Shona

聖經新譯本

1 Kings

11

1Zvino mambo Soromoni wakange achida vakadzi vazhinji vatorwa pamwechete nomukunda waFarao, vakadzi vavaMoabhu, navaAmoni, navaEdhomu, navaZidhoni, navaHiti;
1妃嬪引誘所羅門離棄 神所羅門王除了法老的女兒以外,又寵愛許多外族女子,就是摩押女子、亞捫女子、以東女子、西頓女子和赫人女子等。
2vaiva vendudzi dzakanga dzanzi naJehovha kuvana vaIsiraeri: Musaenda pakati pavo, naivo ngavarege kupinda pakati penyu; nekuti zvirokwazvo, vachatsausa moyo yenyu mukazotevera vamwari vavo; zvino Soromoni wakanamatira ivavo achivada.
2關於這些國家的人,耶和華曾經吩咐以色列人:“你們不可與他們往來通婚,否則他們必會引誘你們的心,去隨從他們的神。”但所羅門深深愛戀這些女子。
3wakange ana vakadzi vana mazana manomwe, vakunda vamadzimambo, navarongo vana mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa moyo wake.
3所羅門有妃七百,都是公主;有嬪三百。他的妃嬪使他的心偏離了 神。
4Nekuti Soromoni wakati akwegura, vakadzi vake vakatsausa moyo wake kuti atevere vamwe vamwari; moyo wake hauna kuzova wakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita moyo waDhavhidhi baba vake.
4所羅門年老的時候,他的妃嬪誘惑他的心偏離了 神去隨從別的神。他的心不像他的父親大衛那樣完全歸於耶和華他的 神。
5Nekuti Soromoni wakatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaZidhoni, naMirikomi mwari unonyangadza wavana vaAmoni.
5因為所羅門隨從西頓人的女神亞斯他錄,和亞捫人可憎的偶像米勒公。
6Naizvozvo Soromoni wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, haana kutevera Jehovha kwazvo, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.
6所羅門行耶和華看為惡的事,不效法他的父親大衛完完全全跟從耶和華。
7Zvino Soromoni akavakira Kemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, dunhu rakakwirira pagomo riri pamberi peJerusaremu; naMoreki, mwari unonyangadza wavana vaAmoni.
7那時,所羅門為摩押人可憎的偶像基抹和亞捫人可憎的偶像摩洛,在耶路撒冷東面的山上建造邱壇。
8Saizvozvo akaitirawo vakadzi vake vose vatorwa, vaipisira vamwari vavo zvinonhuhwira nokuvabayira.
8他為他娶自外族的妃嬪都這樣作;她們都向自己的神燒香獻祭。
9Zvino Jehovha akatsamwira Soromoni, nekuti moyo wake wakatsauka kuna Jehovha Mwari walsiraeri, iye wakange azviratidza kaviri kwaari,
9耶和華向所羅門發怒耶和華向所羅門發怒,因為他的心偏離了曾經兩次向他顯現的耶和華以色列的 神。
10akamuraira pamusoro pechinhu ichi, kuti arege kutevera vamwe vamwari; asi haana kuita zvaakanga arairwa naMwari.
10耶和華為了這事曾經吩咐他,不可隨從別的神,可是他沒有遵守耶和華吩咐的。
11Naizvozvo Jehovha akati kuna Soromoni, Zvawaita izvozvi, ukasachengeta sungano yangu nemitemo yangu, yandakakuraira, zvirokwazvo ndichabvarura ushe hwako, ndihubvise kwauri, ndihupe muranda wako.
11耶和華對所羅門說:“你既然作了這事,不遵守我吩咐你的約和律例,我必奪去你的國,把國賜給你的一個臣子。
12Kunyange zvakadaro handingazviiti pamazuva ako nokuda kwaDhavhidhi baba vako; asi ndichahubvarura, ndikahubvisa paruoko rwomwanakomana wako.
12然而,為了你父親大衛的緣故,我不會在你有生之日作這事,我要從你兒子的手中把國奪去。
13Kunyange zvakadaro handingahwubvaruri ndikahubvisa hwose asi ndichapa mwanakomana wako rudzi rumwe nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nokuda kweJerusaremu, iro guta randakatsaura.
13只是我不把整個國家奪去,為了我的僕人大衛的緣故,又為了我所揀選的耶路撒冷的緣故,我要給你的兒子留下一個支派。”
14Zvino Jehovha akamutsira Soromoni Hadhadhi muEdhomu, kuti arwe naye; iye wakange ari worudzi rwamambo paEdhomu.
