1Munhu ngaatirangarire sezvizvi, sevaranda vaKristu, nevachengetedzi vezvakavanzika zvaMwari.
1基督的使徒遭人輕視這樣,人應該把我們看作基督的僕人, 神奧祕的事的管家。
2Pamusoro pazvo zvinotarisirwa kuti pavatariri, kuti munhu awanikwe akatendeka.
2對於管家的要求,就是要他忠心。
3Asi kwandiri chinhu chiduku-duku kuti nditongwe nemwi, kana nekutonga kwemunhu; asi neni handizvitongi.
3我被你們論斷,或被人間法庭審判,我都認為是極小的事,連我自己也不論斷自己。
4Nekuti handirangariri chinhu kwandiri, zvakadaro handiruramiswi neizvozvo; Asi unonditonga ndiIshe.
4我雖然問心無愧,卻不能因此自以為義,因為判斷我的是主。
5Naizvozvo regai kutonga chinhu nguva isati yasvika, kusvikira Ishe auya, iye zvose uchabudisa pachena zvinhu zvakavanzika zverima, uye ucharatidza mazano emoyo; uye ipapo munhu umwe neumwe ucharumbidzwa naMwari.
5所以時候還沒有到,你們不要批評,直等到主來;他要照出黑暗中的隱情,顯明人心裡的動機。那時,各人要從 神那裡得著稱讚。
6Zvino zvinhu izvi, hama, ndinozvifananidzira neni naAporo nekuda kwenyu, kuti mudzidze kwatiri kuti musafunga kupfuura izvo zvakanyorwa, kuti umwe arege kuzvikudza achitsaura umwe kune umwe.
6弟兄們,我為你們的緣故,拿了這些事來比擬自己和亞波羅,讓你們在我們身上學到的,不會超過聖經所記的,免得你們中間有人自高自大,看重這個輕視那個。
7Nekuti ndiani wakaita kuti musiyane? Uye chii chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzirei seusina kupiwa?
7使你與人不同的是誰呢?你有甚麼不是領受的呢?既然是領受的,為甚麼要自誇,好像不是領受的呢?
8Matoguta, matofuma, matotonga kunze kwedu; ndinodawo kuti mutonge, kuti isuwo titonge pamwe nemwi.
8你們已經滿足了,已經豐富了,不需要我們,自己作王了。我恨不得你們真的作了王,讓我們也可以跟你們一同作王!
9Nekuti ndinofunga kuti Mwari wakatigadza isu vaapositori vekupedzisira, sevakatemerwa rufu; nekuti takaitwa chivokero kunyika, nekuvatumwa nekuvanhu.
9我想 神是把我們作使徒的列在最後,好像定了死刑的人,因為我們成了一臺戲給宇宙觀看,就是給天使和世人觀看!
10Isu tiri mapenzi nekuda kwaKristu, asi imwi makachenjera muna Kristu; isu tine utera, asi imwi makasimba; imwi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa.
10我們為基督的緣故,成了愚笨的;你們在基督裡,倒成了聰明的。我們軟弱,你們倒強壯;你們受人尊敬,我們倒被輕視。
11Kunyange kusvikira nguva ino tine nzara, uye tine nyota, takashama, tinorohwa netsiva, uye tiri vambeyi;
11直到現在,我們還是又飢又渴,衣不蔽體,又挨打,又沒有棲身的地方,
12tinochama, tichishanda nemaoko edu; kana tichinyombwa tinoropafadza, kana tichishushwa tinotsunga moyo;
12並且勞苦,親手作工。被人咒罵,我們就祝福;遭受迫害,我們就忍受;
13kana tichinyeyewa tinonyengerera; tinoitwa setsvina yenyika, marara ezvinhu zvose, kusvikira zvino.
13被人毀謗,我們卻好好地勸導;直到現在,人還是把我們當作世上的垃圾,萬物的渣滓。
14Handinyoreri zvinhu izvi kuti ndikunyadzisei, asi savana vangu vanodikamwa ndinokunyeverai.
14我寫這些話,不是要叫你們羞愧,而是把你們當作我親愛的兒女一樣勸戒你們。
15Nekuti kunyange mune vadzidzisi zvuru gumi muna Kristu, zvakadaro hamuna madzibaba mazhinji; nekuti muna Kristu Jesu ini ndakakuberekai kubudikidza neevhangeri.
15縱然你們在基督裡有上萬的啟蒙教師,可是父親卻不多,因為是我在基督耶穌裡藉著福音生了你們。
16Naizvozvo ndinokukumbirisai: Ivai vatevedzeri vangu.
16所以我勸你們要效法我。
17Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, unova mwana wangu unodikamwa, uye wakatendeka muna Ishe; iye uchakuyeuchidzai mitoo yangu iri muna Kristu, sezvandinodzidzisa kose pakereke dzose.
17因此,我打發提摩太到你們那裡去。他是我在主裡親愛又忠心的兒子,他要提醒你們我在基督裡是怎樣行事為人,正如我在各處教會中所教導的一樣。
18Zvino vamwe vanozvikudza sezvinonzi handingauyi kwamuri.
18有人以為我不會到你們那裡去,就自高自大。
19Asi ndichauya kwamuri nekukurumidza, kana Ishe achida, uye ndichaziva, kwete shoko revanozvikudza, asi simba.
19然而主若願意,我很快就要到你們那裡去;到時我要知道的,不是那些自高自大的人所講的,而是他們的能力。
20Nekuti ushe hwaMwari hahwuzi pashoko asi pasimba.
20因為 神的國不在乎言語,而在乎權能。
21Munodei? Ndiuye kwamuri netsvimbo here kana murudo nemweya weuyoro?
21你們願意怎麼樣呢?要我帶著刑杖到你們那裡去,還是以溫柔的靈,帶著愛心去呢?