Shona

聖經新譯本

1 Chronicles

14

1Zvino Hirami mambo weTiro akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda emisidhari, navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba.
1推羅王助大衛建造宮殿(撒下5:11~12)推羅王希蘭派使者來見大衛,給他送上香柏木、石匠和木匠,要為他建造宮殿。
2Dhavhidhi akaona kuti Jehovha akamusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri, nekuti ushe hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Isiraeri.
2那時,大衛知道耶和華已經堅立他作王統治以色列,又為了以色列民的緣故,使他的國高舉。
3Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi paJerusaremu, Dhavhidhi akabereka vamwe vanakomana navanasikana.
3大衛在耶路撒冷所生的兒子(撒下5:13~16)大衛在耶路撒冷又娶了多位妻子,並且生了很多兒女。
4Zvino ndiwo mazita avana vaakanga anavo paJerusaremu: Shamua, naShobhabhi, naNatani, naSoromoni;
4以下這些就是他在耶路撒冷所生的孩子的名字:沙母亞、朔罷、拿單、所羅門、
5naIbhari, naErishua, naEripereti;
5益轄、以利書亞、以法列、
6naNoga, naNefegi, naJafia;
6挪迦、尼斐、雅非亞、
7naErishama, naBheriyadha, naErifereti.
7以利沙瑪、以利雅大和以利法列。
8Zvino vaFirisitia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri vose, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akabuda kuzorwa navo.
8大衛兩次戰勝非利士人(撒下5:17~25)非利士人聽見了大衛受膏作王統治以色列人,就全體上來搜尋大衛;大衛聽見了,就出來迎擊他們。
9Zvino vaFirisitia vakanga vasvika, vakapararira pamupata weRefaimu.
9非利士人來到,侵進了利乏音谷。
10Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here? Jehovha akati kuna Dhavhidhi, Kwira, nekuti ndichavaisa mumaoko ako.
10大衛求問 神說:“我可以上去攻打非利士人嗎?你把他們交在我手裡嗎?”耶和華對他說:“你可以上去,我必把他們交在你的手裡。”
11Vakasvika paBhaariperazimi, Dhavhidhi akavaparadzapo; Dhavhidhi akati, Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu, sokupwanya kwemvura. Naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Bhaariperazimi.
11非利士人上到巴力.毗拉心來,大衛在那裡擊敗了他們。大衛說:“ 神藉著我擊潰我的敵人,好像水沖破堤岸一般。”因此他們給那地方起名叫巴力.毗拉心。
12VaFirisitia vakasiya vamwari vavopo, Dhavhidhi akaraira, vakavapisa nomoto.
12非利士人把他們的神像遺棄在那裡,大衛吩咐人用火把它們燒了。
13VaFirisitia vakapararirazve pamupata uyo.
13非利士人又再入侵那山谷。
14Ipapo Dhavhidhi akabvunza Mwari zve; Mwari akati kwaari, Usandovatevera; tsauka ubve kwavari, ugovavamba pakatarisana nemiti yemibharisami.
14大衛又求問 神, 神對他說:“不可在後面追趕他們,要繞過他們,從桑林對面攻打他們。
15Zvino kana uchinzwa kutinhira kokufamba pamisoro yemiti yemibharisami, ipapo unofanira kundorwa; nekuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia.
15你一聽見桑林樹梢上有腳步的聲音,就要出戰,因為 神已經在你前面出去擊殺非利士人的軍隊了。”
16Dhavhidhi akaita sezvakarairwa naMwari; vakaparadza hondo yavaFirisitia kubva paGibhiyoni kusvikira paGezeri.
16於是大衛照著 神所吩咐他的去作,他們攻擊非利士人的軍隊,從基遍起,一直攻打到基色。
17Mbiri yaDhavhidhi ikabudira kunyika dzose; Jehovha akavhundusa marudzi ose pamusoro pake.
17因此大衛的名聲傳遍各地,耶和華使萬國都懼怕他。