1“Guoskite, guoskite mano tautą,sako jūsų Dievas.
1Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinoreva Mwari wenyu.
2Kalbėkite paguodą Jeruzalei, praneškite jai, kad jos kovos pasibaigė, nusikaltimas atleistas. Ji gavo iš Viešpaties dvigubai už savo nuodėmes”.
2Taurirai zvingavaraidza Jerusaremu, danidzirai kwavari kuti kurwa kwavo kwapera, kuti zvakaipa zvavo zvakangamwirwa, kuti vapiwa noruoko rwaJehovha kurohwa kwakaringana pamusoro pezvivi zvavo.
3Dykumoje šaukiančiojo balsas: “Paruoškite kelią Viešpačiui, tiesų darykite Jam vieškelį dykumoje.
3Inzwi rounodanidzira, achiti, Gadzirai murenje nzira yaJehovha, ruramisirai Mwari wedu mugwagwa musango.
4Slėnius užpilkite, kalnus ir kalvas pažeminkite, kas kreiva, ištiesinkite, kas nelygu, išlyginkite.
4Mipata yose ichazadzwa, makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; pana makoronga pachaenzaniswa; Pasakaenzana pachaitwa bani;
5Viešpaties šlovė bus apreikšta, visi kūnai tai matys, nes Viešpats taip kalbėjo”.
5kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, vanhu vose vachazviona pamwechete nekuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.
6Balsas tarė: “Šauk!” Aš klausiau: “Ką šaukti?”“Kiekvienas kūnas yra žolė, visas jo grožis yra lyg lauko gėlės žiedas.
6Inzwi roanoti, Danidzirai! Mumwe akati, Ndichadanidzireiko? Vanhu vose uswa, kunaka kwazvo kose kwakaita seruva rokusango.
7Kai Viešpats pūsteli, žolė nuvysta ir žiedas nukrinta. Taip ir tauta yra žolė.
7Uswa hunowoma, ruva rinosvava, nekuti mweya waJehovha unofuridza pamusoro pazvo; zvirokwazvo vanhu uswa.
8Žolė nuvysta, žiedas nukrinta, bet mūsų Dievo žodis išlieka per amžius”.
8Huswa hunooma, ruva rinosvava; asi shoko raMwari wedu richagara nokusingaperi.
9Pakilk į aukštą kalną, geros žinios nešėjau Sione! Pakelk galingai balsą, geros žinios nešėja Jeruzale! Pakelk balsą, nebijok! Sakyk Judo miestams: “Štai jūsų Dievas!”
9Nhai, iwe, unoparidzira Ziyoni mashoko akanaka, kwira pagomo refu; nhai, iwe, unoparidzira Jerusaremu mashoko akanaka, danidzira nesimba, danidzira, usatya; uti kumaguta aJudha, Tarirai, Mwari wenyu!
10Viešpats Dievas ateina su galia, Jo ranka valdo visa. Jo atpildas yra su Juo ir Jo darbas priešais Jį.
10Tarirai, Ishe Jehovha achauya somunhu ane simba, ruoko rwake ruchamubatira ushe; tarirai, mubayiro wake anawo, zvaanoripirwa zviri pamberi pake.
11Jis ganys savo bandą kaip piemuo, surankios avinėlius, juos neš prie krūtinės, o avis su jaunikliais vedžios švelniai.
11Achafudza boka rake somufudzi, achaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, achanyatso kutungamirira nhunzvi dzinomwisa.
12Kas išsėmė vandenis sauja ir išmatavo dangų sprindžiais? Kas žemės dulkes saiku seikėjo, pasvėrė kalnus ir kalvas svarstyklėmis?
12Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza choruoko rwake, nokuyera denga napanosvika mimwe, nokuenzanisa guruva rapasi nechiyero, nokuyera kurema kwamakomo nechiedzo, nezvikomo nechiyero?
13Kas nukreipė Viešpaties Dvasią ir buvo Jo patarėjas?
13Ndianiko wakayera Mweya waJehovha, kana akamudzidzisa achimurayira namano?
14Kas davė Jam patarimą, kas mokė Jį teisingumo ir pažinimo, kas parodė Jam supratimo kelią?
14Akarangana nani, ndiyani akamurayira nokumudzidzisa nzira yokururamisira, nokumudzidzisa zivo, nokumuratidza nzira yenjere here?
15Tautos yra kaip lašas kibire, kaip grūdelis svarstyklėse. Jam salos lyg dulkės.
15Tarirai, marudzi avanhu akaita sedomwe remvura muchirongo, anenge guruva shomanene pachiyero; tarirai, anosimudza zvivi sechinhu chiduku-duku.