14所羅門的仇敵於是耶和華興起一個人敵擋所羅門,他是以東王的後裔以東人哈達。
15Nekuti panguva iya Dhavhidhi ari paEdhomu, Joabhu mukuru wehondo wakati akwira kundoviga vakanga vaurawa, apedza kuuraya varume vose paEdhomu;
15從前大衛擊敗以東,元帥約押上去埋葬陣亡的人的時候,就把以東所有的男人都殺了。
16(nokuti Joabhu navaIsiraeri vose vakagarapo mwedzi mitanhatu, kusvikira vaparadza varume vose paEdhomu;)
16約押和以色列人在那裡住了六個月,直到把以東所有的男人都除滅了。
17Hadhadhi akatiza, akaenda Egipita, iye navamwe vaEdhomu pakati pavaranda vababa vake, iye Hadhadhi achiri mwana muduku.
17哈達與他父親的幾個以東臣僕一起逃往埃及,那時哈達還是一個小孩子。
18Ivo vakasimuka, vakabva Midhiani, vakasvika Parani; vakatora vamwe varume veParani, vakaenda Egipita kuna Farao mambo weEgipita; iye akamupa imba, akaraira kuti apiwe zvokudya, akamupawo nyika pokugara.
18他們從米甸動身,來到巴蘭,又從巴蘭帶了幾個人來到埃及,見埃及王法老。法老吩咐人給他一所房子,供應他糧食,又賜他一塊田地。
19Hadhadhi akazofarirwa kwazvo naFarao; naizvozvo akamupa muramu wake, munin'ina wavahosi vake Tapenesi, ave mukadzi wake.
19哈達在法老面前十分蒙恩,以致法老把自己妻子的妹妹,就是王后答比匿的妹妹,賜給他作妻子。
20Munin'ina waTapenesi akamuberekera mwanakomana wake Genubhati, wakarumurwa naTapenesi mumba maFarao; Genubhati akagara mumba maFarao, pakati pavanakomana vaFarao.
20答比匿的妹妹給他生了一個兒子,名叫基努拔。答比匿使他在法老的宮中長大,基努拔就與法老的眾子一起住在法老的宮中。
21Zvino Hadhadhi wakati achinzwa kuti Dhavhidhi wavata namadzibaba ake, uye kuti Joabhu mukuru wehondo wafa, Hadhadhi akati kuna Farao, Regai ndiende hangu kunyika yangu.
21後來哈達在埃及聽說大衛已經與他的列祖同睡,元帥約押也死了,哈達就對法老說:“求你容我離去,我好回到本國去。”
22Farao akati kwaari, Washaiweiko kwandiri, zvaunoda kudzokera kunyika yako? Akapindura, akati, Handina kushaiwa chinhu; kunyange zvakadaro ndiregei henyu ndiende.
22法老問他:“你在我這裡有甚麼欠缺,竟要回到你本國去呢?”他回答:“沒有甚麼欠缺,只求你無論如何讓我離開。”
23Zvino Jehovha akamumutsirazve mumwe kuzorwa naye, Rezonhi mwanakomana waEriadha, wakange atiza kunashe wake Hadhadhezeri mambo weZobha
23 神又興起一個人敵擋所羅門,就是以利亞大的兒子利遜。他是從他主人瑣巴王哈大底謝那裡逃出來的。
24akaunganidzira vanhu kwaari, akava mukuru wehondo panguva Dhavhidhi yaakauraya veZobha; vakaenda Dhamasiko, vakagarapo, vakabata ushe paDhamasiko.
24大衛擊殺瑣巴人的時候,利遜招聚了一些人,自己作了這些土匪的領袖。他前往大馬士革,住在那裡,又在大馬士革作王。
25Iye akarwa naIsiraeri mazuva ose aSoromoni, zvimwe zvakashata zvakaitwa naHadhadhi zvisingaverengwi iye akavenga vaIsiraeri, akabata ushe paSiria.
25在所羅門一生的日子,利遜都敵擋以色列人。他恨惡以色列人,並且作了亞蘭人的王。另外,哈達也不斷為患。
26Jerobhoamuwo, mwanakomana waNebhati, muEfuremu weZeredha, muranda waSoromoni, zita ramai vake rainzi Zerua, yaiva chirikadzi, wakamukirawo mambo.
26耶羅波安背叛所羅門王的臣僕,尼八的兒子耶羅波安也舉手攻擊王。他是洗利達的以法蓮人,他母親是個寡婦,名叫洗魯雅。
27Iye wakamukira mambo nemhaka yokuti Soromoni wakange avaka Miro, akagadzira pakanga pakaputsika paguta raDhavhidhi baba vake.
27他舉手攻擊王的情形是這樣的:所羅門重建米羅,修補他父親大衛城的破口;
28Zvino murume uyu Jerobhoamu wakange ari murume wesimba noumhare, Soromoni akaona kuti jaya iro raibata kwazvo, akamuita mutariri wamabasa ose eimba yaJosefa.
28耶羅波安這個人原是個有才幹的人。所羅門見這個年輕人作事殷勤,就派他管理約瑟家的所有奴工。
29Zvino panguva iyo Jerobhoamu wakati achibuda Jerusaremu, muporofita Ahija muShiro akasangana naye panzira; zvino Ahija wakange akafuka nguvo itsva; ivo vakanga vari vaviri voga kusango.
