Lithuanian

Shona

Hosea

13

1Kai Efraimas kalbėjo drebėdamas, jis iškilo Izraelyje, o kai nusikalto Baalu­mirė.
1Efuremu vakati vachitaura, kudedera kukavapo; vakazvikudza pakati paIsiraeri; asi akati apara mhaka naBhaari, akafa.
2Dabar jie nusideda dar labiau: lieja sidabrinius atvaizdus, stabus pagal savo sugebėjimus. Tai yra amatininkų darbas. Jie ragina: “Žmonės, kurie aukoja, tebučiuoja veršius!”
2Asi zvino vanongoramba vachiwedzera zvivi zvavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvenjere dzavo, zvose zviri basa remhizha; zvino vanoti pamusoro pazvo, Vanobayira mhuru ngavadzisvete.
3Todėl jie bus kaip rytmečio migla, kaip rasa, kuri anksti pranyksta, kaip pelai, nupučiami nuo klojimo, arba dūmai iš kamino.
3Saka vachaita semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kunyangarika, sehundi inopepereswa nechamupupuri paburiro, soutsi bwechoto hunobuda napaburi.
4“Aš esu Viešpats, tavo Dievas nuo dienų Egipto krašte. Tu nepažinsi kito dievo, tik mane, nes be manęs nėra gelbėtojo.
4Kunyange zvakadaro ndini Jehovha Mwari wako kubva panyika hamuzivi mumwe mwari asi ini, hakuna mumwe muponesi kunze kwangu.
5Aš pažinau tave dykumoje, išdžiūvusioje žemėje.
5Ndakakuzivai murenje, munyika yakaoma kwazvo.
6Kai jie prasigyveno ir pasisotino, jų širdis išpuiko, jie pamiršo mane.
6Zvavakapiwa mafuro akanaka, vakaguta; vakaguta, mwoyo yavo ikazvikudza, naizvozvo vakandikangamwa.
7Aš būsiu jiems kaip liūtas, kaip šalia kelio tykojantis leopardas.
7Saka ndava kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sengwe;
8Aš juos užpulsiu kaip lokė, netekusi jauniklių, ir draskysiu jų krūtines. Ten surysiu juos kaip liūtas, sudraskysiu kaip laukiniai žvėrys.
8ndicharwa navo sebere rakatorerwa vana varo, ndichatsemura chifukidziro chomwoyo wavo; ndichavadyirapo seshumbakadzi; zvikara zvichavabvamburanya.
9Izraeli, tu sunaikinai save, nes tik manyje tavo pagalba.
9Ndizvo zvichakuparadzai, imwi Isiraeri, zvamunorwa neni, ini mubatsiri wenyu.
10Kur yra tavo karalius, kuris tave išgelbėtų? Kur tavo teisėjai, apie kuriuos sakei: ‘Duok man karalių ir kunigaikščių’?
10Ko zvino mambo wenyu aripi, akuponesei mumaguta enyu ose? Ko vatongi venyu varipi, vamaiti, Tipei mambo namachinda?
11Aš tau daviau karalių supykęs ir atėmiau jį užsirūstinęs.
11Ndakakupai mambo pakutsamwa kwangu, ndikamubvisazve nehasha dzangu.
12Efraimo kaltė surišta, jo nuodėmė paslėpta.
12Zvakaipa zvaEfuremu zvakasungwa pamwechete, zvivi zvake zvakachengetwa.
13Jis yra lyg neišmintingas sūnus­atėjus laikui gimti, jis neturėtų laukti.
13Kurwadziwa komukadzi anosurumuka kuchasvika kwaari; iye mwanakomana asine njere; nekuti kana nguva ichisvika, haaswederi pakuzvarwa.
14Aš išpirksiu juos iš mirusiųjų buveinės galios, išgelbėsiu nuo mirties. Mirtie, Aš būsiu tavo galas, mirusiųjų buveine, Aš būsiu tavo sunaikinimas. Gailestis bus paslėptas nuo mano akių.
14Ndichavadzikunura pasimba reSheori, ndichavadzikunura parufu. Aiwa, rufu, hosha dzako dziripiko? Aiwa, Sheori, kuparadza kwako kuripi? Kuzvidemba hakungaonekwi nameso angu.
15Nors jis klestės tarp savo brolių, pakils Viešpaties vėjas iš rytų, iš dykumos, išdžiovins versmes ir šaltinius, išplėš turtus ir visus brangius indus.
15Kunyange akabereka zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuva ichasvika, iri mhepo yaJehovha inobva kurenje; chitubu chake chichapwa, tsime rake richaoma, iye uchapamba fuma yenhumbi dzose dzinodikamwa.
16Samarija kentės už tai, kad maištavo prieš savo Dievą. Jie žus nuo kardo, jos kūdikius sutraiškys, nėščias moteris perskros”.
16Samaria richava nemhosva yaro, nekuti vakamukira Mwari wavo; vachaparadzwa nomunondo, vacheche vavo vachaputsanyiwa, vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.