1Viešpats kalbėjo Jeremijui:
1.Shoko rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, richiti,
2“Klausyk sandoros žodžių ir kalbėk Judo žmonėms bei Jeruzalės gyventojams.
2Inzwai mashoko esungano iyi, muataure navanhu vaJudha, navagere Jerusaremu,
3Sakyk jiems: ‘Taip sako Viešpats: ‘Prakeiktas žmogus, kuris nepaklūsta šitos sandoros žodžiams,
3uti kwavari, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, munhu usinganzwi mashoko esungano iyi, ngaatukwe,
4kuriuos Aš įsakiau jūsų tėvams, kai juos išvedžiau iš Egipto šalies, iš geležinės krosnies. Pakluskite mano balsui ir elkitės taip, kaip jums įsakiau, tai būsite mano tauta, o Aš būsiu jūsų Dievas,
4aya andakaraira madzibaba enyu nezuva randakavabudisa munyika yeEgipita, muchoto chamatare, ndichiti, teererai inzwi rangu, muzviite zvose sezvandakakurairai; ipapo muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu;
5kad ištesėčiau priesaiką, kurią daviau jūsų tėvams paveldėti šalį, tekančią pienu ir medumi’ ”. Tada aš atsiliepiau: “Tebūna taip, Viešpatie!”
5kuti ndisimbise kupika kwandakapikira madzibaba enyu, kuti ndichavapa nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvazvakaita zuva ranhasi. Ipapo ndakapindura, ndikati, Ameni, Jehovha.
6Paskui Viešpats man tarė: “Skelbk visus šiuos žodžius Judo miestuose ir Jeruzalės gatvėse, sakydamas: ‘Klausykite šitos sandoros žodžių ir juos vykdykite!
6Zvino Jehovha akati kwandiri, Paridza mashoko awa ose pamaguta aJudha, napanzira dzomuJerusaremu, uchiti, Inzwai mashoko esungano iyi, muaite.
7Aš įsakmiai raginau jūsų tėvus, kai juos vedžiau iš Egipto, ir iki šios dienos, sakydamas: ‘Pakluskite mano balsui’.
7nekuti ndakarairira madzibaba enyu kwazvo nezuva randakavabudisa munyika yeEgipita, kusvikira zuva ranhasi, ndichifumira mangwanani, ndichirairira, ndichiti, teererai inzwi rangu.
8Tačiau jie neklausė, bet sekė savo piktų širdžių užgaidas. Todėl Aš užvesiu jiems visus sandoros žodžius, kuriuos buvau jiems įsakęs, bet jie nesilaikė’ ”.
8Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi mumwe nomumwe wavo wakaramba achifamba nohukukutu hwomoyo wake wakaipa; naizvozvo ndakauyisa pamusoro pavo mashoko ose esungano iyi, andakavaraira kuti vaaite, asi havana kuaita.
9Viešpats vėl man kalbėjo: “Judo žmonės ir Jeruzalės gyventojai daro sąmokslą;
9Zvino Jehovha akati kwandiri, Rangano yakaipa yawanikwa pakati pavanhu vaJudha, napakati pavagere Jerusaremu.
10jie nusikalsta kaip jų protėviai, kurie atsisakė klausyti mano žodžių: jie seka svetimus dievus ir tarnauja jiems. Izraelis ir Judas sulaužė mano sandorą, kurią padariau su jų tėvais.
10Vakadzokera kune zvakaipa zvamadzitateguru avo, akaramba kunzwa mashoko angu, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire; imba yaIsiraeri neimba yaJudha vakaputsa sungano yangu yandakaita namadzibaba avo.
11Todėl taip sako Viešpats: ‘Aš užleisiu jiems nelaimę, iš kurios jie negalės ištrūkti, ir, kai jie šauksis manęs, Aš jų neišklausysiu.
11Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavo, zvavasingagoni kutiza; vachadanidzira kwandiri, asi handingavanzwi.
12Tada Judo miestai ir Jeruzalės gyventojai šauksis dievų, kuriems jie smilkė, bet tie niekuo jiems nepadės nelaimės metu.
12Ipapo vamaguta aJudha navagere Jerusaremu, vachandodanidzira kuna vamwari vavanopisira zvinonhuhwira; asi havangatongovaponesi panguva yokutambudzika kwavo.
