri wenzvimbo tsvene, newetende rechokwadi rakadzikwa naIshe, kwete munhu.
3Kiekvienas vyriausiasis kunigas skiriamas aukoti dovanas ir aukas, tad ir šis privalo turėti, ką aukoti.
3Nekuti mupristi mukuru umwe neumwe wakagadzwa kuti ape zvipo nezvibayiro; naizvozvo zvakafanira kuti ave nechaangabayirawo;
4Jeigu Jis būtų žemėje, Jis nebūtų kunigas, nes čia yra kunigai, kurie pagal įstatymą aukoja dovanas.
4Nekuti dai aiva panyika, ungadai asina kuva mupristi, vapristi zvavaripo, vanobayira zvipo zvinoenderana nemurairo;
5Jie tarnauja dangiškųjų dalykų paveikslui ir šešėliui, panašiai kaip buvo pamokytas Mozė, kai rengėsi statyti palapinę: “Žiūrėk,sako Jis,kad visa padarytum pagal tą pavyzdį, kuris tau buvo parodytas ant kalno”.
5ivo vanoshumira mufananidzo nemumvuri wezvinhu zvekudenga, Mozisi sezvaakarairwa naMwari oda kugadzira tende; nekuti wakati: Chenjera kuti uite zvose nemufananidzo wawakaratidzwa mugomo.
6Bet dabar Jis gavo juo prakilnesnį tarnavimą, juo tobulesnės, geresniais pažadais besiremiančios Sandoros tarpininkas yra.
6Asi zvino wakapiwa basa rakanyanyisa kunaka, sezvaari murevereri wesungano inopfuura pakunaka, yakasimbiswa pazvivimbiso zvinopfuura pakunaka.
7Jeigu ta pirmoji Sandora būtų buvusi be trūkumų, nebūtų reikėję ieškoti vietos antrajai.
7Nekuti dai iya yekutanga yakanga isina chaingapomerwa, dai pasina nzvimbo yakatsvakirwa yechipiri.
8Jis sakė, peikdamas juos: “Štai ateina dienos,sako Viešpats, kai Aš su Izraelio namais ir Judo namais sudarysiu naują Sandorą.
8Nekuti achivapomera mhosva, unoti: Tarira, mazuva anovuya, ndizvo zvinotaura Ishe, andichaita nawo sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha.
9Ne tokią Sandorą, kokią buvau sudaręs su jų tėvais tą dieną, kai paėmiau juos už rankos, norėdamas išvesti iš Egipto žemės. Jie neišsaugojo mano Sandoros, ir Aš juos apleidau,sako Viešpats.
9Kwete zvichienderana nesungano yandakaita nemadzibaba avo, pazuva randakabata ruoko rwavo kuti ndivabudise munyika yeEgipita; nekuti havana kurambira musungano yangu, neni ndikasava nehanya navo, ndizvo zvinotaura Ishe;
10Štai kokia bus Sandora, kurią sudarysiu su Izraelio namais, praslinkus anoms dienoms,sako Viešpats:Aš duosiu savo įstatymus jų protams ir juos įrašysiu jų širdyse, ir būsiu jų Dievas, ir jie bus mano tauta.
10Nekuti iyi isungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwemazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe; ndichaisa mirairo yangu mumurangariro wavo, nemuhana dzavo ndichainyora, uye ndichava kwavari Mwari ivo vachava kwandiri vanhu;
11Ir nė vienas nebemokys savo artimo nei savo brolio, sakydamas: ‘Pažink Viešpatį!’, nes visi mane pažins nuo mažiausio iki didžiausio.
11uye havangazodzidzisi umwe neumwe mumwe wake, kana umwe neumwe hama yake, achiti: Ziva Ishe; nekuti vose vachandiziva, kubva kumudukusa kusvikira kumukurusa wavo.
12Aš būsiu gailestingas dėl jų neteisumo ir jų nuodėmių bei nedorybių daugiau nebeprisiminsiu”.
12Nekuti ndichava netsitsi nekusarurama kwavo, nezvivi zvavo nezvakaipa zvavo handichazorangariri.
13Sakydamas “naują Sandorą”, Jis nurodė, kad pirmoji yra pasenusi. O kas pasensta ir nukaršta, to greit nebeliks.
13Zvaanoti: Sungano itsva, yakasakadza yekutanga; zvino chosakara, chova chakare, choda kurova.