1Zvino nenguva iyo Abhija mwanakomana waJerobhoamu akarwara.
1亞希雅對耶羅波安家的預言那時,耶羅波安的兒子亞比雅病了。
2Jerobhoamu akati kumukadzi wake, Simuka hako, ushandure nguvo dzako, kuti urege kuzikamwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu, ugoenda Shiro; tarira, muporofita Ahija uripo, iye wakadeya kutaura pamusoro pangu, kuti ndizova mambo wavanhu ava.
2耶羅波安對他的妻子說:“你起來改裝,使人認不出你是耶羅波安的妻子。到示羅去,有亞希雅先知在那裡,他曾對我說,我必作這民的王。
3Uende nezvingwa zvine gumi, nezvingwa zviduku, nechidende chouchi, uzviise kwaari; iye uchakuudza zvichaitirwa mwana.
3你要帶十個餅,一些餅乾和一瓶蜜去見他,他會告訴你孩子將要怎樣。”
4Mukadzi waJerobhoamu akaita saizvozvo, akasimuka, akaenda Shiro, akasvika paimba yaAhija. Zvino Ahija wakange asingagoni kuona, nekuti meso ake akanga owonera madzedzerere nemhaka yokukwegura kwake.
4耶羅波安的妻子就這樣行了。她動身往示羅去,到了亞希雅的家;亞希雅因為年紀老邁,眼睛昏花,不能看見。
5Zvino Jehovha akati kuna Ahija, Tarira, mukadzi waJerobhoamu unouya kuzokubvunza pamusoro pomwanakomana wake, nekuti unorwara; unofanira kutaura zvokuti nezvokuti kwaari, nekuti kana achipinda, uchazviita somumwe mukadzi.
5耶和華對亞希雅說:“看哪,耶羅波安的妻子要來向你求問關於她兒子的事,因為他病了。你要這樣這樣告訴她。她進來的時候,必裝作別的婦人。”
6Zvino Ahija wakati achinzwa kufamba kwetsoka dzake, achipinda pamukova, akati, Chipinda hako, iwe mukadzi waJerobhoamu, unozviitireiko somumwe? nekuti ndatumwa kwauri namashoko anorwadza moyo.
6耶羅波安的兒子死亡她剛進門的時候,亞希雅就聽見她的腳步聲,就說:“耶羅波安的妻子啊!進來吧!你為甚麼要這樣改裝呢?我奉差派要把凶信告訴你。
7Enda, uudze Jerobhoamu, uti, Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri: Ndakakukudza pakati pavanhu, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri,
7你去告訴耶羅波安:‘耶和華以色列的 神這樣說:我從人民中提拔了你,又立了你作治理我的子民以色列的領袖。
8ndikabvarura ushe, ndikahubvisa paimba yaDhavhidhi, ndikahupa iwe; asi iwe hauna kuva saDhavhidhi muranda wangu, waichengeta mirairo yangu, akanditevera nomoyo wake wose, achiita zvakanaka zvoga pameso angu;
8我把國從大衛家奪過來,賞賜給你;你卻不像我僕人大衛那樣謹守我的誡命,一心跟從我,行我看為正的事。
9asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakakutangira, ukandozviitira vamwe vamwari nemifananidzo yakaumbwa, kuti unditsamwise; ukandirashira shure komusana wako.
9你反倒行惡,比那些在你以前的更壞;又去為自己製造了別的神和鑄造偶像惹我發怒,把我丟在背後。
10Naizvozvo, tarira, ndichaitira imba yaJerobhoamu zvakaipa; ndichaparadza kuna Jerobhoamu vana vakomana vose, vaduku navakuru kuvaIsiraeri, nditsvaire chose imba yaJerobhoamu, somunhu unotsvaira marara kusvikira abva ose.
10因此,我必使災禍臨到耶羅波安的家;我必剪除以色列中所有屬於耶羅波安的男丁,無論是自由的或是不自由的;我必剷除耶羅波安的家,像人掃除糞土一樣,直到完全除盡為止。
11Ani naani weimba yaJerobhoamu unofira paguta uchadyiwa nembwa; unofira kusango uchadyiwa neshiri dzokudenga; nekuti Jehovha wakataura saizvozvo.
11屬於耶羅波安的人,死在城裡的,必被狗吃掉;死在田野的,必給空中的飛鳥吃掉。因為這是耶和華說的。’
12Naizvozvo iwe, simuka uende kumba kwako; kana tsoka dzako dzichipinda paguta, mwana uchafa.
12所以你起來,回家去吧,你的腳一進城,你的孩子就必死亡。
13Valsiraeri vose vachamuchema, vakamuviga; nekuti ndiye oga waJerobhoamu uchasvika pahwiro, nekuti maari makawanikwa chinhu chakanaka chakafadza Jehovha Mwari waIsiraeri, paimba yaJerobhoamu.
13以色列眾人要為他舉哀,把他埋葬;屬耶羅波安的人中,只有他可以入葬墳墓;因為在耶羅波安的家中,只有他向耶和華以色列的 神顯出善行。
14Jehovha uchazvimutsirawo mambo kuvaIsiraeri, uchaparadza imba yaJerobhoamu nomusi uyo. Nomusi uyo here? Zvotoitwa zvino.
