Lithuanian

Shona

Zephaniah

1

1Viešpaties žodis buvo suteiktas Sofonijui, sūnui Kušio, sūnaus Gedelijos, sūnaus Amarijos, sūnaus Ezekijo, viešpataujant Judo karaliui Jozijui, Amono sūnui.
1Shoko raJehovha, rakasvika kuna Zefaniya, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedharia, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, namazuva aJosiya, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha.
2“Aš pašalinsiu visa nuo žemės paviršiaus,­sako Viešpats,­
2Ndichaparadza chose zvinhu zvose zviri pasi pose ndizvo zvinotaura Jehovha.
3pašalinsiu žmones, gyvulius, padangių paukščius, jūros žuvis, suklupimo akmenis ir nedorėlius.
3Ndichaparadza vanhu nezvipfuwo; ndichaparadza shiri dzokudenga, nehove dzegungwa, nezvigumbuso pamwechete navakaipa; ndichabvisa vanhu pasi pose ndizvo zvinotaura Jehovha.
4Aš pakelsiu savo ranką prieš Judą ir Jeruzalės gyventojus, išnaikinsiu Baalio likučius ir kartu su juo stabų kunigus;
4Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusaremu; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwechete navapristi;
5ir tuos, kurie ant stogų garbina dangaus kareiviją, ir tuos, kurie, garbindami Viešpatį, prisiekia Melechu,
5navanonamata hondo dzokudenga pamatenga edzimba, navanamati, vanopika naJehovha vachipikawo naMarikami;
6ir tuos, kurie, nusisukę nuo Viešpaties, neieško Jo, net nesiteirauja apie Jį”.
6navakadzoka pakutevera Jehovha, navasina kutsvaka Jehovha kana kumubvunza.
7Nutilkite Viešpaties akivaizdoje. Viešpaties diena arti. Viešpats paruošė auką, pakvietė svečius.
7Nyararai pamberi paIshe Jehovha, nekuti zuva raJehovha rava pedo; vakakokwa naye wakavaita vatsvene.
8“Aukojimo dieną Aš nubausiu kunigaikščius, karaliaus vaikus ir visus, kurie dėvi svetimšalių drabužius.
8Zvino nezuva rechibayiro chaJehovha ndicharova machinda navanakomana vamambo, navose vakapfeka nguvo dzavatorwa.
9Tą dieną nubausiu visus, kurie šoka per slenkstį, smurtu ir apgaule pripildo savo valdovo namus.
9Nezuva iro ndicharova vose vanodarika chikumbaridzo, vanozadza imba yatenzi wavo nokupambara nokunyengera.
10Tą dieną,­sako Viešpats,­pagalbos šauksmas sklis nuo Žuvų vartų, raudojimas iš antrojo kvartalo ir baisus klyksmas nuo kalvų!
10Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuchanzwika mhere inobva pasuwo rehove, nokuchema kunobva kurutivi rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kunobva kumakomo ,
11Raudokite, apsuptieji, nes sunaikinti visi prekybininkai, pražuvo sidabro keitėjai.
11Chemai imwi mugere Makiteshi; nekuti vanhu vose veKanani vapera, vose vakanga vakafuma sirivha vabviswa.
12Aš su žibintais ieškosiu po Jeruzalę ir nubausiu tuos, kurie sėdi ant savo mielių, o širdyje mano: ‘Viešpats nedarys nei gera, nei pikta’.
12Zvino nenguva iyo ndichanzvera Jerusaremu nemwenje; ndicharova varume vagere pamasese avo, vanoti mumwoyo yavo, Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa.
13Jų turtas bus išplėštas ir namai liks tušti. Jie pasistatys namus, bet negyvens juose, užveis vynuogynų, bet negers jų vyno.
13fuma yavo ichaitwa zvakapambwa, nedzimba dzavo matongo; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, asi havangagarimo; vachasima minda yemizarnbiringa, asi havangamwi waini yayo.
14Viešpaties didžioji diena skubiai artėja. Jau girdimas Viešpaties dienos balsas. Tada graudžiai verks net karžygiai!
14Zuva guru raJehovha rava pedo, rava pedo, rinokurumidza kwazvo, iro inzwi rezuva raJehovha; mhare inochemapo zvikuru kwazvo.
15Ta diena­rūstybės diena, diena vargo ir suspaudimo, diena nelaimės ir sunaikinimo, diena tamsos ir sutemų, diena debesų ir miglos,
15Zuva iro izuva rokutsamwa, zuva rokutambudzika nokumanikidzwa, zuva rokurashwa nokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva ramakore nerezarima guru,
16diena trimito ir kovos šauksmo prieš sutvirtintus miestus ir aukštus bokštus.
16zuva rehwamanda neremhere, zvinoridzirwa maguta akakomberedzwa namasvingo neshongwe dzakakwirira.
17Aš varginsiu žmones, jie vaikščios kaip akli, nes nusidėjo Viešpačiui, jų kraujas bus pralietas kaip dulkės, jų kūnai bus išmesti kaip mėšlas”.
17Ndichauyisira vanhu kumanikidzwa, kuti vafambe samapofu, nekuti vakatadzira Jehovha; ropa ravo richadururwa seguruva, nenyama yavo sendove.
18Nei sidabras, nei auksas neišgelbės jų Viešpaties rūstybės dieną, Jo pavydas lyg ugnis sunaikins visą kraštą ir jo gyventojus.
18Sirivha yavo kunyange ndarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; asi nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rake; nekuti achapedza, zvirokwazvo achapedza zvinotyisa, vose vagere panyika.