16Libano kedrų neužtektų ugniai kūrenti, gyvulių nepakaktų Jo deginimo aukai.
16Rebhanoni harine huni dzingaringana kuvesera, kunyange mhuka dzaro hadziringani kuitwa zvipiriso zvingapiswa.
17Visos tautos Jo akivaizdoje bevertės, jos vertinamos mažiau už nieką ir tuštybę.
17Marudzi ose anoverengwa pamberi pake sezmashoma kupfuura pasina seasina maturo.
18Su kuo tad palyginsite Dievą? Į ką panašų darysite Jo atvaizdą?
18Zvino mungafananidza Mwari naniko? Kana mungamuenzanisa nomufananidzo upiko?
19Amatininkas nulieja atvaizdą, auksakalys aptraukia jį auksu ir papuošia sidabrinėmis grandinėlėmis.
19Kana uri mufananidzo, muumbi wakaumba, mupfuri wendarama anounamira nendarama, ndokuupfurira ngetani dzesirivha.
20Kas neturtingas, pasirenka nepūvantį medį, susiranda išmanų amatininką, tas padaro drožinį ir pastato jį, kad nejudėtų.
20Murombo anoshaiwa chipo chakadaro, anosanangura muti asingawori; anozvitsvakira mhizha yakachenjera ingamuvezera mufananidzo usingazununguki.
21Argi jūs nežinote? Argi negirdėjote? Argi nebuvo pranešta nuo pradžios? Argi nesuprantate iš pasaulio sutvėrimo?
21Hamuna kuziva here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kuzviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuteyiwa kwenyika here?
22Jis sėdi virš žemės skliauto, jos gyventojai atrodo lyg skėriai. Jis ištiesia dangus lyg užuolaidas, išskleidžia juos lyg palapinę gyventi.
22Ndiye agere kumusoro kwenyika yakaurungana, vanhu vagerepo vakaita semhashu; ndiye anotatamura denga somucheka, nokuriwaridza setende kuti agaremo;
23Jis kunigaikščius paverčia nieku ir žemės teisėjus padaro kaip tuštybę.
23ndiye anoderedza machinda kusvikira oita saasipo, vatongi venyika anovaita sechinhu chisina maturo.
24Jie bus ką tik pasėti, ką tik jų kamienai bus išleidę šaknis, kai Jis pūstelės, ir jie nuvys, viesulas nuneš juos kaip šiaudus.
24Zvirokwazvo, havana kusimwa, zvirokwazvo, havana kudzvarwa, zvirokwazvo, hunde yavo haina kubata pasi; zvino wofuridza pamusoro pavo, vooma, nechamupupuri chinovabvisa sehundi.
25“Su kuo mane palyginsite ir į ką Aš panašus?”klausia Šventasis.
25Ko zvino mungandifananidza nani, kuti ndienzane naye? Ndizvo zvinotaura Mutsvene.
26Pakelkite akis ir pažiūrėkite aukštyn, kas visa tai sutvėrė? Jis suskaitęs veda jų pulkus ir kiekvieną vadina vardu. Jo galia ir jėga yra tokia didelė, kad nė vieno netrūksta.
26Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani akasika izvozvi, anobudisa hondo yazvo yakawanda; iye anozvidana zvose namazita azvo; nokuda koukuru bwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshaikwa.
27Kodėl sakai, Jokūbai, kodėl taip kalbi, Izraeli: “Viešpačiui mano keliai nežinomi ir mano teisių Dievas nemato”.
27Unorevereiko, iwe Jakove, unotaurireiko iwe Isiraeri, uchiti, Nzira yangu haizikamwi naJehovha, Mwari wangu anondidarika asingandiruramisiri?
28Ar nežinai? Ar negirdėjai? Viešpats, amžinasis Dievas, kuris sutvėrė žemę, niekada nepailsta ir nepavargsta, Jo išmintis neišsemiama.
28Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari asingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose enyika, haaziyi, haaneti; njere dzake hadzingazikamwi.
29Jis duoda pavargusiam jėgų ir bejėgį atgaivina.
29Vanoziya anovapa simba; anoshaiwa simba anomuwedzera simba rake.
30Net jaunuoliai pavargsta ir pailsta, jauni vyrai krinta išsekę.
30Kunyange navakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose;
31Bet tie, kurie laukia Viešpaties, įgaus naujų jėgų. Jie pakils ant sparnų kaip ereliai, bėgs ir nepavargs, eis ir nepails.
31asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.