Lithuanian

Shona

Jeremiah

4

1“Izraeli, jei nori sugrįžti,­sako Viešpats,­grįžk pas mane. Jei pašalinsi savo bjaurystes, tau nereikės bėgti nuo manęs.
1Zvanzi naJehovha, Kana muchida kudzoka, imwi Isiraeri, kana muchida kudzokera kwandiri, kana muchida kubvisa zvinonyangadza zvenyu pamberi pangu, hamungafaniri henyu kudzungaira.
2Tada prisieksi: ‘Kaip gyvas Viešpats!’ tiesoje, teisingume ir teisume. Ir Jis bus palaiminimas tautoms, ir tautos girsis Juo”.
2Ipapo muchapika, muchiti, NaJehovha mupenyu, nezvokwadi, nezvakarurama, nokururama; ipapo marudzi achazviropafadza maari, nokuzvirumbidza maari.
3Taip sako Viešpats Judo žmonėms ir Jeruzalei: “Arkite dirvonus ir nesėkite erškėtynuose.
3nekuti zvanzi naJehovha kuvanhu vaJudha naveJerusaremu, Zvivundirei gombo, idzva, musadzvara pakati pemhinzwa.
4Apsipjaustykite Viešpačiui ir pašalinkite nuo savo širdžių plėvelę, Judo žmonės ir Jeruzalės gyventojai, kad neišsiveržtų kaip ugnis mano rūstybė ir neužsidegtų neužgesinamai dėl jūsų piktų darbų.
4Zvidzingisirei Jehovha, mubvise zvikanda zvapamberi zvomoyo, imwi vanhu vaJudha navagere Jerusaremu; kuti kutsamwa kwangu kukuru kurege kubuda somoto, upise kusino munhu unogona kuudzimura, nokuda kwezvakaipa zvamakaita.
5Skelbkite Jude ir praneškite Jeruzalėje, pūskite ragą krašte, garsiai šaukite ir sakykite: ‘Susirinkite ir eikime į sutvirtintus miestus!’
5Taurai pakati paJudha, muparidze muJerusaremu, muti Ridzai hwamanda panyika, danidzirai, muti, Unganai, tindopinda mumaguta akakomberedzwa.
6Iškelkite vėliavą Siono link! Bėkite! Nestovėkite! Nelaimę ir sunaikinimą Aš užleisiu iš šiaurės.
6Simudzirai mureza kurutivi rweZiyoni, tizai, musamira; nekuti ndichauyisa zvakaipa zvinobva kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.
7Liūtas pakilo iš tankumyno, tautų naikintojas yra kelyje. Jis pakilo iš savo vietos paversti tavo šalį dykuma; tavo miestai pavirs griuvėsiais ir ištuštės.
7Shumba yabuda ichibva mudenhere rayo, muparadzi wamarudzi wava munzira, wabuda panzvimbo yake, kuti aparadze nyika yenyu, maguta enyu aitwe matongo, kusina vanogaramo.
8Todėl apsivilkite ašutinėmis, raudokite ir dejuokite: ‘Nenusigręžė nuo mūsų Viešpaties rūstybė’ ”.
8Naizvozvo zvisungei zviuno zvenyu namakudza, mucheme nokuwungudza; nekuti kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuna kudzorwa kwatiri.
9Viešpats sako: “Ateis diena, kada pradings karaliaus drąsa ir kunigaikščių narsumas, kunigai išsigąs ir pranašai pastirs iš baimės.
9Zvino ndizvo zvinotaura Jehovha nezuva iro moyo wamambo uchaora, nemoyo yamachindawo; vapristi vachashamiswa navaporofita vachakanuka.
10Jie sakys: ‘Ak, Viešpatie Dieve, iš tikrųjų Tu smarkiai apgavai šią tautą ir Jeruzalę, sakydamas: ‘Jūs turėsite taiką’, o dabar kardas siekia mūsų sielas!’
10Ipapo ndikati, Haiwa, Ishe Jehovha zvirokwazvo makanyengera kwazvo vanhu ava naveJerusaremu, zvamakati, Muchava norugare, nyamba munondo unobaya kusvikira pamweya.
11Tuomet bus pasakyta šiai tautai ir Jeruzalei: ‘Karštas vėjas pučia nuo plikų aukštumų iš dykumos mano tautos link, bet ne vėtyti ir ne valyti jos.
11Nenguva iyo vanhu ava naveJerusaremu vachaudzwa, zvichinzi, Tarirai mhepo inopisa, inobva kuzvikomo zvisina miti murenje, inouya kumukunda wavanhu vangu, isingavingi kurudza kana kunatsa;
12Smarkus vėjas iš ten ateina pas mane. Dabar Aš pats paskelbsiu jiems nuosprendį’ ”.
12mhepo ine simba, inobva ikoko, ichandiuyira; zvino ndicharevawo zvandakatonga pamusoro pavo.
13Kaip debesis Jis pakyla, kaip audra Jo kovos vežimai, greitesni už erelius Jo žirgai! Vargas mums, mes žuvę!
13Tarirai, uchauya samakore, ngoro dzake dzichaita sechamupupuri; mabhiza ake anokurumidza kukunda makondo. Tine nhamo, nekuti taparadzwa.
14Jeruzale, apvalyk nuo nedorybių savo širdį, kad būtum išgelbėta! Ar ilgai piktos mintys pasiliks tavyje?
14Haiwa, Jerusaremu, suka zvakaipa zviri pamoyo wako, kuti uponeswe. Ndangariro dzako dzakaipa dzichagara mukati mako kusvikira rinhiko?
15Klausykis, iš Dano ir iš Efraimo kalnyno balsas skelbia blogą žinią:
