Shona

聖經新譯本

1 Corinthians

16

1Zvino, maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira kereke dzeGaratia, imwiwo itai seizvozvo.
1捐錢給聖徒的事關於捐獻給聖徒的事,從前我怎樣吩咐加拉太的眾教會,你們也要照著去行。
2nemusi wekutanga woga woga wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika.
2每逢七日的第一日,你們各人要按著自己的收入抽一些出來留著,免得我來的時候才現湊。
3Uye kana ndasvika, chero vamunotenda ndichavatuma netsamba, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusaremu.
3我來到之後,你們選中了甚麼人,我就派他們帶著書信,把你們的捐款送到耶路撒冷去。
4Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni.
4如果我也應該去,他們就可以和我一同去。
5Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nekuti ndinogura neMakedhonia;
5保羅的行程我現在正要路過馬其頓。過了馬其頓,我就會到你們那裡去。
6uye zvimwe ndichagara nemwi, kunyange kupedza chando, kuti mugondiperekedza parwendo rwangu pose pandinoenda.
6我也許會和你們同住一些時候,甚至和你們一同過冬;這樣,我無論要到哪裡去,你們都可以給我送行。
7Nekuti handishuvi kukuonai zvino ndiri parwendo; nekuti ndinovimba ndichambozogara nemwi, kana Ishe achinditendera.
7我不願意只是順路見見你們,主若許可,我盼望和你們同住一個時期。
8Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita*.
8不過我要在以弗所住到五旬節,
9Nekuti ndazarurirwa mukova mukuru unobudirira; navapikisi vazhinji varipo.
9因為這裡有又寬大又有果效的門為我開了,同時反對的人也很多。
10Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti unemwi asingatyi; nekuti unobata basa raIshe seniwo.
10如果提摩太來了,你們務要使他在你們那裡不會懼怕,因為他像我一樣是作主的工作的。
11Naizvozvo ngakurege kuva nemunhu unomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nekuti ndakamutarisira pamwe nehama.
11所以,誰也不要小看他。你們要送他平平安安地前行,使他到我這裡來,因為我正在等著他和弟兄們一同來。
12Zvino maererano naAporo hama yedu, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi chishuwo chake chakange chisiri chekuuya kwamuri ikozvino, asi uchauya hake kana awana nguva yakafanira.
12至於亞波羅弟兄,我曾再三勸他要和弟兄們一同到你們那裡去;但他不願意現在就去,機會到了,他是會去的。
13Rindai, mirai nesimba murutendo, itai sevarume, musimbe.
13勸勉和問安你們要警醒,要在信仰上站立得穩,要作大丈夫,要剛強。
14Zvinhu zvenyu zvose ngazviitwe nerudo.
14你們所作的一切,都要憑愛心去作。
15Ndinokukumbirisai hama, munoziva mhuri yaSitefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene;
15弟兄們,你們知道司提反一家人是亞該亞初結的果子,他們專心地服事聖徒。
16kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vose vanotibatsira nevanoshingaira.
16我勸你們要順服這樣的人,和所有與他們一同工作一同勞苦的人。
17Ndinofara nekuuya kwaSitefana naFochunato, naAkaiako, nekuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu.
17司提反、福徒拿都和亞該古都來了,所以我很快樂,因為他們補上了你們的不足,
18Nekuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo gamuchirai vakadaro.
18使我和你們的心都得著暢快。這樣的人你們要敬重他們。
19Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo.
19亞西亞的眾教會都問候你們。亞居拉和百基拉,以及他們家裡的教會在主裡再三問候你們。
20Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
20所有的弟兄都問候你們。你們要用聖潔的親嘴彼此問安。
21Ndiko kukwazisa kwangu Pauro, neruoko rwangu.
21我保羅親筆問候你們。
22Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave rushambwa. Uyai Ishe!
22如果有人不愛主,他就該受咒詛。主啊,願你來!
23Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.
23願主耶穌基督的恩惠與你們同在。
24Rudo rwangu ngaruve nemwi mose muna Kristu Jesu. Ameni.
24我的愛在基督耶穌裡也與你們同在。(有古卷加“阿們”。)