Shona

聖經新譯本

1 Chronicles

17

1Zvino Dhavhidhi akati agere mumba make, Dhavhidhi akati kumuporofita Natani, Tarira, ini ndigere muimba yomusidhari, asi areka yesungano yaJehovha igere pasi petende.
1大衛有意為耶和華建殿(撒下7:1~17)大衛住在自己宮中的時候,他對拿單先知說:“看哪,我住在香柏木做的王宮,耶和華的約櫃卻在帳幕裡。”
2Natani akati kuna Dhavhidhi, Itai henyu zvose zviri mumoyo menyu, nekuti Mwari anemi.
2拿單對大衛說:“你可以照你的心意去作,因為 神與你同在。”
3Zvino nousiku uhwo shoko raMwari rakasvika kuna Natani, richiti,
3當夜, 神的話臨到拿單,說:
4Enda unoudza Dhavhidhi muranda wangu, uti, Iwe haungandivakiri imba mandingagara,
4“你去對我的僕人大衛說:‘耶和華這樣說:你不可建殿給我居住。
5nekuti handina kugara mumba kubva pazuva randakandotora vaIsiraeri, kusvikira zuva ranhasi; asi ndakabva patende rimwe ndichienda kune rimwe, napatabhenakeri imwe ndichienda kune imwe.
5因為自從我領以色列人上來那天起,直到今日,我都未曾住過殿宇,只是從這帳幕到那帳幕,從這帳棚到那帳棚。
6Pose pandakafamba navaIsiraeri vose, ndakatongotaura here shoko rimwe kune mumwe wavatongi vaIsiraeri vose, vandakaraira kufudza vanhu vangu, ndichiti Makaregereiko kundivakira imba yomusidhari?
6我和以色列眾人,無論走到甚麼地方,從沒有向以色列的一個士師,就是我所吩咐牧養我的子民的,說:你們為甚麼不給我建造香柏木的殿宇呢?’
7Naizvozvo zvino, unofanira kuti kumuranda wangu Dhavhidhi, Zvanzi naJehovha wehondo, Ndakakutora kumafuro, kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mubati wavanhu vangu vaIsiraeri;
7現在你要對我的僕人大衛說:‘萬軍之耶和華這樣說:我把你從羊圈中選召出來,使你不再跟隨羊群,使你作領袖管治我的子民以色列。
8ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita ringafanana namazita avakuru vari panyika.
8無論你到哪裡去,我總與你同在;在你面前消滅你所有的仇敵;我必使你獲得名聲,好像世上偉人的名聲一樣。
9Ndichagadzirira vanhu vangu valsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavaparadzizve sapakutanga,
9我要為我的子民以色列人選定一個地方,栽培他們,使他們住在自己的地方,不再受攪擾,也不再像從前被惡徒苦害他們,
10nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu valsiraeri; uye ndichakunda vavengi vako vose. Uye ndinokuudza kuti Jehovha achakumisira imba.
10好像我吩咐士師統治我的子民以色列人的日子一樣。我必制伏你所有的仇敵,並且我告訴你,耶和華必為你建立家室。
11Zvino kana nguva yako yasvika, yaunofanira kuenda nayo kunamadzibaba ako, ndichamutsa mumwe worudzi rwako ruchakutevera, uchava mumwe wavanakomana vako; ndichasimbisa ushe hwake.
11你的壽數滿足,歸你列祖那裡的時候,我必興起你的後裔接替你,他是你的眾子中的一位;我必堅立他的國。
12Iye achandivakira imba, neni ndichasimbisa chigaro chake choushe nokusingaperi.
12他要為我建造殿宇,我必堅立他的王位,直到永遠。
13Ini ndichava baba vake, naiye achava mwanakomana wangu; handingabvisi nyasha dzangu kwaari, sezvandakadzibvisa kuna iye wakakutangira;
13我要作他的父親,他要作我的兒子;我的慈愛必不離開他,像離開在你以前的那位一樣;
14asi ndichamugarisa mumba mangu nomuushe hwangu nokusingaperi; chigaro chake choushe chichasimbiswa nokusingaperi.