13Judai, kiek tavo miestų, tiek dievų; kiek Jeruzalėje gatvių, tiek pasistatėte gėdingų aukurų smilkyti Baalui!
13nekuti iwe Judha, kuwanda kwavamwari vako kwakafanana nokuwanda kwamaguta ako; uye makavakira chinhu chinonyadzisa maaritari, iwo maaritari okupisira Bhaari zvinonhuhwira, akawanda senzira dzomuJerusaremu.
14Nesimelsk už šitą tautą. Aš jų neišklausysiu, kai jie šauksis manęs suspaudimo metu.
14Saka iwe usanyengeterera vanhu ava, kana kudana nokuda kwavo nenzwi rako kana munyengetero wako; nekuti handingavanzwi nenguva yavanodanidzira kwandiri nokuda kokutambudzika kwavo.
15Ko nori, mano mylimoji, mano namuose po savo begėdysčių su daugeliu? Ar šventa mėsa nukreips nuo tavęs nelaimę?’ ”
15Mudikamwa wangu unotsvakeiko mumba mangu, zvaakaita zvinonyangadza navazhinji? Mhiko nenyama tsvene zvingabvisa njodzi yako here? Ipapo ungafara kwazvo.
16Žaliuojančiu, gražiu alyvmedžiu Viešpats vadino tave; dabar Jis ūžiančia ugnimi sudegina jo lapus ir šakas!
16Jehovha wakakutumidza zita rinonzi, Muorivhi mutema, wakanaka nezvibereko zvakanaka; asi wakazovesa moto pamusoro pawo nomubvumo webope guru, matavi awo akavhuniwa.
17Kareivijų Viešpats, kuris pasodino tave, nusprendė tau nelaimę užleisti dėl Izraelio ir Judo nusikaltimų, kuriais jie užsitraukė Viešpaties rūstybę, smilkydami Baalui.
17nekuti Jehovha wehondo, iye wakakusima, wakareva zvakaipa pamusoro pako, nokuda kwezvakaipa zveimba yaIsiraeri, neimba yaJudha, zvavakaita vachinditsamwisa nokupisira kwavo Bhaari zvinonhuhwira.
18Viešpats man apreiškė, ir aš supratau; tada Tu parodei man jų piktus darbus.
18Jehovha wakandizivisa izvozvo, ndikazviziva; ipapo mukandiratidza zvavanoita.
19Aš buvau kaip paklusnus avinėlis, vedamas pjauti, nežinojau, kad jie ruošė planus prieš mane: “Sunaikinkime medį ir jo vaisius! Išraukime jį iš gyvųjų žemės, kad užmirštų jo vardą!”
19Asi ini ndakanga ndakafanana negwayana nyoro rinoiswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga varangana mano akaipa pamusoro pangu, vachiti, Ngatiparadze muti pamwechete nezvibereko zvawo, ngatimubvise chose panyika yavapenyu, zita rake rirege kuzorangarirwa.
20Kareivijų Viešpatie, kuris teisi teisingai ir ištiri žmogaus širdį ir inkstus, leisk man matyti Tavo kerštą jiems, nes aš Tau pavedžiau savo bylą.
20Asi imwi Jehovha wehondo, imwi munotonga zvakarurama, munoidza itsvo nomoyo, ndichaona kutsiva kwenyu kwavari, nekuti ndakakuzarurirai mhaka yangu.
21Taip sako Viešpats apie Anatoto vyrus, kurie ieško mano gyvybės, sakydami: “Nepranašauk Viešpaties vardu, kad mes tavęs nenužudytume!”
21Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu veAnatoti, vanotsvaka kukuuraya, vachiti, Haufaniri kuporofita nezita raJehovha, kuti urege kuurawa namaoko edu;
22Todėl kareivijų Viešpats sako: “Aš juos nubausiu; jų jaunuoliai žus nuo kardo, o jų sūnūs ir dukterys mirs badu.
22naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichavarova; majaya achaurawa nomunondo, vanakomana vavo navanasikana vavo vachaurawa nenzara;
23Iš jų niekas neišliks, kai užleisiu nelaimę ant Anatoto žmonių jų aplankymo metu”.
23havangasarirwi navanhu, nekuti ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavanhu veAnatoti pagore rokurohwa kwavo.