Lithuanian

Shona

Zechariah

5

1Aš pakėliau akis ir regėjau skrendantį raštų ritinį.
1Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona rugwaro rwakapetwa ruchibhururuka.
2Angelas klausė: “Ką matai?” Aš atsakiau: “Matau skrendantį ritinį dvidešimties uolekčių ilgio ir dešimties pločio”.
2Akati kwandiri, Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, Ndinoona rugwaro rwakapetwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, novupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.
3Angelas aiškino: “Tai prakeikimas, einantis per visą žemę. Kiekvienas vagis ir melagingai prisiekiantis bus teisiamas pagal tai, kaip ten parašyta.
3Ipapo akati kwandiri, Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nekuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo, uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo.
4‘Aš jį pasiunčiau,­sako kareivijų Viešpats,­į vagies namus ir į melagingai prisiekiančio mano vardu namus, kad juos sunaikintų iš pamatų’ ”.
4Ndichabudisa kutuka ikoko ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kupinde mumba moanoba nomumba moanopika nhema nezita rangu; kuchagara pakati peimba yake, kuchiipedza iyo pamwechete namatanda ayo nemabwe ayo.
5Po to angelas, kuris kalbėjo su manimi, išėjo priekin ir man tarė: “Pakelk savo akis ir pažiūrėk, ką matai”.
5Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akabuda, akati kwandiri, Chirinzira meso ako zvino, uone chinobudapo.
6Aš klausiau: “Kas tai yra?” Angelas atsakė: “Tai indas, kuris vaizduoja viso krašto nuodėmę”.
6Ini ndikati, Chinyiko? Iye akati, Ndiyo efa inobudapo. Akatizve, Ndizvo zvavakaita panyika yose;
7Švininis dangtis pakilo, ir štai inde sėdėjo moteris.
7(zvino ndikaona tarenda* romutobvu ruchisimudzwa); ndikaona mukadzi agere mukati meefa.
8Angelas tarė: “Tai nedorybė”. Jis ją įstūmė atgal į indą ir uždengė.
8Akati, Uyu ndiye Zvakashata; akamuwisira pasi mukati meefa, akakandira mutobvu unorema pamusoro pomuromo wayo.
9Pakėlęs akis, pamačiau dvi moteris. Vėjas buvo jų sparnuose, kurie buvo panašūs į gandro sparnus. Jos pakėlė indą aukštyn.
9Ipapo ndakarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona vakadzi vaviri vachibuda, mhepo iri mumapapiro avo; zvino vakanga vanamapapiro akafanana namapapiro ezimudo; ivo vakasimudza efa, ikava pakati penyika nedenga.
10Aš klausiau angelo: “Kur jos neša indą?”
10Ipapo ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, Vanondoisepiko efa?
11Jis atsakė: “Šinaro krašte jam bus pastatyti namai. Ten jis bus padėtas ant savo pamato”.
11Iye akati kwandiri, Kundoivakira imba panyika yeShinari; kana yapera achandoiswapo panzvimbo yayo.