29亞希雅預言國家分裂有一次,耶羅波安從耶路撒冷出來,示羅人亞希雅先知在路上遇見他。亞希雅身上穿著一件新衣,那時田野裡只有他們二人。
30Ahija akabata nguvo itsva yaakafuka, akaibvarura akaita mapande ane gumi namaviri.
30亞希雅拿著自己身上所穿的新衣,把它撕成十二片,
31Akati kuna Jerobhoamu, Chizvitorera mapande ane gumi, nekuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Tarira, ndinobvarura ushe, ndihwubvise kuna Soromoni, ndikupe marudzi ane gumi.
31對耶羅波安說:“你拿十片去吧!因為耶和華以色列的 神這樣說:‘看哪,我必從所羅門的手裡把國奪去,把十個支派賜給你。
32(Asi iye uchava norudzi rumwe nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nokuda kweJerusaremu, guta randakatsaura kumarudzi ose aIsiraeri;)
32但是為了我的僕人大衛和為了我從以色列眾支派中所揀選的耶路撒冷的緣故,所羅門仍然可以擁有一個支派。
33nekuti vakandirasha, vakanamata kuna Ashitoreti mwarikadzi wavaZidhoni, naKemoshi mwari wavaMoabhu, naMirikomi mwari wavana vaAmoni; havana kufamba panzira dzangu, nokuita zvakarurama pamberi pangu, nokuchengeta mitemo yangu nezvandakatonga, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.
33因為他們離棄了我,去敬拜西頓人的女神亞斯他錄、摩押人的神基抹和亞捫人的神米勒公,沒有遵行我的道,行我眼中看為正的事,謹守我的律例典章,像他的父親大衛一樣。
34Kunyange zvakadaro handingabvisi ushe hwose paruoko rwake, asi ndichamuita muchinda mazuva ose oupenyu hwake nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, wandakatsaura; nekuti wakachengeta mirairo yangu nezvandakatema.
34但是,我不會把整個國家從他的手裡奪去,我必使他終身作人君,是因我所揀選的僕人大衛謹守了我的誡命律例的緣故。
35Asi ndichabvisa umambo kumwanakomana wake, ndihupe iwe, iwo marudzi ane gumi.
35我要從他兒子的手中把國奪去,賜給你十個支派。
36Asi mwanakomana wake ndichamupa rudzi rumwe, kuti Dhavhidhi muranda wangu ave nomwenje nguva dzose pamberi pangu paJerusaremu, iro guta randakazvitsaurira, ndiise zita rangupo.
36至於所羅門的兒子,我要給他一個支派,好使我的僕人大衛在我所揀選立我名的城耶路撒冷,在我面前常常有燈光。
37ndichakutora iwe, ugobata ushe sezvinoda moyo wako, ugova mambo waIsiraeri.
37我要揀選你,使你可以照心裡想望的去統治。你必作以色列的王。
38Kana ukateerera zvose zvandinokuraira, ukafamba munzira dzangu, ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukachengeta zvandatema nemirairo yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ini ndichava newe, ndichakuvakira imba yakasimba, sezvandakavakira Dhavhidhi, ndigokupa Isiraeri.
38你若是聽從我吩咐你的一切,遵行我的道,行我看為正的事,謹守我的律例誡命,像我的僕人大衛所行的一樣,我就與你同在,為你建立一個鞏固的朝代,像我為大衛建立的一樣,並且我要把以色列賜給你。
39Nekuti nemhaka iyi ndichatambudza vana vaDhavhidhi, asi handingazviiti nokusingaperi.
39因此,我要使大衛的後裔遭受苦難,不過,卻不是永遠的。’”
40Naizvozvo Soromoni akatsvaka kuuraya Jerobhoamu; asi Jerobhoamu wakasimuka, akatizira Egipita kuna Shishaki mambo weEgipita, akagarapo paEgipita kusvikira pakufa kwaSoromoni.
40於是所羅門想要殺死耶羅波安,耶羅波安卻逃往埃及去,到了埃及王示撒那裡,就留在埃及,直等到所羅門死了為止。
41Zvino mamwe mashoko aSoromoni, nezvose zvaakaita, nokungwara kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku ramabasa aSoromoni?
41所羅門逝世(代下9:29~31)所羅門其餘的事:他所行的和他的智慧,不是都寫在《所羅門記》上嗎?
42Zvino nguva yakabata Soromoni vaIsiraeri vose paJerusaremu aiva makore makumi mana.
42所羅門在耶路撒冷作以色列眾人的王共四十年。
43Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akazomutevera pakubata ushe.
43所羅門與他的列祖同睡,埋葬在他父親大衛的城裡。他的兒子羅波安接續他作王。