15nekuti inzwi rinotaura richibva Dhani, rinoparidza njodzi richibva pazvikomo zveEfuremu.
16“Įspėkite tautas, praneškite Jeruzalei: priešai ateina iš tolimos šalies ir pakels balsą prieš Judo miestus!
16Udzai marudzi izvozvo, tarirai, paridzirai Jerusaremu, kuti nharirire dzinobva kunyika iri kure, dzinotaurira maguta aJudha zvakaipa.
17Kaip lauko sargai jie apstojo ją, nes ji buvo sukilusi prieš mane,­sako Viešpats.­
17Dzinovakomberedza savarindi vanokomberedza munda, nekuti vakandimukira ndizvo zvinotaura Jehovha.
18Tavo keliai ir darbai tau tai užtraukė! Tavo nedorybė yra karti ir pasiekė tavo širdį”.
18Mufambiro wako nezvawakaita ndizvo zvakakuvuyisira zvinhu izvi; ndiko kutadza kwako; nekuti zvinovava, nokuti
19Ak, mano siela, mano siela! Skausmas pasiekė mano širdį. Mano širdis nerimsta, negaliu tylėti. Nes tu, mano siela, girdi trimito garsą, karo pavojų.
19Maiwe ! Hura hwangu, hura hwangu! Ndinorwadziwa mumoyo mangu mumene; moyo wangu unodedera mukati mangu, handigoni kunyarara, nekuti wanzwa, iwe mweya wangu, wanzwa kurira kwehwamanda nemhere-mhere yokurwa.
20Sunaikinimas po sunaikinimo! Visa šalis nuniokota! Staiga sunaikinamos mano pastogės, ūmai­ mano palapinės!
20Kunonzi, kuparadzwa kunotevera kuparadzwa; nekuti nyika yose yaitwa dongo; matende angu aparadzwa kamwekamwe, namaseiri amatende angu pakarepo.
21Ar ilgai matysiu vėliavas, girdėsiu trimito garsą?
21Ndichaona mureza kusvikira rinhiko, nokunzwa kurira kwehwamanda?
22Mano tauta kvaila, ji manęs nepažįsta. Jie neprotingi vaikai, neturintys supratimo. Jie išmintingi daryti pikta, bet daryti gera jie nesugeba.
22nekuti vanhu vangu mapenzi, havandizivi; vakaita vana vamapenzi, vasina njere, vakachenjera pakuita zvakaipa, asi havane zivo pakuita zvakanaka.
23Aš pažvelgiau į žemę­ji buvo be pavidalo ir tuščia, pažvelgiau į dangus­ten nebuvo šviesos.
23Ndakatarira nyika, ndikaiona yaparadzwa, isina chinhu; ndikatarira denga rose, asi rakanga risina chiedza.
24Pažvelgiau į kalnus­jie drebėjo, visos aukštumos siūbavo.
24Ndakatarira makomo, ndikaona achidedera, nezvikomo zvose zvichizununguka.
25Aš žvalgiaus, ir nebuvo nė vieno žmogaus, visi padangių paukščiai buvo nuskridę.
25Ndakatarira, ndikasaona munhu, neshiri dzose dzokudenga dzakanga dzatiza.
26Pažvelgiau į derlingą žemę­ji buvo dykuma, visi miestai buvo sunaikinti Viešpaties akivaizdoje, Jo rūstybės įkarštyje.
26Ndakatarira, ndikaona nyika yakanga ichibereka zvakanaka yashanduka renje, namaguta ayo ose akanga akoromoka pamberi paJehovha, napamberi pokutsamwa kwake kukuru.
27Viešpats tarė: “Visa šalis liks tuščia, tačiau jos nesunaikinsiu visiškai.
27nekuti zvanzi naJehovha, Nyika yose ichasiiwa yaparadzwa, asi handingaipedzi chose.
28Dėl to gedės žemė ir aptems aukštai dangūs. Aš tai pasakiau ir nesigailėsiu, nutariau ir įvykdysiu!”
28Nemhaka iyi nyika ichachema, nedenga rose kumusoro richasviba; nekuti ndakazvitaura, ndakafunga kuzviita, handina kuzvidemba, handingadzoki pachinhu ichi.
29Nuo raitelių ir šaulių šauksmo pabėgs visas miestas: jie sulįs į olas, pasislėps tankynėse ir lips ant uolų. Miestai ištuštės ir liks be gyventojų.
29Maguta ose anotiza nokuda komubvumo wavatasvi vamabhiza navafuri vouta; vanopinda mumatenhere, vanokwira pamatombo; ose akasiiwa hakuna munhu unogaramo.
30Ką dabar darysi tu, apiplėštoji? Nors apsivilktum purpuru, pasidabintum auksiniais papuošalais, išsidažytum veidą­veltui tu puoštumeisi. Tavo meilužiai paniekins tave, jie ieškos tavo gyvybės.
30Zvino iwe, kana waparadzwa, uchaiteiko? Kunyange ukafuka mucheka mutsvuku, kunyange ukazodza meso ako nomuti mutema, ungazvinatsa pasina; vadikamwa vako vanokuzvidza, vanotsvaka kukuuraya.
31Girdžiu tarsi gimdančios riksmą, tarsi pirmagimį gimdančios šauksmą­balsą Siono dukters, gaudančios kvapą, tiesiančios rankas ir sakančios: “Vargas man, mano sielą nuvargino žudikai”.
31nekuti ndakanzwa inzwi seromukadzi unosurumuka, serounotambudzika pakupona dangwe rake, inzwi romukunda weZiyoni, unofemedzeka, unotambanudza maoko ake, achiti, Ndine nhamo zvino! nekuti mweya wangu waziya pamberi pavaurayi vangu!