14我卻要把他堅立在我的家裡和我的國裡,直到永遠;他的王位必永遠堅立。’”
15Natani akaudza Dhavhidhi mashoko awa ose, nezvose zvaakaratidzwa.
15拿單就按著這一切話和他所見的一切,告訴了大衛。
16Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chinyiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?
16大衛的禱告與稱頌(撒下7:18~29)於是大衛王進去,坐在耶和華面前,說:“耶和華 神啊,我是甚麼人?我的家算甚麼,你竟帶領我到這個地步?
17Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Mwari, asi makataura pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya, mukandiitira sezvinoitirwa munhu anokudzwa kwazvo, Jehovha Mwari.
17 神啊,這在你眼中看為小事,你對你僕人的家的未來發出應許!耶和華 神啊,你看我好像一個高貴的人。
18Dhavhidhi angareveikozve kwamuri pamusoro pokukudzwa komuranda wenyu? nekuti munoziva muranda wenyu.
18你把榮耀加在你僕人身上,我還有甚麼話可以對你說呢?你認識你的僕人。
19Jehovha makaita izvi zvikuru zvose nokuda komuranda wenyu, uye nokuda komoyo wenyu, kuti muzivise zvinhu izvi zvose zvikuru.
19耶和華啊,為了你僕人的緣故,也是按著你的心意,你行了這一切大事,為要使人知道這一切大事。
20Jehovha, hakuna mumwe akafanana nemi, hakuna mumwe Mwari asi imwi moga, sezvatakanzwa zvose nenzeve dzedu.
20耶和華啊,照著我們耳中所聽見的,沒有誰能與你相比;除你以外,再沒有別的神。
21Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikunurwa naMwari, vave vanhu vake, kuti muzviitire zita, nezviito zvikuru nezvinotyisa, zvamakadzinga ndudzi pamberi pavanhu venyu, vamakadzikunura paEgipita?
21世上有哪一個國能比得上你的子民以色列呢? 神親自把他們救贖出來,作自己的子民,又在你從埃及所救贖出來的子民面前驅逐列國,以大而可畏的事建立自己的名。
22Nekuti vanhu venyu vaIsiraeri makavaita vanhu venyu pauzima nokusingaperi; imwi Jehovha mukava Mwari wavo.
22你使你的子民以色列永遠作你的子民;耶和華啊,你也作了他們的 神。
23Zvino Jehovha shoko ramakataura pamusoro pomuranda wenyu napamusoro peimba yake ngarisimbiswe nokusingaperi, muite sezvamakataura.
23耶和華啊,現在求你永遠堅立你應許你僕人和他的家的話,照著你所說的實行吧。
24Uye zita renyu ngarisimbiswe nokukudzwa nokusingaperi, zvichinzi, Jehovha wehondo ndiye Mwari waIsiraeri; ndiye Mwari kuna Isiraeri; imba yaDhavhidhi muranda wenyu ichamiswa pamberi penyu.
24願你的名永遠堅立、尊大,以致人人都說:‘萬軍之耶和華以色列的 神,實在是以色列人的 神。’這樣,你僕人大衛的家就在你面前得到堅立了。
25Nekuti imi, Mwari wangu, makazivisa muranda wenyu kuti muchamumisira imba; saka muranda wenyu akatsunga kunyengetera pamberi penyu.
25我的 神啊,因為你啟示了你的僕人,要你的僕人為你建造殿宇,所以你僕人才敢在你面前這樣禱告。
26Zvino Jehovha, ndimi Mwari, makapikira muranda wenyu chinhu ichi;
26耶和華啊,唯有你是 神,你曾應許把這福氣賜給你的僕人;
27zvino makafara nazvo kuropafadza imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi; nekuti imwi Jehovha makairopafadza zvino icharopafadzwa nokusingaperi.
27現在請你賜福你僕人的家,使它在你面前永遠存留。耶和華啊,因為你已經賜福了你僕人的家,它必永遠蒙福。”