1Antraisiais Darijaus metais, aštuntą mėnesį, Viešpats kalbėjo Zacharijui, Idojo sūnaus Berechijos sūnui, sakydamas:
1Nomwedzi worusere, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,
2“Viešpats buvo labai užsirūstinęs ant jūsų tėvų.
2Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru.
3Todėl sakyk jiems: ‘Taip sako kareivijų Viešpats: ‘Gręžkitės į mane, tai Aš gręšiuosi į jus.
3Naizvozvo chiti kwavari Zvanzi naJehovha wehondo , Dzokerai kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo neni ndichadzokera kwamuri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
4Nebūkite kaip jūsų tėvai, kuriems prieš tai buvę pranašai skelbė: ‘Taip sako kareivijų Viešpats: ‘Nusisukite nuo savo piktų kelių ir darbų!’ Bet jie neklausė ir nekreipė dėmesio,sako Viešpats.
4Regai kuva samadzibaba enyu, nekuti vaporofita vokutanga vakadanidzira kwaari, vachiti, zvanzi naJehovha wehondo, Dzokai, zvino panzira dzenyu dzakaipa napazvakaipa zvenyu zvamunoita; asi havana kunzwa kana kunditeerera, ndizvo zvinotaura Jehovha.
5Jūsų tėvų nebėra ir pranašai negyvena per amžius,
5Madzibaba enyu aripiko? Naivo vaporofita vangararama nokusingaperi here?
6bet mano žodžiai ir nuostatai, kuriuos buvau paskelbęs savo tarnams pranašams, pasivijo jūsų tėvus. Jie sugrįžo ir sakė: ‘Kaip kareivijų Viešpats sumanė mums padaryti pagal mūsų kelius ir darbus, taip Jis ir pasielgė’ ”.
6Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakaraira varanda vangu, ivo vaporofita, hazvina kubata madzibaba enyu here? Ivo vakadzoka, vakati, Jehovha wehondo sezvaakafunga kutiitira, zvakafanira mabasa edu nezvakafanira zvatakaita, ndizvo zvaakatiitira.
7Antraisiais Darijaus metais, vienuolikto mėnesio dvidešimt ketvirtą dieną, Viešpats kalbėjo pranašui Zacharijui, Idojo sūnaus Berechijos sūnui.
7Nezuva ramakumi namana romwedzi wegumi nomumwe, uri mwedzi weShabhati, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,
8Naktį aš regėjau vyrą. Jis sėdėjo ant sarto žirgo, kuris stovėjo tarp mirtų dauboje; už jo buvo sartų, margų ir baltų žirgų.
8Ndakatarira usiku, ndikaona murume akatasva bhiza dzvuku, akamira pakati pemiti yemimirite yaiva mumupata; shure kwake kwakanga kunamabhiza matsvuku namashora namachena.
9Aš paklausiau: “Kas jie, mano viešpatie?” Angelas, kuris kalbėjo su manimi, atsakė: “Aš tau paaiškinsiu”.
9Ipapo ndikati, Nhai, ishe wangu, zvinyiko izvi? Mutumwa akanga achitaurirana neni akati kwandiri, Ndichakuratidza kuti izvi zvinyi.
10Vyras, kuris stovėjo tarp mirtų, tarė: “Viešpats siuntė juos apvaikščioti žemę”.
10Murume akanga amire pakati pemiti yemimirite akapindura, akati, Ava ndivo vakatumwa naJehovha kupota-pota nenyika yose.
11Jie atsakė Viešpaties angelui, stovinčiam tarp mirtų: “Mes apvaikščiojome žemęvisur ramybė ir taika”.
11Ivo vakapindura mutumwa waJehovha akanga amire pakati pemiti yemimirite, vakati, Takapota-pota nenyika yose, wane nyika yose inyerere ichizorora.
12Viešpaties angelas klausė: “Kareivijų Viešpatie, kiek dar laiko nepasigailėsi Jeruzalės ir Judo miestų, prieš kuriuos rūstinaisi septyniasdešimt metų?”
12Ipapo mutumwa waJehovha wakapindura, akati, Aiwa, Jehovha wehondo, mucharamba musinganzwiri nyasha Jerusaremu namaguta aJudha amakatsamwira makore ano ana makumi manomwe kusvikira riniko?
13Viešpats gerais ir paguodžiančiais žodžiais atsakė su manimi kalbančiam angelui.
13Ipapo Jehovha akapindura mutumwa akanga achitaurirana neni, mashoko akanaka anonyaradza.
14Angelas, kuris kalbėjo su manimi, tarė: “Skelbk: ‘Taip sako kareivijų Viešpats: ‘Mano pavydas dėl Jeruzalės ir Siono yra didelis.
14Ipapo mutumwa, akanga achitaurirana neni, akati kwandiri, Danidzira, uti, Zvanzi naJehovha wehondo, ndine godo pamusoro peJerusaremu, godo guru.
15Ir Aš labai supykęs ant tautų, kurios jaučiasi saugios. Kai Aš buvau truputį supykęs, jos padidino jūsų vargus’.
15Ndakatsamwira kwazvo ndudzi dzavanhu dzakazorora, nekuti ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakanyanyisa kuipa.
16Todėl taip sako Viešpats: ‘Aš pasigailėsiu Jeruzalės, mano šventykla bus statoma joje.
16Naizvozvo zvanzi naJehovha, Ndakadzokera Jerusaremu ndine nyasha zhinji; imba yangu ichavakwamo ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo uye rwonzi rwokuyera ruchatambanudzirwa pamusoro peJerusaremu.
17Mano miestai bus perpildyti gėrybių. Viešpats paguos Sioną, vėl išsirinks Jeruzalę’ ”.
17Danidzirazve, uti, Zvanzi naJehovha wehondo, Maguta angu achapa fuma mufarozve, uye Jehovha achangonyaradza Ziyoni, achazvisanangurirazve Jerusaremu.
18Pakėlęs akis, pamačiau: štai buvo keturi ragai!
18Zvino ndakarinzira meso angu ndikatarira, ndikaona nyanga ina.
19Aš klausiau angelą, kuris su manimi kalbėjo: “Ką reiškia šitie ragai?” Jis atsakė: “Šitie ragai išsklaidė Izraelį, Judą ir Jeruzalę”.
19Ipapo ndikati kumutumwa, wakange achitaurirana neni, Zvinyiko izvi? Akandipindura, akati, Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha naIsiraeri neJerusaremu.
20Po to Viešpats parodė man keturis kalvius.
20Jehovha akandiratidza vapfuri vana.
21Aš klausiau: “Ką šitie darys?” Jis atsakė: “Ragai išsklaidė Judą taip, kad niekas nebegalėjo pakelti galvos. O šitie atėjo numušti ragus toms tautoms, kurios pakėlė ragus prieš Judo žemę, kad ją išsklaidytų”.
21Ipapo ndikati, Ava vauya kuzobateiko? Iye akataura, akati, Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha, kusvikira kusino munhu akasimudza musoro wake; asi ava vauya kuzovatyisa, kuwisira pasi nyanga dzendudzi dzavanhu dzakasimudzira nyika yaJudha runyanga rwavo vachida kuvaparadzira.