1Zvino Dhavhidhi akaunganidza paJerusaremu machinda ose aIsiraeri, machinda amarudzi, navakuru vamapoka aibatira mambo vachiita mapoka, navakuru vezviuru, navakuru vamazana, navatariri venhumbi dzose nefuma yose yamambo navanakomana vake, pamwechete navaranda navane simba, varume vose voumhare.
1大衛宣告建殿的心意大衛把以色列的眾領袖:各支派的領袖、輪班服事王的領袖、千夫長、百夫長、掌管王和王子們一切財產與牲畜的領袖,以及太監、顯貴和所有英勇的戰士,都召集到耶路撒冷來。
2Ipapo mambo Dhavhidhi akasimuka, akamira namakumbo ake, akati, Chindinzwai hama dzangu, navanhu vangu! Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumoyo mangu ndichavakira areka yesungano yaJehovha nechitsiko chaMwari wedu imba yokuzorora; zvino ndakanga ndagadzira zvose zvokuvaka nazvo.
2大衛王站起來,說:“我的兄弟,我的人民哪,你們要聽我的話;我心裡有意要建造一所安放耶和華的約櫃的殿宇,作我們的 神的腳凳,並且我已經準備好要建造。
3Asi Mwari akati kwandiri, Iwe haufaniri kuvakira zita rangu imba, nekuti uri munhu wokurwa, wakateura ropa.
3可是 神對我說:‘你不可為我的名建造殿宇,因為你是個戰士,曾殺人流血。’
4Asi Jehovha, Mwari waIsiraeri, akanditsaura paimba yose yababa vangu kuti ndive mambo waIsiraeri nokusingaperi; nekuti akatsaura Judha kuti ave mutungamiriri; paimba yaJudha akatsaura imba yababa vangu akandifarira ini, akandiita mambo wavaIsiraeri vose.
4然而耶和華以色列的 神,在我父的全家揀選了我作以色列人的王,直到永遠;因為他揀選了猶大作領袖;在猶大家中揀選了我的父家;在我父親的眾子中,他喜悅我,立我作全以色列的王;
5Zvino pakati pavanakomana vangu vose nekuti Jehovha akandipa vanakomana vazhinji akatsaura mwanakomana wangu Soromoni, kuti agare pachigaro choushe chaJehovha muna Isiraeri.
5在我的眾子中(因為耶和華賜給我許多兒子),他揀選了我的兒子所羅門,坐耶和華的國位,統治以色列。
6Akati kwandiri,Soromoni mwanakomana wako ndiye uchavaka imba yangu nevazhe dzangu; nekuti ndakamutsaura kuti ave mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake.
6耶和華對我說:‘你的兒子所羅門要建造我的殿宇和庭院;因為我已經揀選他作我的兒子,我也要作他的父親。
7Ndichasimbisa ushe hwake nokusingaperi, kana iye achitsungirira kuita zvandakaraira nezvandakatonga, sezvaanoita nhasi.
7如果他堅心遵行我的誡命和典章,像今日一樣,我必堅立他的國,直到永遠。’
8Naizvozvo zvino, pamberi pavaIsiraeri vose, neungano yose yaJehovha, Mwari wedu achizvinzwa, chengetai nokutsvaka mirairo yose yaJehovha Mwari wenyu; kuti nyika ino yakanaka ive yenyu, mugoisiira vana venyu vanokuteverai, ive nhaka yavo nokusingaperi.
8所以現今在耶和華的會眾,全體以色列人面前,我們的 神也在垂聽,你們務要謹守和尋求耶和華你們 神的一切誡命,使你們可以承受那美地,並且遺留給你們以後的子孫,永遠作為產業。
9Zvino iwe Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nekuti Jehovha anonzvera moyo yose, anonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo kana ukamutsvaka, iye achawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye achakurasha nokusingaperi.
9“至於你,我兒所羅門哪,你要認識耶和華你父親的 神,一心樂意事奉他,因為耶和華鑒察萬人的心,知道人的一切心思意念。你若是尋求他,就必尋見;你若是離棄他,他必永遠丟棄你。
10Zvino chenjera, nekuti Jehovha akakutsaura, kuti uvake imba ive nzvimbo tsvene; chiva nesimba, uzviite.