14耶和華必為自己興起一個王治理以色列,他必剪除耶羅波安家,今天就是時候了,就是現在!
15Nekuti Jehovha ucharova Isiraeri, sorutsanga runozununguswa mumvura; uchadzura Isiraeri panyika ino yakanaka, yaakapa madzibaba avo, nokuvaparadzira mhiri kwerwizi; nekuti vakazviitira matanda okunamata nawo vakatsamwisa Jehovha.
15耶和華必擊打以色列人,他們就擺動,像蘆葦在水中擺動一樣。他要把以色列人從他賜給他們列祖的這塊美地上拔出來,把他們分散在幼發拉底河那邊,因為他們做了亞舍拉,惹耶和華發怒。
16Uchaisa Isiraeri kuvavengi nokuda kwezvivi zvaJerobhoamu, zvaakaita iye, nezvaakatadzisa Isiraeriwo nazvo.
16為了耶羅波安所犯的罪,又為了他使以色列人所犯的罪,耶和華必丟棄以色列人。”
17Zvino mukadzi waJerobhoamu akasimuka, akaenda, akasvika Tiriza; wakati achisvika pachikumbaridzo cheimba, mwana akafa.
17耶羅波安的妻子動身離去,回到得撒;她一踏進門檻,孩子就死了。
18VaIsiraeri vose vakamuviga, vakamuchema, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo womuranda wake muporofita Ahija.
18以色列眾人把他埋葬了,又為他舉哀,好像耶和華藉著他的僕人亞希雅先知所說的話一樣。
19Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, kurwa kwake, nokubata kwake ushe, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.
19耶羅波安逝世耶羅波安其餘的事蹟,他怎樣爭戰,怎樣作王,都寫在以色列諸王的年代誌上。
20Mazuva okubata ushe kwaJerobhoamu akanga ari makore makumi maviri namaviri; akavata namadzibaba ake, Nadhabhi mwanakomana wake, akamutevera paushe.
20耶羅波安作王的日子共二十二年,就與他的列祖同睡。他的兒子拿答接續他作王。
21Zvino Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, wakabata ushe hwaJudha. Rehobhoamu wakange ana makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore ane gumi namanomwe paJerusaremu, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pakati pamarudzi ose alsiraeri, kuti aise zita rakepo. Zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.
21羅波安作猶大王(代下11:5~12:16)所羅門的兒子羅波安在猶大作王。他登基的時候,是四十一歲;他在耶路撒冷,就是耶和華從以色列各支派中所揀選,在那裡立他名的城,作王十七年。他的母親名叫拿瑪,是亞捫人。
22Judha akaita zvakaipa pameso aJehovha; vakamutsa shungu dzake nezvivi zvavo zvavakanga vachiita, vakapfuura zvose zvakaitwa namadzibaba avo.
22猶大人行耶和華看為惡的事;他們所犯的罪,惹動他的妒忿比他們的列祖更厲害。
23Nekuti naivo vakazvivakira matunhu akakwirira, neshongwe, namatanda okunamata nawo pazvikomo zvose zvakakwirira, napasi pemiti yose mitema.
23他們又為自己在各高岡上,各茂盛樹下建造邱壇、神柱和亞舍拉。
24Vasodhomi vakanga varipowo panyika; ivo vakaita nemitowo yokunyangadza kose kwendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
24國內又有男妓,他們仿效耶和華在以色列人面前所趕出的外族人,行了一切可憎的事。
25Zvino pagore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weEgipita akakwira kuzorwa naJerusaremu;
25羅波安王第五年,埃及王示撒上來攻打耶路撒冷。
26akatora fuma yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo; akazvitora zvose, akatorawo nhovo duku dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni.
26他奪去了耶和華的寶物和王宮的寶物,並且把所有的東西都奪去了;又把所羅門所做的一切金盾牌都奪了去。
27Ipapo mambo Rehobhoamu akaita panzvimbo yadzo nhovo duku dzendarira, akadziisa pamaoko avakuru vavarindi, vairinda mukova weimba yamambo.
27羅波安王做了銅盾牌代替那些金盾牌;交給看守宮門的衛兵隊長看管。
28Zvino nguva dzose kana mambo achipinda mumba maJehovha, varindi vaidzibata, ndokudzidzoserazve mumba mavarindi.
28王每次進耶和華殿的時候,衛兵就拿著這些盾牌,隨後又把盾牌送回護衛室裡。
29Mamwe mabasa aRehobhoamu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha.
29羅波安其餘的事蹟和他所行的一切,不是都寫在猶大列王的年代誌上嗎?
30Asi kurwa kwaivapo nguva dzose pakati paRehobhoamu naJerobhoamu.
30羅波安與耶羅波安之間常有戰爭。
31Rehobhoamu akavata namadzibaba ake, akavigwa kunamadzibaba ake muguta raDhavhidhi; zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni. Abhija mwanakomana wake akamutevera paushe.
31羅波安與他的列祖同睡,與他的列祖一同埋葬在大衛的城裡。他的母親名叫拿瑪,是亞捫人;他的兒子亞比央接續他作王。