Lithuanian

Shona

Psalms

60

1Dieve, Tu užsirūstinęs atstūmei mus ir išsklaidei mus; atsigręžk į mus vėl!
1Mwari, makatirasha, makatiparadza; Makanga makatsamwa; Haiwa, tidzorei.
2Sudrebinai ir suskaldei žemę; užtaisyk jos plyšius, nes ji svyruoja.
2Makabvundisa nyika; makaitsemura; Gadzirai mitswe yayo; nekuti inozununguka.
3Leidai patirti savo tautai sunkių vargų, mus girdei svaiginančiu vynu.
3Makaratidza vanhu venyu zvinhu zvinorema; Makatimwisa waini inobata.
4Tavęs bijantiesiems davei vėliavą, kad iškeltų ją dėl tiesos.
4Makapa vanokutyai mureza, Kuti uratidzwe nokuda kwechokwadi.
5Kad Tavo mylimieji būtų išgelbėti, padėk savo dešine ir išklausyk mus!
5Kuti vadikamwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure.
6Dievas kalbėjo savo šventume: “Aš džiūgausiu ir išdalinsiu Sichemą, paskirstysiu Sukotų slėnį.
6Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.
7Mano yra Gileadas ir Manasas, Efraimas­mano galvos šalmas, Judas­mano skeptras.
7Giriyadhi ndeyangu Manase ndeyangu; Efuremuwo inhawiro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.
8Moabas yra mano praustuvė. Ant Edomo numesiu savo kurpę. Filistija, džiūgauk dėl manęs”.
8Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Iwe Firisitia, pururudza nokukunda nokuda kwangu.
9Kas įves mane į sustiprintą miestą? Kas nuves mane į Edomą?
9Ndianiko achandiisa muguta rakasimba? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?
10Argi ne Tu, Dieve, atstūmei mus? Argi ne Tu, Dieve, neišėjai su mūsų kariuomene?
10Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.
11Suteik mums pagalbą varge, nes žmonių pagalba yra be vertės.
11Tibatsirei pamudzivisi wedu; nekuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.
12Su Dievu mes būsime drąsūs, Jis sumindys mūsų priešus.
12Muna Mwari tichaita noumhare, nekuti ndiye achatsikira vadzivisi vedu pasi.