10現在你當謹慎,因為耶和華揀選了你建造殿宇,作為聖所;你要勇敢地去作。”
11Ipapo Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni mufananidzo weberere retemberi, nedzimba dzaro, nezvivigiro zvefuma yaro, namakamuri aro okumusoro, namakamuri aro omukati, neimba yechifunhiro chokuyananisa;
11大衛指示所羅門聖殿的設計大衛把殿的走廊、房屋、庫房、閣樓、內殿和安放施恩座的聖所的圖樣,都交給他的兒子所羅門;
12nemifananidzo yezvose yakanga iri mumweya wake, yevazhe dzeimba yaJehovha, neyamakamuri ose anokomberedza, neyezvivigiro zvefuma yeimba yaMwari, neyezvivigiro zvefuma yenhumbi dzakatsaurwa;
12又把他心中所想的圖樣,就是耶和華殿的院子、四周所有的房屋、 神殿裡的庫房和聖物庫房的圖樣,都指示了他;
13neyamapoka avapristi navaRevhi, neyamabasa ose eimba yaJehovha, neyenhumbi dzose dzokubata nadzo paimba yaJehovha;
13又把祭司和利未人的班次,耶和華殿裡各樣的職事和耶和華殿裡一切需用的器皿,都指示了他;
14neyendarama, kurema kwayo, yokuumba nayo nhumbi dzendarama, nhumbi dzose dzamarudzi ose amabasa; neyesirivha, kurema kwayo, yokuumba nayo nhumbi dzose dzesirivha, nhumbi dzose dzamarudzi ose amabasa;
14大衛又指示了他用多少金子做各樣需用的金器;用多少銀子做各樣需用的銀器;
15nokuremawo kwendarama yokuumba nayo zvigadziko zvendarama, nemwenje yazvo, kurema kwechigadziko chimwe nechimwe nemimwe yacho; nesirivha, kurema kwayo, yokuumba nayo zvigadziko zvendarama ,nemwenje yazvo kurema kwechigadziko chimwe nechimwe nemwenje yacho, sezvakakwanira basa rechigadziko chimwe nechimwe;
15用多少金子做金燈臺和臺上的金燈;用多少金子做每盞金燈臺和臺上的金燈;用多少銀子做銀燈臺和臺上的銀燈。每盞銀燈臺和臺上的銀燈用多少銀子,都按照每盞燈臺的用途;
16nendarama, kurema kwayo, yokuumba nayo tafura dzezvingwa zvokuratidza, yetafura imwe neimwe; nesirivha yetafura dzesirivha;
16用多少金子做陳設餅的桌子;用多少銀子做銀桌子;
17nezvikokovonho zvendarama yakaisvonaka; nemidziyo yendarama, kurema komudziyo mumwe nomumwe; nemidziyo yesirivha, kurema komudziyo mumwe nomumwe;
17用多少純金做叉、盤和壺;用多少金子做各種金碗,每隻碗重量多少;用多少銀子做各種銀碗,每隻碗重量多少;
18nokurema kwendarama yakanatswa yearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira; nendarama yomufananidzo wengoro, wamakerubhi akatambanudza mapapiro awo, achifukidza areka yesungano yaJehovha.
18用多少精金做香壇;又用金子做基路伯,像車的樣子;基路伯展開翅膀,遮蓋著耶和華的約櫃。
19Izvi zvose, ndizvo zvakataura Dhavhidhi, ndakazviziviswa zvakanyorwa noruoko rwaJehovha, iwo mabasa ose omufananidzo uyu.
19大衛說:“以上這一切,就是一切工作的樣式,都是耶和華用手寫給我,使我明白的。”
20Zvino Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, Simba, utsunge moyo, uzviite; usatya kana kuvunduswa, nekuti Jehovha Mwari, iye Mwari wangu, anewe; haangakuregi, kana kukusiya, kusvikira mabasa ose okushumira nawo paimba yaJehovha apedzwa.
20繼續訓勉所羅門大衛又對他的兒子所羅門說:“你要堅強勇敢地去作,不要懼怕,也不要驚惶,因為耶和華 神,就是我的 神,與你同在;他必不撇下你,也不丟棄你,直到耶和華殿的一切工作都完成。
21Zvino tarira, ndiwo mapoka avapristi navaRevhi, vangabata mabasa ose eimba yaMwari; uyezve pamabasa ose uchava nemhizha dzose dzinoda kubata nomoyo wadzo mabasa amarudzi ose; navakuru navanhu vose vachateerera chose mirairo yako.
21你看,有祭司和利未人的各班次,辦理 神殿裡的一切事務;又有各種的巧匠,在各樣的工作上,樂意幫助你,並且眾領袖和所有的人民,都聽從你的一切命令。”